1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
1主はモーセに言われた、
2Tarira, ndadana Bhezareri, mwanakomana, waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, nezita rake,
2「見よ、わたしはユダの部族に属するホルの子なるウリの子ベザレルを名ざして召し、
3ndikamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva kose, nokugona marudzi ose amabasa,
3これに神の霊を満たして、知恵と悟りと知識と諸種の工作に長ぜしめ、
4kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,
4工夫を凝らして金、銀、青銅の細工をさせ、
5nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona marudzi ose amabasa.
5また宝石を切りはめ、木を彫刻するなど、諸種の工作をさせるであろう。
6Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumoyo yavose vane moyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti, vaite, zvose zvandakakuraira,
6見よ、わたしはまたダンの部族に属するアヒサマクの子アホリアブを彼と共ならせ、そしてすべて賢い者の心に知恵を授け、わたしがあなたに命じたものを、ことごとく彼らに造らせるであろう。
7zvinoti: Tende rokusangana, neareka yechipupuriro, nechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetabhenakeri,
7すなわち会見の幕屋、あかしの箱、その上にある贖罪所、幕屋のもろもろの器、
8netafura nenhumbi dzayo, nechigadziko chemwenje chakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, nearitari yezvinonhuhwira,
8机とその器、純金の燭台と、そのもろもろの器、香の祭壇、
9nearitari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo,
9燔祭の祭壇とそのもろもろの器、洗盤とその台、
10nenguvo dzakarukwa zvakanaka, nenguvo tsvene dzaAroni mupristi, nenguvo dzavanakomana vake dzokubata basa roupristi nadzo,
10編物の服、すなわち祭司の務をするための祭司アロンの聖なる服、およびその子たちの服、
11namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuhwira zvemiti inonaka zvapanzvimbo tsvene; vanofanira kuita zvose sezvandakakuraira.
11注ぎ油、聖所のための香ばしい香などを、すべてわたしがあなたに命じたように造らせるであろう」。
12Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
12主はまたモーセに言われた、
13Taura navana vaIsiraeri, uti, Zvirokwazvo munofanira kuchengeta masabata angu; nekuti chiratidzo pakati pangu nemwi kusvikira kumarudzi enyu ose, muzive kuti ndini Jehovha unokutsaurai.
13「あなたはイスラエルの人々に言いなさい、『あなたがたは必ずわたしの安息日を守らなければならない。これはわたしとあなたがたとの間の、代々にわたるしるしであって、わたしがあなたがたを聖別する主であることを、知らせるためのものである。
14Naizvozvo chengetai sabata, nekuti idzvene kwamuri; ani naani unorizvidza ngaaurawe zvirokwazvo; nekuti ani naani unobata basa ripi neripi naro, munhu uyo ngaabviswe pakati porudzi rwake.
14それゆえ、あなたがたは安息日を守らなければならない。これはあなたがたに聖なる日である。すべてこれを汚す者は必ず殺され、すべてこの日に仕事をする者は、民のうちから断たれるであろう。
15Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe isabata rokuzorora kwazvo, idzvene kuna Jehovha; ani naani unobata basa ripi neripi nezuva resabata, ngaaurawe zvirokwazvo.
15六日のあいだは仕事をしなさい。七日目は全き休みの安息日で、主のために聖である。すべて安息日に仕事をする者は必ず殺されるであろう。
16Naizvozvo vana vaIsiraeri vanofanira kuchengeta sabata, varangarire sabata kusvikira kumarudzi avo ose; ive sungano isingaperi.
16ゆえに、イスラエルの人々は安息日を覚え、永遠の契約として、代々安息日を守らなければならない。
17Chiratidzo pakati pangu navana vaIsiraeri nokusingaperi; nekuti Jehovha wakaita denga nenyika namazuva matanhatu, akazorora nezuva rechinomwe, akasimbiswa.
17これは永遠にわたしとイスラエルの人々との間のしるしである。それは主が六日のあいだに天地を造り、七日目に休み、かつ、いこわれたからである』」。主はシナイ山でモーセに語り終えられたとき、あかしの板二枚、すなわち神が指をもって書かれた石の板をモーセに授けられた。
18Zvino wakati apedza kutaura naMozisi pagomo reSinai, akamupa mabwendefa maviri echipupuriro, mabwendefa amabwe akanga akanyorwa nomumwe waMwari.
18主はシナイ山でモーセに語り終えられたとき、あかしの板二枚、すなわち神が指をもって書かれた石の板をモーセに授けられた。