1Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKanani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni.
1ヨセフは行って、パロに言った、「わたしの父と兄弟たち、その羊、牛およびすべての持ち物がカナンの地からきて、今ゴセンの地におります」。
2Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao.
2そしてその兄弟のうちの五人を連れて行って、パロに会わせた。
3Farao akati kuvakoma vake, Basa renyu ndereiko?
3パロはヨセフの兄弟たちに言った、「あなたがたの職業は何か」。彼らはパロに言った、「しもべらは羊を飼う者です。われわれも、われわれの先祖もそうです」。
4Vakati kuna Farao, Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nekuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nekuti kune nzara kunyika yeKanani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni.
4彼らはまたパロに言った、「この国に寄留しようとしてきました。カナンの地はききんが激しく、しもべらの群れのための牧草がないのです。どうかしもべらをゴセンの地に住ませてください」。
5Ipapo Farao akataura naJosefa, akati, Baba vako navana vababa vako vauya kwauri;
5パロはヨセフに言った、「あなたの父と兄弟たちとがあなたのところにきた。
6nyika yeIjipiti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo yakaisvonaka panyika ino, ngavagare panyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu.
6エジプトの地はあなたの前にある。地の最も良い所にあなたの父と兄弟たちとを住ませなさい。ゴセンの地に彼らを住ませなさい。もしあなたが彼らのうちに有能な者があるのを知っているなら、その者にわたしの家畜をつかさどらせなさい」。
7Josefa akapinda naJakove, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakove akaropafadza Farao.
7そこでヨセフは父ヤコブを導いてパロの前に立たせた。ヤコブはパロを祝福した。
8Farao akati kuna Jakove, Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?
8パロはヤコブに言った、「あなたの年はいくつか」。
9Jakove akati kuna Farao, Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu aiva mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo.
9ヤコブはパロに言った、「わたしの旅路のとしつきは、百三十年です。わたしのよわいの日はわずかで、ふしあわせで、わたしの先祖たちのよわいの日と旅路の日には及びません」。
10Jakove akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao.
10ヤコブはパロを祝福し、パロの前を去った。
11Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeEgipita, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRamesesi, sezvaakarairwa naFarao.
11ヨセフはパロの命じたように、父と兄弟たちとのすまいを定め、彼らにエジプトの国で最も良い地、ラメセスの地を所有として与えた。
12Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, akavapa zvokudya achiverenga navana vavowo.
12またヨセフは父と兄弟たちと父の全家とに、家族の数にしたがい、食物を与えて養った。
13Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nekuti nzara yakanga iri huru, nyika yeEgipita nenyika yeKanani dzikaziya nenzara.
13さて、ききんが非常に激しかったので、全地に食物がなく、エジプトの国もカナンの国も、ききんのために衰えた。
14Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeEgipita, napanyika yeKanani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao.
14それでヨセフは人々が買った穀物の代金としてエジプトの国とカナンの国にあった銀をみな集め、その銀をパロの家に納めた。
15Mari yose yakati yapera munyika yeEgipita, napanyika yeKanani, vaEgipita vose vakauya kuna Josefa, vakati, Tipei zvokudya, nekuti tingafa seiko pamberi penyu? nekuti mari yapera.
15こうしてエジプトの国とカナンの国に銀が尽きたとき、エジプトびとはみなヨセフのもとにきて言った、「食物をください。銀が尽きたからとて、どうしてあなたの前で死んでよいでしょう」。
16Josefa akati, Uyai nemombe dzenyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvipfuwo zvenyu, kana mari yapera.
16ヨセフは言った、「あなたがたの家畜を出しなさい。銀が尽きたのなら、あなたがたの家畜と引き替えで食物をわたそう」。
17Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachitsinhanha namabhiza, namakwai, nemombe, nemadhongi; akavararamisa nezvokudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro.
17彼らはヨセフの所へ家畜をひいてきたので、ヨセフは馬と羊の群れと牛の群れ及びろばと引き替えで、食物を彼らにわたした。こうして彼はその年、すべての家畜と引き替えた食物で彼らを養った。
18Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;
18やがてその年は暮れ、次の年、人々はまたヨセフの所へきて言った、「わが主には何事も隠しません。われわれの銀は尽き、獣の群れもわが主のものになって、われわれのからだと田地のほかはわが主の前に何も残っていません。
19zvino tingafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.
19われわれはどうして田地と一緒に、あなたの目の前で滅んでよいでしょう。われわれと田地とを食物と引き替えで買ってください。われわれは田地と一緒にパロの奴隷となりましょう。また種をください。そうすればわれわれは生きながらえ、死を免れて、田地も荒れないでしょう」。
20Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeEgipita, nekuti vaEgipita vakatengesa mumwe nomumwe munda wake, nekuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao.
20そこでヨセフはエジプトの田地をみなパロのために買い取った。ききんがエジプトびとに、きびしかったので、めいめいその田畑を売ったからである。こうして地はパロのものとなった。
21Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva kumuganhu mumwe weEgipita kusvikira kuno mumwe muganhu wayo.
21そしてヨセフはエジプトの国境のこの端からかの端まで民を奴隷とした。
22Asi nyika yavapristi yoga haana kuitenga, nekuti vapristi vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo:
22ただ祭司の田地は買い取らなかった。祭司にはパロの給与があって、パロが与える給与で生活していたので、その田地を売らなかったからである。
23Zvino Josefa akati kuvanhu, Tarirai, ndakatengera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudzvare panyika.
23ヨセフは民に言った、「わたしはきょう、あなたがたとその田地とを買い取って、パロのものとした。あなたがたに種をあげるから地にまきなさい。
24Nenguva yokukohwa munofanira kupa Farao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zvenyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvokudya zvepwere dzenyu.
24収穫の時は、その五分の一をパロに納め、五分の四を自分のものとして田畑の種とし、自分と家族の食糧とし、また子供の食糧としなさい」。
25Ivo vakati, Ndimwi makatichengeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao.
25彼らは言った、「あなたはわれわれの命をお救いくださった。どうかわが主の前に恵みを得させてください。われわれはパロの奴隷になりましょう」。
26Josefa akatema mutemo panyika yeEgipita, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapristi yoga haina kuva yaFarao.
26ヨセフはエジプトの田地について、収穫の五分の一をパロに納めることをおきてとしたが、それは今日に及んでいる。ただし祭司の田地だけはパロのものとならなかった。
27Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeEgipita, panyika yeGosheni, vakazviwanira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.
27さてイスラエルはエジプトの国でゴセンの地に住み、そこで財産を得、子を生み、大いにふえた。
28Jakove akagara panyika yeEgipita makore ane gumi namanomwe; naizvozvo mazuva aJakove makore oupenyu hwake, aiva makore ane zana namakumi mana namanomwe.
28ヤコブはエジプトの国で十七年生きながらえた。ヤコブのよわいの日は百四十七年であった。
29Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga yaswedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, Kana ndawana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire tsitsi nechokwadi; rega hako kundiviga paEgipita;
29イスラエルは死ぬ時が近づいたので、その子ヨセフを呼んで言った、「もしわたしがあなたの前に恵みを得るなら、どうか手をわたしのももの下に入れて誓い、親切と誠実とをもってわたしを取り扱ってください。どうかわたしをエジプトには葬らないでください。
30asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paEgipita, unondiviga muguva ravo. Iye akati, Ndichaita sezvamataura.
30わたしが先祖たちと共に眠るときには、わたしをエジプトから運び出して先祖たちの墓に葬ってください」。ヨセフは言った、「あなたの言われたようにいたします」。ヤコブがまた、「わたしに誓ってください」と言ったので、彼は誓った。イスラエルは床のかしらで拝んだ。
31Vakati, Ndipikire; iye akavapikira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamusoro wouvato hwake.
31ヤコブがまた、「わたしに誓ってください」と言ったので、彼は誓った。イスラエルは床のかしらで拝んだ。