1Zvino Jeturo, mupristi weMidhiani, mukarahwa waMozisi, akanzwa zvose zvakaitira Jehovha Mozisi navaIsiraeri, vanhu vake, kuti Jehovha akabudisa vaIsiraeri muEgipita.
1さて、モーセのしゅうと、ミデアンの祭司エテロは、神がモーセと、み民イスラエルとにされたすべての事、主がイスラエルをエジプトから導き出されたことを聞いた。
2Jeturo, mukarahwa waMozisi, akatora Zipora, mukadzi waMozisi, nekuti akanga amudzosera kuna baba vake,
2それでモーセのしゅうと、エテロは、さきに送り返されていたモーセの妻チッポラと、
3navanakomana vake vaviri zita romumwe rainzi Geshomi, nekuti akati, Ndakanga ndiri mweni panyika yavamwe;
3そのふたりの子とを連れてきた。そのひとりの名はゲルショムといった。モーセが、「わたしは外国で寄留者となっている」と言ったからである。
4nezita romumwe rainzi Ereazari, nekuti akati, Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu, akandirwira pamunondo waFarao.
4ほかのひとりの名はエリエゼルといった。「わたしの父の神はわたしの助けであって、パロのつるぎからわたしを救われた」と言ったからである。
5Jeturo mukarahwa waMozisi akauya navanakomana vaMozisi nomukadzi wake kuna Mozisi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa;
5こうしてモーセのしゅうと、エテロは、モーセの妻子を伴って、荒野に行き、神の山に宿営しているモーセの所にきた。
6akati kuna Mozisi, Ini mukarahwa wako, Jeturo, ndauya kwauri nomukadzi wako navanakomana vake vaviri vanaye.
6その時、ある人がモーセに言った、「ごらんなさい。あなたのしゅうと、エテロは、あなたの妻とそのふたりの子を連れて、あなたの所にこられます」。
7Mozisi akandosangana nomukarahwa wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamutsvoda; vakabvunzana mufaro, vakapinda mutende.
7そこでモーセはしゅうとを出迎えて、身をかがめ、彼に口づけして、互に安否を問い、共に天幕にはいった。
8Zvino Mozisi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao navaEgipita nokuda kwavaIsiraeri, nokutambudzika kose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha.
8そしてモーセは、主がイスラエルのために、パロとエジプトびととにされたすべての事、道で出会ったすべての苦しみ、また主が彼らを救われたことを、しゅうとに物語ったので、
9Jeturo akafara pamusoro pezvose zvakanaka zvakanga zvaitirwa vaIsiraeri naJehovha, kuti akavarwira pamaoko avaEgipita.
9エテロは主がイスラエルをエジプトびとの手から救い出して、もろもろの恵みを賜わったことを喜んだ。
10Jeturo akati, Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko avaEgipita, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko avaEgipita.
10そしてエテロは言った、「主はほむべきかな。主はあなたがたをエジプトびとの手と、パロの手から救い出し、民をエジプトびとの手の下から救い出された。
11Zvino ndinoziva kuti Jehovha mukuru kuvamwari vose pachinhu icho chavakazvikudza nacho kwavari.
11今こそわたしは知った。実に彼らはイスラエルびとにむかって高慢にふるまったが、主はあらゆる神々にまさって大いにいますことを」。
12Ipapo Jeturo, mukarahwa waMozisi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibayiro; Aroni navakuru vose vaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMozisi pamberi paMwari.
12そしてモーセのしゅうとエテロは燔祭と犠牲を神に供え、アロンとイスラエルの長老たちもみなきて、モーセのしゅうとと共に神の前で食事をした。
13Zvino fume mangwana Mozisi akagara achitambira vanhu mhaka dzavo, vanhu vakamira pamberi paMozisi kubva mangwanani kusvikira madekwana.
13あくる日モーセは座して民をさばいたが、民は朝から晩まで、モーセのまわりに立っていた。
14Zvino mukarahwa waMozisi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?
14モーセのしゅうとは、彼がすべて民にしていることを見て、言った、「あなたが民にしているこのことはなんですか。あなたひとりが座し、民はみな朝から晩まで、あなたのまわりに立っているのはなぜですか」。
15Mozisi akati kumukarahwa wake: Nekuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza Mwari;
15モーセはしゅうとに言った、「民が神に伺おうとして、わたしの所に来るからです。
16kana vane shoko vanosiuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndichivazivisa zvakatemwa naMwari nemirairo yake.
16彼らは事があれば、わたしの所にきます。わたしは相互の間をさばいて、神の定めと判決を知らせるのです」。
17Zvino mukarahwa waMozisi akati kwaari, Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka.
17モーセのしゅうとは彼に言った、「あなたのしていることは良くない。
18Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nekuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga.
18あなたも、あなたと一緒にいるこの民も、必ず疲れ果てるであろう。このことはあなたに重過ぎるから、ひとりですることができない。
19Teerera zvino inzwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari;
19今わたしの言うことを聞きなさい。わたしはあなたに助言する。どうか神があなたと共にいますように。あなたは民のために神の前にいて、事件を神に述べなさい。
20uvadzidzise zvakatemwa nemirairo, uvaratidze nzira yavanofanira kufamba nayo, nebasa ravanofanira kuita.
20あなたは彼らに定めと判決を教え、彼らの歩むべき道と、なすべき事を彼らに知らせなさい。
21Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vechokwadi vanovenga kufufurwa; uvaite vabati vavo vezvuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi;
21また、すべての民のうちから、有能な人で、神を恐れ、誠実で不義の利を憎む人を選び、それを民の上に立てて、千人の長、百人の長、五十人の長、十人の長としなさい。
22ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe.
22平素は彼らに民をさばかせ、大事件はすべてあなたの所に持ってこさせ、小事件はすべて彼らにさばかせなさい。こうしてあなたを身軽にし、あなたと共に彼らに、荷を負わせなさい。
23Kana ukaita chinhu ichi, Mwari akakuraira saizvozvo, iwe uchagona kutsunga, navanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.
23あなたが、もしこの事を行い、神もまたあなたに命じられるならば、あなたは耐えることができ、この民もまた、みな安んじてその所に帰ることができよう」。
24Mozisi akateerera inzwi romukarahwa wake, akaita zvose zvaakanga audzwa naye.
24モーセはしゅうとの言葉に従い、すべて言われたようにした。
25Mozisi akatsaura varume vakachenjera pakati pavaIsiraeri vose, akavaita vakuru vavanhu, vabati vezviuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi.
25すなわち、モーセはすべてのイスラエルのうちから有能な人を選んで、民の上に長として立て、千人の長、百人の長、五十人の長、十人の長とした。
26Ivo vakatamba mhaka dzavanhu nguva dzose; mashoko makuru vaisiuya nawo kuna Mozisi, asi mashoko ose maduku vaiatamba vamene.
26平素は彼らが民をさばき、むずかしい事件はモーセに持ってきたが、小さい事件はすべて彼らみずからさばいた。こうしてモーセはしゅうとを送り返したので、その国に帰って行った。
27Zvino Mozisi akatendera mukarahwa wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.
27こうしてモーセはしゅうとを送り返したので、その国に帰って行った。