1Zvino Bhezareri naOhoriabhu vanofanira kubata basa pamwechete navarume vose vane moyo yakangwara, vakapiwa naJehovha kuchenjera nokunzwisisa kuti vazive kubata mabasa ose okushuma panzvimbo tsvene, zvose zvakarairwa naJehovha
1ベザレルとアホリアブおよびすべて心に知恵ある者、すなわち主が知恵と悟りとを授けて、聖所の組立ての諸種の工事を、いかになすかを知らせられた者は、すべて主が命じられたようにしなければならない」。
2Zvino Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu, navarume vose vaiva nemoyo yakangwara, vakapiwa kuchenjera mumoyo yavo naJehovha, vose vakanga vamutswa nemoyo yavo, kuti vauye kuzobata basa;
2そこで、モーセはベザレルとアホリアブおよびすべて心に知恵ある者、すなわち、その心に主が知恵を授けられた者、またきて、その工事をなそうと心に望むすべての者を召し寄せた。
3vakapiwa naMozisi zvipo zvose zvakanga zvauyiswa navana vaIsiraeri, zvokubatisa nazvo basa rokushuma panzvimbo tsvene. Asi ivo vakaramba vachiuya nemoyo yavo kwaari mangwanani ose nezvipo zvavo.
3彼らは聖所の組立ての工事をするために、イスラエルの人々が携えてきたもろもろのささげ物を、モーセから受け取ったが、民はなおも朝ごとに、自発のささげ物を彼のもとに携えてきた。
4Zvino varume vose vakachenjera, vakanga vachibata mabasa ose enzvimbo tsvene, vakabva mumwe nomumwe pabasa rake raakanga achiita,
4そこで聖所のもろもろの工事をする賢い人々はみな、おのおのしていた工事をやめて、
5vakataura naMozisi, vachiti, Vanhu vanouya nezvakawandisa kupfuura zvinokwana kuita basa rakarairwa naJehovha kuti riitwe.
5モーセに言った「民があまりに多く携えて来るので、主がせよと命じられた組立ての工事には余ります」。
6Mozisi akaraira kuti shoko riparidzwe kumisasa, rokuti, Kunyange murume kana mukadzi ngaarege kuzoitazve basa rimwe nezvipo zvokupa nzvimbo tsvene. Naizvozvo vanhu vakadziviswa kuzouya nezvimwe.
6モーセは命令を発し、宿営中にふれさせて言った、「男も女も、もはや聖所のために、ささげ物をするに及ばない」。それで民は携えて来ることをやめた。
7nekuti zvavakanga vanazvo, zvakakwanira mabasa ose avaifanira kuita, zvimwe zvikasara.
7材料はすべての工事をするのにじゅうぶんで、かつ余るからである。
8Zvino varume vose vaiva nemoyo yakangwara pakati pavabati vakaita tabhenakeri namachira ane gumi; vakazviita nemicheka yakarukwa yakaisvonaka, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, zvinamakerubhi; raiva basa romubati waigona kubata.
8すべて工作をする者のうちの心に知恵ある者は、十枚の幕で幕屋を造った。すなわち亜麻の撚糸、青糸、紫糸、緋糸で造り、巧みなわざをもって、それにケルビムを織り出した。
9Kureba kwejira rimwe kwaiva makubhiti makumi maviri namasere, noupamhi bwejira rimwe makubhiti mana; machira ose akanga akaenzana.
9幕の長さは、おのおの二十八キュビト、幕の幅は、おのおの四キュビトで、幕はみな同じ寸法である。
10Akabatanidza machira mashanu pamwechete, namamwe machira akaabatanidza pamwechetezve.
10その幕五枚を互に連ね合わせ、また他の五枚の幕をも互に連ね合わせ、
11Akaita zvishwe zvitema pamupendero wejira rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete; akaitawo saizvozvo pamupendero wejira rokupedzisira pana mamwe akabatanidzwa pamwechete.
11その一連の端にある幕の縁に青色の乳をつけ、他の一連の端にある幕の縁にも、そのようにした。
12Akaitawo zvishwe zvina makumi mashanu pajira rimwe, nezvishwe zvina makumi mashanuzve pamupendero wejira ramamwe akabatanidzwa pamwechete; zvishwe zvakanga zvakatarisana.
12その一枚の幕に乳五十をつけ、他の一連の幕の端にも、乳五十をつけた。その乳を互に相向かわせた。
13Akaitawo zvikorekedzo zvendarama zvina makumi mashanu, akabatanidza machira nezvikorekedzo izvozvo, naizvozvo tabhenakeri ikava chinhu chimwe chete.
13そして金の輪五十を作り、その輪で、幕を互に連ね合わせたので、一つの幕屋になった。
14Akaitawo machira emvere dzembudzi, rikava tende pamusoro petabhenakeri; akaita machira ane gumi nerimwe.
14また、やぎの毛糸で幕を作り、幕屋をおおう天幕にした。すなわち幕十一枚を作った。
15Kureba kwejira rimwe nerimwe kwaiva makubhiti ana makumi matatu, noupamhi bwejira rimwe nerimwe makubhiti mana; machira ane gumi nerimwe akanga akaenzana.
15おのおのの幕の長さは三十キュビト、おのおのの幕の幅は四キュビトで、その十一枚の幕は同じ寸法である。
16Akabatanidza machira mashanu pamwechete, namachira matanhatu pamwechetezve;
16そして、その幕五枚を一つに連ね合わせ、また、その幕六枚を一つに連ね合わせ、
17akaita zvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete, nezvimwe zvishwe zvina makumi mashanuzve pamupendero wejira rokupedzisira pana mamwe akabatanidzwa pamwechetezve.
17その一連の端にある幕の縁に、乳五十をつけ、他の一連の幕の縁にも、乳五十をつけた。
18Akaitawo zvikorekedzo zvina makumi mashanu zvendarira zvokubatanidza tende, kuti chive chinhu chimwe chete.
18そして、青銅の輪五十を作り、その天幕を連ね合わせて一つにした。
19Akaitirawo tende chifukidzo chamatebwe amakondobwe akazodzwa muti mutsvuku, nechifukidzo chamatebwe amatenhe pamusoro paizvozvo.
19また、あかね染めの雄羊の皮で、天幕のおおいと、じゅごんの皮で、その上にかけるおおいとを作った。
20Akaitirawo tabhenakeri mapuranga omuakasia akamiswa.
20また幕屋のためにアカシヤ材をもって、立枠を造った。
21Kureba kwepuranga rimwe kwaiva makubhiti ane gumi, noupamhi bwepuranga rimwe nerimwe hwaiva kubhiti rimwe nehafu.
21枠の長さは十キュビト、枠の幅は、おのおの一キュビト半とし、
22Puranga rimwe nerimwe rakaitirwa zvibato zviviri zvakabatanidzwa; akaita mapuranga ose etabhenakeri saizvozvo.
22枠ごとに二つの柄を造って、かれとこれとをくい合わせ、幕屋のすべての枠にこのようにした。
23Akaita mapuranga etabhenakeri ana makumi maviri okurutivi rwezasi, akatarira zasi.
23幕屋のために枠を造った。すなわち南側のために枠二十を造った。
24Akaitawo zvigadziko zvesirivha zvina makumi mana pasi pamapuranga ana makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri.
24その二十の枠の下に銀の座四十を造って、この枠の下に、その二つの柄のために二つの座を置き、かの枠の下にも、その二つの柄のために二つの座を置いた。
25Akaita mapuranga ana makumi maviri kurutivi rwechipiri rwetabhenakeri kurutivi rwokumusoro,
25また幕屋の他の側、すなわち北側のためにも枠二十を造った。
26nezvigadziko zvawo zvesirivha zvina makumi mana, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe, nezvigadziko zviviri pasi perimwe purangazve.
26その銀の座四十を造って、この枠の下にも二つの座を置き、かの枠の下にも二つの座を置いた。
27Akaitawo mapuranga matanhatu kurutivi rwemberi rwetabhenakeri kumavirazuva.
27また幕屋のうしろ、西側のために枠六つを造り、
28Akaitawo mapuranga maviri kumakona etabhenakeri kurutivi rwemberi.
28幕屋のうしろの二つのすみのために枠二つを造った。
29Akanga akaita maviri nechenyasi; saizvozvozve akanga akaita maviri akabatanidzwa kusvikira kumusoro kuchindori chokutanga; saizvozvo akaaitira ose maviri pamakona maviri.
29これらは、下で重なり合い、同じくその頂でも第一の環まで重なり合うようにし、その二つとも二つのすみのために、そのように造った。
30Akava mapuranga masere ane zvigadziko zvawo zvesirivha, zvikava zvigadziko zvine gumi nezvitanhatu, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
30こうして、その枠は八つ、その銀の座は十六、おのおのの枠の下に、二つずつ座があった。
31Akaitawo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuranga orumwe rutivi rwetabhenakeri,
31またアカシヤ材の横木を造った。すなわち幕屋のこの側の枠のために五つ、
32nembariro shanuzve dzamapuranga etabhenakeri kurutivi rwemberi kumavirazuva.
32また幕屋のかの側の枠のために横木五つ、幕屋のうしろの西側の枠のために横木五つを造った。
33Akaitawo rumbariro rwapakati rwaiva pakati pamapuranga rwaibva kuno rumwe rutivi rukandosvikira kuno rumwe rutivi.
33枠のまん中にある中央の横木は、端から端まで通るようにした。
34Akafukidza mapuranga nendarama, akaita zvindori zvawo zvendarama, kuti mbariro dzigarepo, akafukidzawo mbariro nendarama.
34そして、その枠を金でおおい、また横木を通すその環を金で造り、またその横木を金でおおった。
35Akaitawo chidzitiro nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; akachiita namakerubhi, rikava basa romunhu anogona.
35また青糸、紫糸、緋糸、亜麻の撚糸で、垂幕を作り、巧みなわざをもって、それにケルビムを織り出した。
36Akachiitira mbiru ina dzomuakasia, akadzifukidza nendarama; zvikorekedzo zvadzo zvakanga zviri zvendarama, akadziumbirawo zvigadziko zvina zvesirivha.
36また、これがためにアカシヤ材の柱四本を作り、金でこれをおおい、その鉤を金にし、その柱のために銀の座四つを鋳た。
37Akaitirawo mukova wetende chidzitiro chezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; rakanga riri basa romusoni anogona.
37また幕屋の入口のために青糸、紫糸、緋糸、亜麻の撚糸で、色とりどりに織ったとばりを作った。その柱五本と、その鉤とを造り、その柱の頭と桁とを金でおおった。ただし、その五つの座は青銅であった。
38Uye mbiru dzacho shanu nezvikorekedzo zvadzo; akafukidza misoro yadzo nezvindori zvadzo nendarama; nezvigadziko zvadzo zvakanga zviri zvendarira.
38その柱五本と、その鉤とを造り、その柱の頭と桁とを金でおおった。ただし、その五つの座は青銅であった。