1Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi kuti Mwari wakaedza Abhurahamu akati kwaari: Abhurahamu! Iye ndokuti: Tarirai, ndiri pano.
1これらの事の後、神はアブラハムを試みて彼に言われた、「アブラハムよ」。彼は言った、「ここにおります」。
2Ndokuti: Zvino tora mwanakomana wako, wako umwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria; umupe ave chibayiro chinopiswa pamusoro perimwe gomo randichakuudza.
2神は言われた、「あなたの子、あなたの愛するひとり子イサクを連れてモリヤの地に行き、わたしが示す山で彼を燔祭としてささげなさい」。
3Abhurahamu ndokumuka mangwanani-ngwanani, akasungira chigara padhongi rake, akatora vaviri vemajaya ake naye, naIsaka mwanakomana wake. Zvino wakatsemura huni dzechibayiro chinopiswa, ndokusimuka, ndokuenda kunzvimbo Mwari yaakamuudza.
3アブラハムは朝はやく起きて、ろばにくらを置き、ふたりの若者と、その子イサクとを連れ、また燔祭のたきぎを割り、立って神が示された所に出かけた。
4Zvino nemusi wetatu Abhurahamu wakasimudza meso ake, akaona nzvimbo iri kure.
4三日目に、アブラハムは目をあげて、はるかにその場所を見た。
5Abhurahamu ndokuti kumajaya ake: Imwi chigarai henyu pano nembongoro, ini nemukomana tichienda uko nekunoshumira, tigodzoka kwamuri.
5そこでアブラハムは若者たちに言った、「あなたがたは、ろばと一緒にここにいなさい。わたしとわらべは向こうへ行って礼拝し、そののち、あなたがたの所に帰ってきます」。
6Abhurahamu ndokutora huni dzechibayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka mwanakomana wake; ndokutora moto nebanga muruoko rwake, ndokuenda vari vaviri.
6アブラハムは燔祭のたきぎを取って、その子イサクに負わせ、手に火と刃物とを執って、ふたり一緒に行った。
7Isaka ndokutaura naAbhurahamu baba vake akati: Baba vangu! Iye ndokuti: Ndiri pano, mwana wangu. ndokuti: Tarirai, moto nehuni, asi gwayana rechibayiro chinopiswa riripi?
7やがてイサクは父アブラハムに言った、「父よ」。彼は答えた、「子よ、わたしはここにいます」。イサクは言った、「火とたきぎとはありますが、燔祭の小羊はどこにありますか」。
8Abhurahamu ndokuti: Mwari uchazvipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwanakomana wangu; saizvozvo vakafamba vari vaviri pamwe.
8アブラハムは言った、「子よ、神みずから燔祭の小羊を備えてくださるであろう」。こうしてふたりは一緒に行った。
9Zvino vakasvika panzvimbo Mwari yaakange avaudza; Abhurahamu ndokuvakapo aritari; ndokugadzira huni; ndokusunga Isaka mwanakomana wake, ndokumuisa paaritari pamusoro pehuni.
9彼らが神の示された場所にきたとき、アブラハムはそこに祭壇を築き、たきぎを並べ、その子イサクを縛って祭壇のたきぎの上に載せた。
10Zvino Abhurahamu wakatambanudza ruoko rwake, ndokutora banga kuti abaye mwanakomana wake.
10そしてアブラハムが手を差し伸べ、刃物を執ってその子を殺そうとした時、
11Zvino mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari ari kumatenga akati: Abhurahamu! Abhurahamu! Iye ndokuti: Ndiri pano.
11主の使が天から彼を呼んで言った、「アブラハムよ、アブラハムよ」。彼は答えた、「はい、ここにおります」。
12Zvino wakati: Usaisa ruoko rwako pamukomana, kana kumuitira chinhu, nekuti ikozvino ndinoziva kuti unotya Mwari, sezvo usina kundinyima mwanakomana wako, wako umwe chete.
12み使が言った、「わらべを手にかけてはならない。また何も彼にしてはならない。あなたの子、あなたのひとり子をさえ、わたしのために惜しまないので、あなたが神を恐れる者であることをわたしは今知った」。
13Abhurahamu ndokusimudza meso ake, ndokutarira, ndokuona shure gondohwe rakange rakabatwa mufomwe nenyanga dzaro. Abhurahamu ndokunotora gondohwe riya, akaripisa chikava chibayiro panzvimbo yemwanakomana wake.
13この時アブラハムが目をあげて見ると、うしろに、角をやぶに掛けている一頭の雄羊がいた。アブラハムは行ってその雄羊を捕え、それをその子のかわりに燔祭としてささげた。
14Abhurahamu ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Jehovha-jire; sezvo kuchinzi nanhasi, Pagomo raJehovha zvicharangarirwa.
14それでアブラハムはその所の名をアドナイ・エレと呼んだ。これにより、人々は今日もなお「主の山に備えあり」と言う。
15Zvino mutumwa waJehovha wakadanidzira kuna Abhurahamu rwechipiri, ari kumatenga,
15主の使は再び天からアブラハムを呼んで、
16ndokuti: Ndakapika neni ndomene, ndizvo zvinoreva Jehovha, nekuti waita chinhi ichi, ukasanyima mwanakomana wako, wako umwe chete;
16言った、「主は言われた、『わたしは自分をさして誓う。あなたがこの事をし、あなたの子、あなたのひとり子をも惜しまなかったので、
17ndichakuropafadza nekuropafadza, uye ndichawanza nekuwanza mbeu yako senyeredzi dzekumatenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; uye mbeu yako ichava varidzi vemasuwo evavengi vayo;
17わたしは大いにあなたを祝福し、大いにあなたの子孫をふやして、天の星のように、浜べの砂のようにする。あなたの子孫は敵の門を打ち取り、
18nemumbeu yako ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa, nekuti wakateerera inzwi rangu.
18また地のもろもろの国民はあなたの子孫によって祝福を得るであろう。あなたがわたしの言葉に従ったからである』」。
19Zvino Abhurahamu wakadzokera kumajaya ake; ndokusimuka ndokuenda vose Bheerishebha; Abhurahamu ndokugara paBheerishebha.
19アブラハムは若者たちの所に帰り、みな立って、共にベエルシバへ行った。そしてアブラハムはベエルシバに住んだ。
20Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, kuti Abhurahamu wakaudzwa zvichinzi: Tarira, Mirika wakaberekerawo munin'ina wako Nahori vanakomana:
20これらの事の後、ある人がアブラハムに告げて言った、「ミルカもまたあなたの兄弟ナホルに子どもを産みました。
21Uzi dangwe rake, naBuzi munin'ina wake, naKemueri baba vaAramu,
21長男はウヅ、弟はブズ、次はアラムの父ケムエル、
22naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri;
22次はケセデ、ハゾ、ピルダシ、エデラフ、ベトエルです」。
23Bhetueri ndokubereka Rabheka; ava vasere Mirika wakavakaberekera Nahori, munununa waAbhurahamu.
23ベトエルの子はリベカであって、これら八人はミルカがアブラハムの兄弟ナホルに産んだのである。ナホルのそばめで、名をルマという女もまたテバ、ガハム、タハシおよびマアカを産んだ。
24Nemurongo wake, wezita rainzi Ruma, wakaberekawo Tebha, naGahami, naTahashi, naMaaka.
24ナホルのそばめで、名をルマという女もまたテバ、ガハム、タハシおよびマアカを産んだ。