1Shure kwaizvozvo Jobho wakashamisa muromo wake, akatuka zuva rake.
1この後、ヨブは口を開いて、自分の生れた日をのろった。
2Jobho akapindura akati,
2すなわちヨブは言った、
3Zuva randakaberekwa naro ngarirove, Nousiku uhwo hwavakati, Mwana womukomana agamuchirwa.
3「わたしの生れた日は滅びうせよ。『男の子が、胎にやどった』と言った夜もそのようになれ。
4Zuva iro ngarive rima; Mwari ari kumusoro ngaarege kurirangarira, Nechiedza ngachirege kurivhenekera.
4その日は暗くなるように。神が上からこれを顧みられないように。光がこれを照さないように。
5Rima nomumvuri worufu ngazviritore rive razvo; Gore ngarigare pamusoro paro; Zvose zvinosvibisa zuva ngazvirivhunduse.
5やみと暗黒がこれを取りもどすように。雲が、その上にとどまるように。日を暗くする者が、これを脅かすように。
6Kana huri vusiku uhwo, ngahubatwe nerima guru; Ngahurege kufara pakati pamazuva egore; Ngahurege kurahwa pakati pemwedzi.
6その夜は、暗やみが、これを捕えるように。年の日のうちに加わらないように。月の数にもはいらないように。
7Usiku uhwo ngahuve ngomwa; inzwi romufaro ngarirege kupinda mahuri.
7また、その夜は、はらむことのないように。喜びの声がそのうちに聞かれないように。
8Vanotuka zuva iro ngavavutukewo, Ivo vanogona kumutsa shato huru.
8日をのろう者が、これをのろうように。レビヤタンを奮い起すに巧みな者が、これをのろうように。
9Nyeredzi dzamambakwedza ahwo ngadzisvibe; Ngahumirire chiedza, asi huchishaiwe; Ngaurege kuona fungiro dzameso amangwanani;
9その明けの星は暗くなるように。光を望んでも、得られないように。また、あけぼののまぶたを見ることのないように。
10Zvahusina kupfiga mikova yemimba yamai vangu, Kana kuvanza kutambudzika pameso angu.
10これは、わたしの母の胎の戸を閉じず、また悩みをわたしの目に隠さなかったからである。
11Ndakaregereiko kufa ndichiri mumimba? Ndakaregerei kuparara ndichibuda mudumbu,
11なにゆえ、わたしは胎から出て、死ななかったのか。腹から出たとき息が絶えなかったのか。
12Mabvi akandigamuchirireiko? Kana mazamu, kuti ndimwe?
12なにゆえ、ひざが、わたしを受けたのか。なにゆえ、乳ぶさがあって、わたしはそれを吸ったのか。
13nekuti ndingadai zvino ndakatandavara, ndinyerere; Ndingadai ndivete; ipapo ndingadai ndazorora;
13そうしなかったならば、わたしは伏して休み、眠ったであろう。そうすればわたしは安んじており、
14Pamwechete namadzimambo namakurukota enyika Vakazvivakira matongo;
14自分のために荒れ跡を築き直した地の王たち、参議たち、
15Kana namachinda, aiva nendarama, Akazadza dzimba dzawo nesirivha;
15あるいは、こがねを持ち、しろがねを家に満たした君たちと一緒にいたであろう。
16Kana ndingadai ndisina kuvapo somwana akaponiwa nguva isina kusvika; Savacheche vasina kutongoona chiedza.
16なにゆえ、わたしは人知れずおりる胎児のごとく、光を見ないみどりごのようでなかったのか。
17Vakaipa vanorega kutambudza kwavo ipapo; Vakaneta vanozorora ipapo.
17かしこでは悪人も、あばれることをやめ、うみ疲れた者も、休みを得、
18Vasungwa vanorugare pamwechete ipapo; Havanzwi inzwi romutariri.
18捕われ人も共に安らかにおり、追い使う者の声を聞かない。
19Vaduku navakuru varipo; Uye muranda akasununguka panatenzi wake.
19小さい者も大きい者もそこにおり、奴隷も、その主人から解き放される。
20Munhu ari panjodzi anopirweiko chiedza, Noupenyu kuno ane shungu pamoyo;
20なにゆえ、悩む者に光を賜い、心の苦しむ者に命を賜わったのか。
21Avo vanoshuva rufu, asi haruuyi; Vanoruchera kupfuura fuma yakavanzwa pasi;
21このような人は死を望んでも来ない、これを求めることは隠れた宝を掘るよりも、はなはだしい。
22Vanopembera kwazvo, Nokufara, kana vachiwana hwiro?
22彼らは墓を見いだすとき、非常に喜び楽しむのだ。
23Munhu, akadzimira nzira yake, anopirweiko upenyu, Iye akadzivirirwa norumhanda naMwari?
23なにゆえ、その道の隠された人に、神が、まがきをめぐらされた人に、光を賜わるのか。
24Nekuti ndinogomera ndisati ndadya, Kuvuvura kwangu kunodururwa semvura.
24わたしの嘆きはわが食物に代って来り、わたしのうめきは水のように流れ出る。
25Nekuti chinhu chandaitya chandiwira, Nechandinoteta chandivinga.
25わたしの恐れるものが、わたしに臨み、わたしの恐れおののくものが、わが身に及ぶ。わたしは安らかでなく、またおだやかでない。わたしは休みを得ない、ただ悩みのみが来る」。
26Handina mufaro, kana kunyarara, kana kuzorora; Asi njodzi inongosiuya.
26わたしは安らかでなく、またおだやかでない。わたしは休みを得ない、ただ悩みのみが来る」。