1Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
1主はモーセに言われた、
2Taura navana vaIsiraeri kuti vandipe chipo; munditorere chipo kune mumwe nomumwe anoda kundiitira izvozvo nomoyo wake.
2「イスラエルの人々に告げて、わたしのためにささげ物を携えてこさせなさい。すべて、心から喜んでする者から、わたしにささげる物を受け取りなさい。
3Ndicho chipo chamunofanira kutora kwavari: Ndarama, nesirivha, nendarira,
3あなたがたが彼らから受け取るべきささげ物はこれである。すなわち金、銀、青銅、
4nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,
4青糸、紫糸、緋糸、亜麻の撚糸、やぎの毛糸、
5namatebwe amakondobwe akazodzwa zvitsvuku, namatebwe amatenhe, namatanda omuakasia,
5あかね染の雄羊の皮、じゅごんの皮、アカシヤ材、
6namafuta emwenje, nezvinonhuhwira zvamafuta okuzodza, noupfu unonhuhwira,
6ともし油、注ぎ油と香ばしい薫香のための香料、
7nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva.
7縞めのう、エポデと胸当にはめる宝石。
8Ngavandiitire nzvimbo tsvene, kuti ndigare pakati pavo;
8また、彼らにわたしのために聖所を造らせなさい。わたしが彼らのうちに住むためである。
9sezvandichakuratidza zvose, iwo mufananidzo wetabhenakeri, nomufananidzo wenhumbi dzayo dzose, munofanira kuita saizvozvo.
9すべてあなたに示す幕屋の型および、そのもろもろの器の型に従って、これを造らなければならない。
10Ngavaite areka yamatanda omuakasia, kureba kwayo kunofanira kuva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwira kwayo kubhiti rimwe nehafu.
10彼らはアカシヤ材で箱を造らなければならない。長さは二キュビト半、幅は一キュビト半、高さは一キュビト半。
11Unofanira kuifukidza nendarama yakaisvonaka, uifukidze nechomukati nechokunze, uite pamusoro payo hata yendarama inoipoteredza.
11あなたは純金でこれをおおわなければならない。すなわち内外ともにこれをおおい、その上の周囲に金の飾り縁を造らなければならない。
12Uiumbire zvindori zvina zvendarama, uzviise pamakumbo ayo mana, zvindori zviviri zvive parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivi.
12また金の環四つを鋳て、その四すみに取り付けなければならない。すなわち二つの環をこちら側に、二つの環をあちら側に付けなければならない。
13Uveze matanda omuakasia, ndokuafukidza nendarama.
13またアカシヤ材のさおを造り、金でこれをおおわなければならない。
14Ugopinza matanda iwayo muzvindori zviri panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo.
14そしてそのさおを箱の側面の環に通し、それで箱をかつがなければならない。
15Matanda anofanira kugara muzvindori zveareka, ngaarege kubviswa kwazviri.
15さおは箱の環に差して置き、それを抜き放してはならない。
16Zvino unofanira kuisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa.
16そしてその箱に、わたしがあなたに与えるあかしの板を納めなければならない。
17Uitewo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho makubhiti maviri nehafu; noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu.
17また純金の贖罪所を造らなければならない。長さは二キュビト半、幅は一キュビト半。
18Uitewo makerubhi maviri endarama uaite nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa.
18また二つの金のケルビムを造らなければならない。これを打物造りとし、贖罪所の両端に置かなければならない。
19Ita kerubhi rimwe pamuromo mumwe nerimwe kerubhi pano mumwe muromo; uite makerubhi pamiromo yacho miviri zvive chinhu chimwe nechifunhiro chokuyananisa.
19一つのケルブをこの端に、一つのケルブをかの端に造り、ケルビムを贖罪所の一部としてその両端に造らなければならない。
20Makerubhi atambanudzire mapapiro avo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa.
20ケルビムは翼を高く伸べ、その翼をもって贖罪所をおおい、顔は互にむかい合い、ケルビムの顔は贖罪所にむかわなければならない。
21Uise chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka, ugoisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa.
21あなたは贖罪所を箱の上に置き、箱の中にはわたしが授けるあかしの板を納めなければならない。
22Ndipo pandichasangana newe, nditaure newe, ndiri pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, pamusoro peareka yechipupuriro, ndikuudze zvose zvandichakupa, kuti uraire vanhu valsiraeri.
22その所でわたしはあなたに会い、贖罪所の上から、あかしの箱の上にある二つのケルビムの間から、イスラエルの人々のために、わたしが命じようとするもろもろの事を、あなたに語るであろう。
23Itawo tafura yamatanda omuakasia, kureba kwayo makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu.
23あなたはまたアカシヤ材の机を造らなければならない。長さは二キュビト、幅は一キュビト、高さは一キュビト半。
24Uifukidze nendarama yakaisvonaka, ugoiitirawo hata yendarama inoipoteredza.
24純金でこれをおおい、周囲に金の飾り縁を造り、
25Uiitire ukomba unoipoteredza, unoupamhi sobwechanza, ugoiitirawo hata yendarama inopoteredza ukomba hwayo.
25またその周囲に手幅の棧を造り、その棧の周囲に金の飾り縁を造らなければならない。
26Uiitire zvindori zvina zvendarama, ugoisa zvindori pamakona mana ari pamakumbo ayo mana.
26また、そのために金の環四つを造り、その四つの足のすみ四か所にその環を取り付けなければならない。
27Zvindori zvive pedo noukomba, pave pokutakura tafura napo namatanda.
27環は棧のわきに付けて、机をかつぐさおを入れる所としなければならない。
28Matanda uaite nomuakasia, uafukidze nendarama, tafura igotakurwa nawo.
28またアカシヤ材のさおを造り、金でこれをおおい、それをもって、机をかつがなければならない。
29Uitewo midziyo yayo, nembiya dzayo, nezvirongo zvayo, nemikombe yayo yokudira nayo; uzviite nendarama yakaisvonaka.
29また、その皿、乳香を盛る杯および灌祭を注ぐための瓶と鉢を造り、これらは純金で造らなければならない。
30Misi yose unofanira kuisa pamberi pangu patafura chingwa chokuratidza.
30そして机の上には供えのパンを置いて、常にわたしの前にあるようにしなければならない。
31Unofanira kuitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; chigadziko chiitwe nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose ngazviitwe chive chinhu chimwe nacho;
31また純金の燭台を造らなければならない。燭台は打物造りとし、その台、幹、萼、節、花を一つに連ならせなければならない。
32kumativi acho ngakubude matavi matanhatu; matavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho.
32また六つの枝をそのわきから出させ、燭台の三つの枝をこの側から、燭台の三つの枝をかの側から出させなければならない。
33Ngapave nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nepfundo, neruva, nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nepfundo, neruva: saizvozvo matavi matanhatu anobuda pachigadziko;
33あめんどうの花の形をした三つの萼が、それぞれ節と花をもって一つの枝にあり、また、あめんどうの花の形をした三つの萼が、それぞれ節と花をもってほかの枝にあるようにし、燭台から出る六つの枝を、みなそのようにしなければならない。
34uye pachigadziko pave nezvimbiya zvina zvakaumbwa samaruva azvo;
34また、燭台の幹には、あめんどうの花の形をした四つの萼を付け、その萼にはそれぞれ節と花をもたせなさい。
35nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamamwe matavi akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu anobuda pachigadziko.
35すなわち二つの枝の下に一つの節を取り付け、次の二つの枝の下に一つの節を取り付け、更に次の二つの枝の下に一つの節を取り付け、燭台の幹から出る六つの枝に、みなそのようにしなければならない。
36Mapfundo azvo namatavi azvo ngazvive pamwechete nazvo; zvose zvive chinhu chimwe chakaumbwa nendarama yakaisvonaka yakapambadzirwa.
36それらの節と枝を一つに連ね、ことごとく純金の打物造りにしなければならない。
37Uitewo mwenje yacho minomwe; vagotungidza mwenje yacho, kuti ivhenekere pamberi pacho.
37また、それのともしび皿を七つ造り、そのともしび皿に火をともして、その前方を照させなければならない。
38Nembato dzacho, nendiro dzacho, nemwenje yacho, zviumbwe nendarama yakaisvonaka.
38その芯切りばさみと、芯取り皿は純金で造らなければならない。
39Ngazviumbwe netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo iyoyo yose.
39すなわち純金一タラントで燭台と、これらのもろもろの器とが造られなければならない。そしてあなたが山で示された型に従い、注意してこれを造らなければならない。
40Uchenjerere kuti uzviite nomufananidzo wazvo wawakaratidzwa pagomo.
40そしてあなたが山で示された型に従い、注意してこれを造らなければならない。