1Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Zvivezere mabwendefa maviri amabwe akafanana nookutanga, kuti ndinyore pamabwendefa mashoko aya akanga ari pamabwendefa okutanga awaputsa.
1主はモーセに言われた、「あなたは前のような石の板二枚を、切って造りなさい。わたしはあなたが砕いた初めの板にあった言葉を、その板に書くであろう。
2Gara wazvigadzira mangwanani, ukwire mugomo reSinai mangwanani, umire pamberi pangu pamusoro pegomo.
2あなたは朝までに備えをし、朝のうちにシナイ山に登って、山の頂でわたしの前に立ちなさい。
3Asi mumwe munhu ngaarege kukwira newe, uye ngakurege kuonekwa munhu pagomo rose, namakwai nemombe ngazvirege kufura pamberi pegomo iri.
3だれもあなたと共に登ってはならない。また、だれも山の中にいてはならない。また山の前で羊や牛を飼っていてはならない」。
4Ipapo Mozisi akaveza mabwendefa maviri akafanana nookutanga, akamuka mangwanani, akakwira mugomo reSinai, sezvaakanga arairwa naJehovha, akabata mabwendefa maviri muruoko rwake.
4そこでモーセは前のような石の板二枚を、切って造り、朝早く起きて、主が彼に命じられたようにシナイ山に登った。彼はその手に石の板二枚をとった。
5Jehovha akaburuka ari mugomo, akamirapo naye, akadana zita raJehovha.
5ときに主は雲の中にあって下り、彼と共にそこに立って主の名を宣べられた。
6Jehovha akapfuura pamberi pake, akadanidzira, achiti, Jehovha, Jehovha, Mwari azere nyasha netsitsi, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nechokwadi,
6主は彼の前を過ぎて宣べられた。「主、主、あわれみあり、恵みあり、怒ることおそく、いつくしみと、まこととの豊かなる神、
7anochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, anovakangamwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva, anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.
7いつくしみを千代までも施し、悪と、とがと、罪とをゆるす者、しかし、罰すべき者をば決してゆるさず、父の罪を子に報い、子の子に報いて、三、四代におよぼす者」。
8Ipapo Mozisi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akapfugama.
8モーセは急ぎ地に伏して拝し、
9Akati, Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ngaafambe pakati pedu, nekuti vanhu ava vane mitsipa mikukutu; tikangamwirei henyu zvakaipa zvedu nezvivi zvedu, mutigamuchirei, tive nhaka yenyu.
9そして言った、「ああ主よ、わたしがもし、あなたの前に恵みを得ますならば、かたくなな民ですけれども、どうか主がわたしたちのうちにあって一緒に行ってください。そしてわたしたちの悪と罪とをゆるし、わたしたちをあなたのものとしてください」。
10Jehovha akati, Tarira, ndinoita sungano newe; ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nekuti ndinoita chinhu chinotyisa newe.
10主は言われた、「見よ、わたしは契約を結ぶ。わたしは地のいずこにも、いかなる民のうちにも、いまだ行われたことのない不思議を、あなたのすべての民の前に行うであろう。あなたが共に住む民はみな、主のわざを見るであろう。わたしがあなたのためになそうとすることは、恐るべきものだからである。
11Rangarira zvandinokuraira nhasi: Tarira, ndodzinga pamberi pako vaAmori, navaKanani, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi.
11わたしが、きょう、あなたに命じることを守りなさい。見よ、わたしはアモリびと、カナンびと、ヘテびと、ペリジびと、ヒビびと、エブスびとを、あなたの前から追い払うであろう。
12Chenjera kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo kwaunoenda, kuti zvirege kuva musungo kwauri;
12あなたが行く国に住んでいる者と、契約を結ばないように、気をつけなければならない。おそらく彼らはあなたのうちにあって、わなとなるであろう。
13asi munofanira kuputsa aritari dzavo, nokuputsanya mabwe emifananidzo yavo, nokutema matanda avo avanonamata nawo;
13むしろあなたがたは、彼らの祭壇を倒し、石の柱を砕き、アシラ像を切り倒さなければならない。
14nekuti usapfugamira vamwe vamwari, nekuti Jehovha, ane zita rinonzi Anegodo, ndiMwari anegodo;
14あなたは他の神を拝んではならない。主はその名を『ねたみ』と言って、ねたむ神だからである。
15kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo, zvino kana ivo vopata vachitevera vamwari vavo, vachibayira vamwari vavo, mumwe akudane kuti udye nyama yezvibayiro zvake;
15おそらくあなたはその国に住む者と契約を結び、彼らの神々を慕って姦淫を行い、その神々に犠牲をささげ、招かれて彼らの犠牲を食べ、
16iwe ukatorera vanakomana vako vakunda vavo, zvino kana vakunda vavo vopata vachitevera vamwari vavo, vapatise vanakomana vakowo vatevere vamwari vavo.
16またその娘たちを、あなたのむすこたちにめとり、その娘たちが自分たちの神々を慕って姦淫を行い、また、あなたのむすこたちをして、彼らの神々を慕わせ、姦淫を行わせるに至るであろう。
17Usazviitira vamwari vakaumbwa.
17あなたは自分のために鋳物の神々を造ってはならない。
18Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa. Unofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira nenguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi, nekuti wakabuda paEgipita pamwedzi weAbhibhi.
18あなたは種入れぬパンの祭を守らなければならない。すなわち、わたしがあなたに命じたように、アビブの月の定めの時に、七日のあいだ、種入れぬパンを食べなければならない。あなたがアビブの月にエジプトを出たからである。
19Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro ndezvangu, napazvipfuwo zvako zvikono zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana pamombe kana pamakwai;
19すべて初めに生れる者は、わたしのものである。すべてあなたの家畜のういごの雄は、牛も羊もそうである。
20mwana wokutanga wedhongi unofanira kuudzikunura negwayana; kana usingadi kuudzikunura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo. Matangwe ose pavanakomana vako unofanira kuvadzikunura. Kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu.
20ただし、ろばのういごは小羊であがなわなければならない。もしあがなわないならば、その首を折らなければならない。あなたのむすこのうちのういごは、みなあがなわなければならない。むなし手でわたしの前に出てはならない。
21Unofanira kubata mazuva matanhatu, asi nezuva rechinomwe uzorore, nenguva yokurima neyokukohwa uzorore.
21あなたは六日のあいだ働き、七日目には休まなければならない。耕し時にも、刈入れ時にも休まなければならない。
22Unofanira kurangarira mutambo wamavhiki, wezvitsva zvekoroni inokohwiwa, nomutambo wokuunganidza pakupera kwegore.
22あなたは七週の祭、すなわち小麦刈りの初穂の祭を行わなければならない。また年の終りに取り入れの祭を行わなければならない。
23Varume vako vose ngavauye pamberi paShe Mwari, iye Mwari waIsiraeri, katatu negore.
23年に三度、男子はみな主なる神、イスラエルの神の前に出なければならない。
24Nekuti ndichadzinga ndudzi pamberi pako, ndikurise miganhu yako; hakungavi nomunhu achachiva nyika yako, kana achikwira katatu pagore kuti azviratidze pamberi paJehovha, Mwari wako.
24わたしは国々の民をあなたの前から追い払って、あなたの境を広くするであろう。あなたが年に三度のぼって、あなたの神、主の前に出る時には、だれもあなたの国を侵すことはないであろう。
25Usauya neropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa, uye chibayiro chomutambo wePasika ngachirege kuvata usiku kusvikira mangwana.
25あなたは犠牲の血を、種を入れたパンと共に供えてはならない。また過越の祭の犠牲を、翌朝まで残して置いてはならない。
26Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
26あなたの土地の初穂の最も良いものを、あなたの神、主の家に携えてこなければならない。あなたは子やぎをその母の乳で煮てはならない」。
27Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Nyora mashoko iwaya, nekuti ndaita sungano newe navaIsiraeri sezvinoreva mashoko iwaya.
27また主はモーセに言われた、「これらの言葉を書きしるしなさい。わたしはこれらの言葉に基いて、あなたおよびイスラエルと契約を結んだからである」。
28Akavako kuna Jehovha mazuva ana makumi mana nousiku unamakumi mana; wakange asingadyi zvokudya kana kumwa mvura. Akanyora pamabwendefa mashoko esungano, iyo mirairo ine gumi.
28モーセは主と共に、四十日四十夜、そこにいたが、パンも食べず、水も飲まなかった。そして彼は契約の言葉、十誡を板の上に書いた。
29Zvino Mozisi wakati achiburuka mugomo reSinai, Mozisi akabata mabwendefa maviri echipupuriro mumaoko ake, Mozisi wakange asingazivi, achiburuka mugomo, kuti ganda rechiso chake rakanga richibwinya zvaakanga ataura naye.
29モーセはそのあかしの板二枚を手にして、シナイ山から下ったが、その山を下ったとき、モーセは、さきに主と語ったゆえに、顔の皮が光を放っているのを知らなかった。
30Zvino Aroni navana vaIsiraeri vose vakati vachiona Mozisi, vakaona ganda rechiso chake richibwinya, vakatya kuswedera kwaari;
30アロンとイスラエルの人々とがみな、モーセを見ると、彼の顔の皮が光を放っていたので、彼らは恐れてこれに近づかなかった。
31ipapo Mozisi akavadana, Aroni navakuru vose veungano vakadzokera kwaari, Mozisi akataura navo.
31モーセは彼らを呼んだ。アロンと会衆のかしらたちとがみな、モーセのもとに帰ってきたので、モーセは彼らと語った。
32Pashure vana vaIsiraeri vose vakaswedera, iye akavaraira zvose zvaakanga audzwa naJehovha pagomo reSinai.
32その後、イスラエルの人々がみな近よったので、モーセは主がシナイ山で彼に語られたことを、ことごとく彼らにさとした。
33Zvino Mozisi wakati apedza kutaura navo akaisa chifukidzo pachiso chake.
33モーセは彼らと語り終えた時、顔おおいを顔に当てた。
34Asi kana Mozisi opinda pamberi paJehovha kundotaura naye, waibvisa chifukidzo kusvikira achibuda; zvino wobuda, ndokuudza vana vaIsiraeri zvarairwa.
34しかしモーセは主の前に行って主と語る時は、出るまで顔おおいを取り除いていた。そして出て来ると、その命じられた事をイスラエルの人人に告げた。イスラエルの人々はモーセの顔を見ると、モーセの顔の皮が光を放っていた。モーセは行って主と語るまで、また顔おおいを顔に当てた。
35Vana vaIsiraeri vakaona chiso chaMozisi, kuti ganda rechiso chaMozisi raibwinya; zvino Mozisi wodzoserazve chifukidzo pachiso chake, kusvikira opinda kundotaura naye.
35イスラエルの人々はモーセの顔を見ると、モーセの顔の皮が光を放っていた。モーセは行って主と語るまで、また顔おおいを顔に当てた。