1Zvino vatumwa vaviri vakasvika Sodhomua madekwanai. Uye Roti wakangae agere pasuwo reSodhoma. Roti ndokuvaona, ndokusimuka kunovachingamidza, akakotamira pasi nechiso chake;
1そのふたりのみ使は夕暮にソドムに着いた。そのときロトはソドムの門にすわっていた。ロトは彼らを見て、立って迎え、地に伏して、
2ndokuti: Tarirai zvino, madzishe angu, chitsaukirai henyu mumba memuranda wenyu, mugare usiku, uye mushambe tsoka dzenyu, mugofumira moenda rwendo rwenyu. Zvino vakati: Kwete asi tichagara panzira usiku hwose.
2言った、「わが主よ、どうぞしもべの家に立寄って足を洗い、お泊まりください。そして朝早く起きてお立ちください」。彼らは言った、「いや、われわれは広場で夜を過ごします」。
3Zvino wakavagombedzera zvikuru kusvikira vatendeukira kwaari ndokupinda mimba make; iye ndokuvaitira mabiko, ndokuvabikira chingwa chisina mbiriso, ndokubva vadya.
3しかしロトがしいて勧めたので、彼らはついに彼の所に寄り、家にはいった。ロトは彼らのためにふるまいを設け、種入れぬパンを焼いて食べさせた。
4Zvino vasati vavata, varume veguta, varume veSodhoma, vakakomba imba, kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vanhu vose vachibva kumugumo.
4ところが彼らの寝ないうちに、ソドムの町の人々は、若い者も老人も、民がみな四方からきて、その家を囲み、
5Zvino vakadana Roti ndokuti kwaari: Varipi varume vasvika kwauri usiku huno? Vabudisire kwatiri kuti tivazive.
5ロトに叫んで言った、「今夜おまえの所にきた人々はどこにいるか。それをここに出しなさい。われわれは彼らを知るであろう」。
6Roti ndokubudira kwavari kumusuwo, ndokuvhara musuwo shure kwake.
6ロトは入口におる彼らの所に出て行き、うしろの戸を閉じて、
7Ndokuti: Ndinokukumbirai, hama dzangu, musaita zvakaipa.
7言った、「兄弟たちよ、どうか悪い事はしないでください。
8Tarirai zvino, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, ndinokumbirisa, regai ndivabudisire kwamuri, mugoita kwavari sezvakanakira meso enyu; asi kuvarume ava, musaita chinhu, nekuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga reimba rangu.
8わたしにまだ男を知らない娘がふたりあります。わたしはこれをあなたがたに、さし出しますから、好きなようにしてください。ただ、わたしの屋根の下にはいったこの人たちには、何もしないでください」。
9Asi vakati: Suduruka! Vakatizve: Uyu woga wakauya kuva mweni, zvino unoda kuva mutongi here? Ikozvino tichaita zvakaipa kwauri kupfuura ivo. Vakamanikidza zvikuru murume Roti, vakaswedera kuputsa gonhi.
9彼らは言った、「退け」。また言った、「この男は渡ってきたよそ者であるのに、いつも、さばきびとになろうとする。それで、われわれは彼らに加えるよりも、おまえに多くの害を加えよう」。彼らはロトの身に激しく迫り、進み寄って戸を破ろうとした。
10Asi varume vakatambanudza maoko avo, vakakwevera Roti mumba mavari, ndokupfiga gonhi.
10その時、かのふたりは手を伸べてロトを家の内に引き入れ、戸を閉じた。
11Ndokurova varume vaiva pamusuwo weimba neupofu, kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vakaneta nekutsvaka musuwo.
11そして家の入口におる人々を、老若の別なく打って目をくらましたので、彼らは入口を捜すのに疲れた。
12Varume ndokuti kuna Roti: Uchine vana ani pano? Mukwasha, nevanakomana vako, nevakunda vako, newose waunaye muguta, mubudise panzvimbo ino.
12ふたりはロトに言った、「ほかにあなたの身内の者がここにおりますか。あなたのむこ、むすこ、娘およびこの町におるあなたの身内の者を、皆ここから連れ出しなさい。
13Nekuti tichaparadza nzvimbo ino, nekuti kuchema kwavo kukuru pamberi pechiso chaJehovha; zvino Jehovha watituma kuiparadza.
13われわれがこの所を滅ぼそうとしているからです。人々の叫びが主の前に大きくなり、主はこの所を滅ぼすために、われわれをつかわされたのです」。
14Zvino Roti wakabuda, ndokutaura nevakwasha vake, vaizowana vakunda vake, ndokuti: Simukai mubude munzvimbo ino; nekuti Jehovha uchaparadza guta. Asi vakaita seunoita musara pameso evakwasha vake.
14そこでロトは出て行って、その娘たちをめとるむこたちに告げて言った、「立ってこの所から出なさい。主がこの町を滅ぼされます」。しかしそれはむこたちには戯むれごとに思えた。
15Zvino utonga huchitsvuka, vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti: Simuka, tota mukadzi wako nevakunda vako vaviri vari pano, zvimwe ungaparadzwa mukurangwa kweguta.
15夜が明けて、み使たちはロトを促して言った 「立って、ここにいるあなたの妻とふたりの娘とを連れ出しなさい。そうしなければ、あなたもこの町の不義のために滅ぼされるでしょう」。
16Asi achiri kunonoka, varume vakabata ruoko rwake, neruoko rwemukadzi wake, neruoko rwevakunda vake vaviri; Jehovha achimuitira tsitsi; ndokumubudisa, vakamuisa kunze kweguta.
16彼はためらっていたが、主は彼にあわれみを施されたので、かのふたりは彼の手と、その妻の手と、ふたりの娘の手を取って連れ出し、町の外に置いた。
17Zvino zvakaitika vavabudisa kunze, kuti wakati: Tiza nekuda kweupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, zvimwe ungaparadzwa.
17彼らを外に連れ出した時そのひとりは言った、「のがれて、自分の命を救いなさい。うしろをふりかえって見てはならない。低地にはどこにも立ち止まってはならない。山にのがれなさい。そうしなければ、あなたは滅びます」。
18Roti ndokuti kwavari: Zvisadaro Ishe wangu.
18ロトは彼らに言った、「わが主よ、どうか、そうさせないでください。
19Tarirai zvino, muranda wenyu wakawana nyasha pameso enyu, uye makurisa tsitsi dzenyu dzamaira kwandiri, pakuponesa upenyu hwangu; asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandinamatira ndikafa.
19しもべはすでにあなたの前に恵みを得ました。あなたはわたしの命を救って、大いなるいつくしみを施されました。しかしわたしは山まではのがれる事ができません。災が身に追い迫ってわたしは死ぬでしょう。
20Tarirai zvino, guta iri riri pedo kutizira kwariri; uye iduku. ndinokumbira nditizire kwariri (harizi duku here?) Mweya wangu ugorarama.
20あの町をごらんなさい。逃げていくのに近く、また小さい町です。どうかわたしをそこにのがれさせてください。それは小さいではありませんか。そうすればわたしの命は助かるでしょう」。
21Zvino wakati kwaari: Tarira, ndagamuchira chiso chako pachinhu ichi, kuti ndisaparadza guta iri rawareva.
21み使は彼に言った、「わたしはこの事でもあなたの願いをいれて、あなたの言うその町は滅ぼしません。
22Kurumidza, tizirako, nekuti handigoni kuita chinhu kusvikira wasvikapo. Naizvozvo zita reguta rakanzi Zoari.
22急いでそこへのがれなさい。あなたがそこに着くまでは、わたしは何事もすることができません」。これによって、その町の名はゾアルと呼ばれた。
23Zuva rakange rabuda panyika Roti paakasvika paZoari.
23ロトがゾアルに着いた時、日は地の上にのぼった。
24Zvino Jehovha wakanaisa pamusoro peSodhoma nepamusoro peGomora sarufa nemoto, zvichibva kunaJehovha kumatenga.
24主は硫黄と火とを主の所すなわち天からソドムとゴモラの上に降らせて、
25Zvino wakaparadza maguta iwawo, nebani rose, nevagari vose vemaguta, nezvaitunga pavhu.
25これらの町と、すべての低地と、その町々のすべての住民と、その地にはえている物を、ことごとく滅ぼされた。
26Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, akava mbiru yemunyu.
26しかしロトの妻はうしろを顧みたので塩の柱になった。
27Zvino Abhurahamu wakafumira kunzvimbo kwaakamira pamberi paJehovha.
27アブラハムは朝早く起き、さきに主の前に立った所に行って、
28Zvino wakatarira kurutivi rweSodhoma neGomora nekunyika yose yebani, akaona, zvino tarira, utsi hwenyika iyo huchikwira seutsi hwechoto.
28ソドムとゴモラの方、および低地の全面をながめると、その地の煙が、かまどの煙のように立ちのぼっていた。
29Zvino zvakaitika Mwari paakaparadza maguta ebani, kuti Mwari wakarangarira Abhurahamu, akabudisa Roti pakati pekuparadzwa ikoko, nguva yaakaparadza maguta makanga muchigara Roti.
29こうして神が低地の町々をこぼたれた時、すなわちロトの住んでいた町々を滅ぼされた時、神はアブラハムを覚えて、その滅びの中からロトを救い出された。
30Zvino Roti wakakwira achibuda muZoari, akagara mugomo, nevakunda vake vaviri pamwe naye; nekuti wakatya kugara muZoari; ndokugara, mubako, iye nevakunda vake vaviri.
30ロトはゾアルを出て上り、ふたりの娘と共に山に住んだ。ゾアルに住むのを恐れたからである。彼はふたりの娘と共に、ほら穴の中に住んだ。
31Zvino dangwe rakati kumuduku: Baba vedu vakwegura, uye hakuna murume panyika ino ungapinda kwatiri, nemutowo wenyika yose.
31時に姉が妹に言った、「わたしたちの父は老い、またこの地には世のならわしのように、わたしたちの所に来る男はいません。
32Uya timwise baba vedu waini, tigovata navo kuti tichengete mbeu kubva kuna baba vedu.
32さあ、父に酒を飲ませ、共に寝て、父によって子を残しましょう」。
33Vakamwisa baba vavo waini usiku ihwohwo, dangwe ndokupinda ndokuvata nababa vake; asi havana kuziva pakuvata kwake pasi kana pakumuka kwake.
33彼女たちはその夜、父に酒を飲ませ、姉がはいって父と共に寝た。ロトは娘が寝たのも、起きたのも知らなかった。
34Zvino zvakaitika chifume kuti dangwe rakati kumuduku: Tarira, ndakavata nababa vangu usiku hwapfuura; ngativamwise waini usiku hunowo, ugopinda, vata navo kuti tichengete mbeu kubva kuna baba vedu.
34あくる日、姉は妹に言った、「わたしは昨夜、父と寝ました。わたしたちは今夜もまた父に酒を飲ませましょう。そしてあなたがはいって共に寝なさい。わたしたちは父によって子を残しましょう」。
35Vakamwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasimuka, ndokuvata navo, asi havana kuziva pakuvata kwake pasi kana pakumuka kwake.
35彼らはその夜もまた父に酒を飲ませ、妹が行って父と共に寝た。ロトは娘の寝たのも、起きたのも知らなかった。
36Naizvozvo vakunda vaRoti vaviri vakava nemimba kuna baba vavo.
36こうしてロトのふたりの娘たちは父によってはらんだ。
37Zvino dangwe rakabereka mwanakomana, akatumidza zita rake kuti Moabhu, ndiye baba vevaMoabhu kusvikira zuva rino.
37姉娘は子を産み、その名をモアブと名づけた。これは今のモアブびとの先祖である。妹もまた子を産んで、その名をベニアンミと名づけた。これは今のアンモンびとの先祖である。
38Nemuduku wakaberekawo mwanakomana, akatumidza zita rake kuti Bheniami; ndivo baba vevana vaAmoni kusvikira zuva rino.
38妹もまた子を産んで、その名をベニアンミと名づけた。これは今のアンモンびとの先祖である。