1Zvino vakabva Erimu parwendo rwavo, ungano yose yavana vaIsiraeri ikasvika parenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi namashanu romwedzi wechipiri pakubva kwavo panyika yeEgipita.
1イスラエルの人々の全会衆はエリムを出発し、エジプトの地を出て二か月目の十五日に、エリムとシナイとの間にあるシンの荒野にきたが、
2Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mozisi naAroni murenje;
2その荒野でイスラエルの人々の全会衆は、モーセとアロンにつぶやいた。
3vana vaIsiraeri vakati kwavari, Tingadai takafira hedu munyika yeEgipita noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nekuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.
3イスラエルの人々は彼らに言った、「われわれはエジプトの地で、肉のなべのかたわらに座し、飽きるほどパンを食べていた時に、主の手にかかって死んでいたら良かった。あなたがたは、われわれをこの荒野に導き出して、全会衆を餓死させようとしている」。
4Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete.
4そのとき主はモーセに言われた、「見よ、わたしはあなたがたのために、天からパンを降らせよう。民は出て日々の分を日ごとに集めなければならない。こうして彼らがわたしの律法に従うかどうかを試みよう。
5Zvino nomusi wetanhatu kana vogadzira izvo zvavauya nazvo, zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero chavanosiunganidza zuva rimwe nerimwe.
5六日目には、彼らが取り入れたものを調理すると、それは日ごとに集めるものの二倍あるであろう」。
6Zvino Mozisi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeEgipita.
6モーセとアロンは、イスラエルのすべての人々に言った、「夕暮には、あなたがたは、エジプトの地からあなたがたを導き出されたのが、主であることを知るであろう。
7Fume mangwana muchaona kubwinya kwaJehovha, nekuti iye akanzwa kupopota kwamakapopotera Jehovha nako; isu tisu vanaaniko, zvamunotipopotera isu?
7また、朝には、あなたがたは主の栄光を見るであろう。主はあなたがたが主にむかってつぶやくのを聞かれたからである。あなたがたは、いったいわれわれを何者として、われわれにむかってつぶやくのか」。
8Mozisi akati, Muchaona izvozvo kana Jehovha achikupai nyama madekwana, mukaidya, namangwana kana achikupai zvingwa, mukaguta; nekuti Jehovha akanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu vanaaniko zvamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehovha.
8モーセはまた言った、「主は夕暮にはあなたがたに肉を与えて食べさせ、朝にはパンを与えて飽き足らせられるであろう。主はあなたがたが、主にむかってつぶやくつぶやきを聞かれたからである。いったいわれわれは何者なのか。あなたがたのつぶやくのは、われわれにむかってでなく、主にむかってである」。
9Mozisi akati kuna Aroni, Udza ungano yose yavana vaIsiraeri, uti, Swederai pamberi paJehovha, nekuti akanzwa kupopota kwenyu.
9モーセはアロンに言った、「イスラエルの人々の全会衆に言いなさい、『あなたがたは主の前に近づきなさい。主があなたがたのつぶやきを聞かれたからである』と」。
10Zvino Aroni akati achataura neungano yose yavana vaIsiraeri, ivo vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore.
10それでアロンがイスラエルの人々の全会衆に語ったとき、彼らが荒野の方を望むと、見よ、主の栄光が雲のうちに現れていた。
11Jehovha akataura naMozisi, akati,
11主はモーセに言われた、
12Ndanzwa kupopota kwevana vaIsiraeri; taura navo uti, Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu.
12「わたしはイスラエルの人々のつぶやきを聞いた。彼らに言いなさい、『あなたがたは夕には肉を食べ、朝にはパンに飽き足りるであろう。そうしてわたしがあなたがたの神、主であることを知るであろう』と」。
13Zvino madekwana zvihuta zvikakwira, zvikafukidza misasa; fume mangwana dova rakanga rakapoteredza misasa.
13夕べになると、うずらが飛んできて宿営をおおった。また、朝になると、宿営の周囲に露が降りた。
14Zvino dova rakanga riri pasi rikati radzimuka, vakaona zvinhu zviduku zvakaurungana zvakanga zviri pasi murenje, zviduku sechando pavhu.
14その降りた露がかわくと、荒野の面には、薄いうろこのようなものがあり、ちょうど地に結ぶ薄い霜のようであった。
15Vana vaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, Chinyiko? nekuti vakanga vasingazvizivi. Mozisi akati kwavari, Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.
15イスラエルの人々はそれを見て互に言った、「これはなんであろう」。彼らはそれがなんであるのか知らなかったからである。モーセは彼らに言った、「これは主があなたがたの食物として賜わるパンである。
16Zvino heri shoko rakarairwa naJehovha, Muzviunganidzire chinhu icho, mumwe nomumwe sezvaanosidya; munhu mumwe nomumwe omeri imwe, muchiverenga vanhu venyu, mumwe nomumwe atorere vari mutende rake.
16主が命じられるのはこうである、『あなたがたは、おのおのその食べるところに従ってそれを集め、あなたがたの人数に従って、ひとり一オメルずつ、おのおのその天幕におるもののためにそれを取りなさい』と」。
17Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakaunganidza zvizhinji, vamwe zvishoma.
17イスラエルの人々はそのようにして、ある者は多く、ある者は少なく集めた。
18Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya.
18しかし、オメルでそれを計ってみると、多く集めた者にも余らず、少なく集めた者にも不足しなかった。おのおのその食べるところに従って集めていた。
19Mozisi akati kwavari, Kurege kuva nomunhu anosiya zvimwe kusvikira mangwana.
19モーセは彼らに言った、「だれも朝までそれを残しておいてはならない」。
20Asi havana kuteerera Mozisi, asi vamwe vakasiya zvimwe kusvikira mangwana; zvikazara honye, zvikanhuwa; Mozisi akavatsamwira.
20しかし彼らはモーセに聞き従わないで、ある者は朝までそれを残しておいたが、虫がついて臭くなった。モーセは彼らにむかって怒った。
21Vakazviunganidza mangwanani ose, mumwe nomumwe sezvaaidya; kana zuva ropisa zvakanyakatika.
21彼らは、おのおのその食べるところに従って、朝ごとにそれを集めたが、日が熱くなるとそれは溶けた。
22Nezuva retanhatu vaiunganidza chingwa vachiita zviyero zviviri, mumwe nomumwe omeri zvino vakuru vose veungano vakauya kuzoudza Mozisi.
22六日目には、彼らは二倍のパン、すなわちひとりに二オメルを集めた。そこで、会衆の長たちは皆きて、モーセに告げたが、
23Mozisi akati kwavari, Ndizvo zvakataurwa naJehovha, Mangwana izuva rezororo, isabata rakatsaurirwa Jehovha; gochai zvamunoda kugocha, bikai zvamunoda kubika; zvose zvasara muzvivige, muzvichengetere mangwana.
23モーセは彼らに言った、「主の語られたのはこうである、『あすは主の聖安息日で休みである。きょう、焼こうとするものを焼き、煮ようとするものを煮なさい。残ったものはみな朝までたくわえて保存しなさい』と」。
24Vakazviviga kusvikira mangwana, sezvavakanga varairwa naMozisi; zvino izvo hazvina kunhuwa, nehonye hadzina kuzovamo.
24彼らはモーセの命じたように、それを朝まで保存したが、臭くならず、また虫もつかなかった。
25Mozisi akati, Chidyai henyu izvozvo nhasi, nekuti nhasi isabata raJehovha. Nhasi hamungazviwani kusango.
25モーセは言った、「きょう、それを食べなさい。きょうは主の安息日であるから、きょうは野でそれを獲られないであろう。
26Munofanira kuzviunganidza mazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe isabata; nezuva iroro hakungavi nechinhu.
26六日の間はそれを集めなければならない。七日目は安息日であるから、その日には無いであろう」。
27Zvino nezuva rechinomwe vamwe vakabuda kunozviunganidza, asi havana kuwana chinhu.
27ところが民のうちには、七日目に出て集めようとした者があったが、獲られなかった。
28Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemirau yangu kusvikira rinhiko?
28そこで主はモーセに言われた、「あなたがたは、いつまでわたしの戒めと、律法とを守ることを拒むのか。
29Tarirai, Jehovha zvaakakupai sabata, naizvozvo anokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurega kuvapo nomunhu anobuda kwaagere nezuva rechinomwe.
29見よ、主はあなたがたに安息日を与えられた。ゆえに六日目には、ふつか分のパンをあなたがたに賜わるのである。おのおのその所にとどまり、七日目にはその所から出てはならない」。
30Vanhu vakazorora nezuva rechinomwe.
30こうして民は七日目に休んだ。
31Zvino veimba yaIsiraeri vakatumidza izvozvo zita rinonzi Mana; chakanga chiri chichena setsanga yekorianderi; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi.
31イスラエルの家はその物の名をマナと呼んだ。それはコエンドロの実のようで白く、その味は蜜を入れたせんべいのようであった。
32Zvino Mozisi akati, Ndiro shoko rakarairwa naJehovha, Omeri izere ngaichengeterwe marudzi enyu, vaone chingwa chandakakugutsai nacho murenje, nguva yandakakubudisai munyika yeEgipita.
32モーセは言った、「主の命じられることはこうである、『それを一オメルあなたがたの子孫のためにたくわえておきなさい。それはわたしが、あなたがたをエジプトの地から導き出した時、荒野であなたがたに食べさせたパンを彼らに見させるためである』と」。
33Zvino Mozisi akati kuna Aroni, Tora hari uisemo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehovha, kuti ichengeterwe marudzi enyu.
33そしてモーセはアロンに言った「一つのつぼを取り、マナ一オメルをその中に入れ、それを主の前に置いて、子孫のためにたくわえなさい」。
34Sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, saizvozvo Aroni akazvigadzika pamberi peChipupuriro, kuti zvichengetwepo.
34そこで主がモーセに命じられたように、アロンはそれをあかしの箱の前に置いてたくわえた。
35Vana vaIsiraeri vakadya mana*makore makumi mana, kudzimara vachisvika panyika yakagarwa navanhu; vakadya mana*kudzimara vachisvika pamiganhu yenyika yeKanani.
35イスラエルの人々は人の住む地に着くまで四十年の間マナを食べた。すなわち、彼らはカナンの地の境に至るまでマナを食べた。一オメルは一エパの十分の一である。
36Zvino omeri chegumi cheefa.
36一オメルは一エパの十分の一である。