1Zvino Rakeri akati achiona kuti wakange asingaberekeri Jakove, Rakeri wakagodora mukoma wake, ndokuti kuna Jakove: Ndipe vana; kana zvikasadaro ndife.
1ラケルは自分がヤコブに子を産まないのを知った時、姉をねたんでヤコブに言った、「わたしに子どもをください。さもないと、わたしは死にます」。
2Naizvozvo kutsamwa kwaJakove kwakapfutira Rakeri akati: Ndiri pachinzvimbo chaMwari here, wakabata chibereko chechizvaro?
2ヤコブはラケルに向かい怒って言った、「あなたの胎に子どもをやどらせないのは神です。わたしが神に代ることができようか」。
3Iye ndokuti: Tarira, murandakadzi wangu Bhiriha, pinda kwaari, kuti abereke pamabvi angu, neni ndivakwe kwaari.
3ラケルは言った、「わたしのつかえめビルハがいます。彼女の所におはいりなさい。彼女が子を産んで、わたしのひざに置きます。そうすれば、わたしもまた彼女によって子を持つでしょう」。
4Zvino wakamupa Bhiriha, murandakadzi wake kuva mukadzi; Jakove ndokupinda kwaari.
4ラケルはつかえめビルハを彼に与えて、妻とさせたので、ヤコブは彼女の所にはいった。
5Zvino Bhiriha wakabata mimba, akaberekera Jakove mwanakomana.
5ビルハは、みごもってヤコブに子を産んだ。
6Rakeri ndokuti: Mwari wanditongera, uye wanzwa inzwi rangu, ndokundipa mwanakomana. Naizvozvo wakatumidza zita rake kuti Dhani.
6そこでラケルは、「神はわたしの訴えに答え、またわたしの声を聞いて、わたしに子を賜わった」と言って、名をダンと名づけた。
7Bhiriha murandakadzi waRakeri ndokubata mimbazve, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechipiri.
7ラケルのつかえめビルハはまた、みごもって第二の子をヤコブに産んだ。
8Zvino Rakeri wakati: Nemutsimba mukuru, ndakaita mutsimba nemukoma wangu, ndikakunda; akatumidza zita rake kuti Nafutari.
8そこでラケルは、「わたしは激しい争いで、姉と争って勝った」と言って、名をナフタリと名づけた。
9Zvino Rea wakati achiona kuti wamira kubereka, wakatora Ziripa murandakadzi wake, akamupa kuna Jakove kuva mukadzi.
9さてレアは自分が子を産むことのやんだのを見たとき、つかえめジルパを取り、妻としてヤコブに与えた。
10Ziripa murandakadzi waRea ndokuberekera Jakove mwanakomana.
10レアのつかえめジルパはヤコブに子を産んだ。
11Rea ndokuti: Ndaita rombo rakanaka. Ndokutumidza zita rake kuti Gadhi.
11そこでレアは、「幸運がきた」と言って、名をガドと名づけた。
12Ziripa, murandakadzi waRea, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechipiri.
12レアのつかえめジルパは第二の子をヤコブに産んだ。
13Rea ndokuti: Ndezvemufaro wangu, nekuti vakunda vachanditi ndine mufaro. Ndokutumidza zita rake Asheri.
13そこでレアは、「わたしは、しあわせです。娘たちはわたしをしあわせな者と言うでしょう」と言って、名をアセルと名づけた。
14Zvino Rubheni akaenda pamazuva okukohwa gorosi, akandowana mamandirakisi* mumunda, akaauisa kuna mai vake Rea. Rakeri ndokuti kuna Rea: Dondipawo mamandirakisi emwanakomana wako.
14さてルベンは麦刈りの日に野に出て、野で恋なすびを見つけ、それを母レアのもとに持ってきた。ラケルはレアに言った、「あなたの子の恋なすびをどうぞわたしにください」。
15Iye ndokuti kwaari: Chinhu chiduku here kuti wakatora murume wangu? Zvino woda kutorazve mamandirakisi emwanakomana wangu here? Rakeri ndokuti: Naizvozvo ucharara newe usiku huno nekuda kwemamandirakisi emwanakomana wako.
15レアはラケルに言った、「あなたがわたしの夫を取ったのは小さな事でしょうか。その上、あなたはまたわたしの子の恋なすびをも取ろうとするのですか」。ラケルは言った、「それではあなたの子の恋なすびに換えて、今夜彼をあなたと共に寝させましょう」。
16Zvino Jakove wakati achidzoka kubva kumunda manheru, Rea ndokubuda kunomuchingamidza, akati: Unofanira kupinda kwandiri, nekuti kukuhaya* ndakuhaya nemamandirakisi emwanakomana wangu. Ndokurara naye usiku ihwohwo.
16夕方になって、ヤコブが野から帰ってきたので、レアは彼を出迎えて言った、「わたしの子の恋なすびをもって、わたしがあなたを雇ったのですから、あなたはわたしの所に、はいらなければなりません」。ヤコブはその夜レアと共に寝た。
17Zvino Mwari wakanzwa Rea, akabata mimba, akaberekera Jakove mwanakomana wechishanu.
17神はレアの願いを聞かれたので、彼女はみごもって五番目の子をヤコブに産んだ。
18Rea ndokuti: Mwari wandipa mubayiro wangu, nekuti ndakapa murandakadzi wangu murume wangu; ndokutumidza zita rake kuti Isakari.
18そこでレアは、「わたしがつかえめを夫に与えたから、神がわたしにその価を賜わったのです」と言って、名をイッサカルと名づけた。
19Rea ndokubata mimbazve, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechitanhatu.
19レアはまた、みごもって六番目の子をヤコブに産んだ。
20Rea ndokuti: Mwari wandipa chipo chakanaka; ikozvino murume wangu uchagara neni, nekuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu; ndokutumidza zita rake kuti Zebhuroni.
20そこでレアは、「神はわたしに良い賜物をたまわった。わたしは六人の子を夫に産んだから、今こそ彼はわたしと一緒に住むでしょう」と言って、その名をゼブルンと名づけた。
21pashure akazobereka mukunda, akamutumidza zita rake kuti Dhina.
21その後、彼女はひとりの娘を産んで、名をデナと名づけた。
22Zvino Mwari wakarangarirawo Rakeri, Mwari akamunzwa, akazarura chibereko chake.
22次に神はラケルを心にとめられ、彼女の願いを聞き、その胎を開かれたので、
23Akabata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Mwari wabvisa kunyadziswa kwangu.
23彼女は、みごもって男の子を産み、「神はわたしの恥をすすいでくださった」と言って、
24Ndokutumidza zita rake kuti Josefa, achiti: Jehovha ngaawedzere kwandiri umwe mwanakomana.
24名をヨセフと名づけ、「主がわたしに、なおひとりの子を加えられるように」と言った。
25Zvino zvakaitia Rakeri abereka Josefa, kuti Jakove wakati kuna Rabhani: Ndiregei ndifambe kuti ndiende kunzvimbo yekwedu nekunyika yekwedu.
25ラケルがヨセフを産んだ時、ヤコブはラバンに言った、「わたしを去らせて、わたしの故郷、わたしの国へ行かせてください。
26Ipai kwandiri vakadzi vangu nevana vangu, vandakashandira kwamuri kuti ndiende, nekuti imwi munoziva basa rangu randakakubatirai.
26あなたに仕えて得たわたしの妻子を、わたしに与えて行かせてください。わたしがあなたのために働いた骨折りは、あなたがごぞんじです」。
27Rabhani ndokuti kwaari: Kana hangu ndawana nyasha pameso ako; ndaona nekutarisisa kuti Jehovha wakandiropafadza nekuda kwako.
27ラバンは彼に言った、「もし、あなたの心にかなうなら、とどまってください。わたしは主があなたのゆえに、わたしを恵まれるしるしを見ました」。
28Ndokutiwo: Nditemere mubayiro wako, ndigokupa.
28また言った、「あなたの報酬を申し出てください。わたしはそれを払います」。
29Iye ndokuti kwaari: Imwi munoziva kuti ndakakushandirai sei, uye kuti zvipfuwo zvenyu zvaiva zvakadii neni.
29ヤコブは彼に言った、「わたしがどのようにあなたに仕えたか、またどのようにあなたの家畜を飼ったかは、あなたがごぞんじです。
30Nekuti zvishoma zvamaiva nazvo ndisati ndasvika, zvakawanda zvikava zvizhinjizhinji; Jehovha ndokukuropafadzai pakusvika kwangu; zvino ini ndichabatira imba yangu rinhi?
30わたしが来る前には、あなたの持っておられたものはわずかでしたが、ふえて多くなりました。主はわたしの行く所どこでも、あなたを恵まれました。しかし、いつになったらわたしも自分の家を成すようになるでしょうか」。
31Iye ndokuti: Ndichakupei? Jakove ndokuti: Hamungandipi chinhu; kana mukandiitira chinhu ichi, ndichafudzazve nekuchengeta zvipfuwo zvenyu.
31彼は言った、「何をあなたにあげようか」。ヤコブは言った、「なにもわたしにくださるに及びません。もしあなたが、わたしのためにこの一つの事をしてくださるなら、わたしは今一度あなたの群れを飼い、守りましょう。
32Ndichagura nepakati peboka renyu rose nhasi, ndichibvisapo gwai rose rine mavara nerine makwapa, negwai rose resvundu pakati pemakwai, nedzine mavara nedzine makwapa pakati pembudzi; zvigova mubayiro wangu.
32わたしはきょう、あなたの群れをみな回ってみて、その中からすべてぶちとまだらの羊、およびすべて黒い小羊と、やぎの中のまだらのものと、ぶちのものとを移しますが、これをわたしの報酬としましょう。
33Zvino kururama kwangu kuchandipupurira pazuva rinouya, kana muchiuira mubayiro wangu pamberi pechiso chenyu; zvose zvisina mavara nezvisina makwapa pakati pembudzi, nezvisvundu pamakwai, zvinenge zvabiwa kana zviri kwandiri.
33あとで、あなたがきて、あなたの前でわたしの報酬をしらべる時、わたしの正しい事が証明されるでしょう。もしも、やぎの中にぶちのないもの、まだらでないものがあったり、小羊の中に黒くないものがあれば、それはみなわたしが盗んだものとなるでしょう」。
34Rabhani ndokuti: Tarira, haiwa, ngazvive maererano neshoko rako.
34ラバンは言った、「よろしい。あなたの言われるとおりにしましょう」。
35Zvino nemusi iwoyo wakatsaura nhongo dzembudzi dzakange dzine mitsetse nedzine makwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi dzakange dzine mavara nedzine makwapa, chose chakange chine ruvana ruchena, nechisvundu pamakwai, akapa paruoko rwevana vake.
35そこでラバンはその日、雄やぎのしまのあるもの、まだらのもの、すべて雌やぎのぶちのもの、まだらのもの、すべて白みをおびているもの、またすべて小羊の中の黒いものを移して子らの手にわたし、
36Akaisa chinhambwe chemazuva matatu pakati pake naJakove. Jakove akafudza boka raRabhani rakange rasara.
36ヤコブとの間に三日路の隔たりを設けた。ヤコブはラバンの残りの群れを飼った。
37Zvino Jakove wakatora matanda manyoro emupopura* neemuarimondi neasina makwande, akasvuura mitaro michena paari, akaonesa kuchena kwakange kuri maari.
37ヤコブは、はこやなぎと、あめんどうと、すずかけの木のなまの枝を取り、皮をはいでそれに白い筋をつくり、枝の白い所を表わし、
38Ndokuisa matanda aakanga asvuura pamigero nezvimwiro pakanangana nemapoka, paiuya mapoka kuzomwa; kuti abate mazamu pakuuya kwawo kuzomwa.
38皮をはいだ枝を、群れがきて水を飲む鉢、すなわち水ぶねの中に、群れに向かわせて置いた。群れは水を飲みにきた時に、はらんだ。
39Zvino mapoka akatora zamu pamberi pematanda, mapoka ndokubereka zvine mitsetse nezvine mavara nezvine makwapa.
39すなわち群れは枝の前で、はらんで、しまのあるもの、ぶちのもの、まだらのものを産んだ。
40Zvino Jakove akaparadzanisa makwayana, akataridza zviso zvemapoka kune zvaiva nemitsetse nezvose zvisvundu pamapoka aRabhani; akaisa mapoka ake ari oga; akasaaisa kuzvipfuwo zvaRabhani.
40ヤコブはその小羊を別においた。彼はまた群れの顔をラバンの群れのしまのあるものと、すべて黒いものとに向かわせた。そして自分の群れを別にまとめておいて、ラバンの群れには、入れなかった。
41Zvino zvakaitika pose akasimba eboka paaibata zamu, kuti Jakove wakaisa matanda pamberi pemeso emapoka pamigero, kuti zviteverwe pakati pematanda.
41また群れの強いものが発情した時には、ヤコブは水ぶねの中に、その群れの目の前に、かの枝を置いて、枝の間で、はらませた。
42Asi kana boka risina simba haana kuaisa; naizvozvo zvakange zvisina simba zvakange zviri zvaRabhani, uye zvakasimba zvaJakove.
42けれども群れの弱いものの時には、それを置かなかった。こうして弱いものはラバンのものとなり、強いものはヤコブのものとなったので、この人は大いに富み、多くの群れと、男女の奴隷、およびらくだ、ろばを持つようになった。
43Zvino murume akava mukuru kwazvo, akava nemapoka mazhinji nevaranda nevarandakadzi nemakamera nemadhongi.
43この人は大いに富み、多くの群れと、男女の奴隷、およびらくだ、ろばを持つようになった。