1Asi vana vaIsiraeri vakadarika pachinhu chakayereswa; nekuti Akani, mwanakomana waKarimwi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, wakatora chinhu chezvakayereswa; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vana vaIsiraeri.
1しかし、イスラエルの人々は奉納物について罪を犯した。すなわちユダの部族のうちの、ゼラの子ザブデの子であるカルミの子アカンが奉納物を取ったのである。それで主はイスラエルの人々にむかって怒りを発せられた。
2Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti-avheni, kumabvazuva eBheteri, akataura navo, akati, Kwirai, mundoshora nyika. Varume vakakwira, vakandoshora Ai,
2ヨシュアはエリコから人々をつかわし、ベテルの東、ベテアベンの近くにあるアイに行かせようとして、その人々に言った、「上って行って、かの地を探ってきなさい」。人々は上って行って、アイを探ったが、
3Vakadzokera kuna Joshua, vakati kwaari, Vanhu vose ngavarege kukwira; varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu ngavaende kundorwa neAi, asi vanhu vose ngavarege havo kutambudzwa kuendako, nekuti vashoma havo.
3ヨシュアのもとに帰ってきて言った、「民をことごとく行かせるには及びません。ただ二、三千人を上らせて、アイを撃たせなさい。彼らは少ないのですから、民をことごとくあそこへやってほねおりをさせるには及びません」。
4Naizvozvo varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu vakaendako, ivo vakatiza pamberi pavarume veAi.
4そこで民のうち、おおよそ三千人がそこに上ったが、ついにアイの人々の前から逃げ出した。
5Varume veAi vakauraya varume vanenge makumi matatu navatanhatu vavo, vakavateverera kubva pamberi pesuwo kusvikira Shebharimi, vachivauraya pakuburuka kwavo; ipapo moyo yavanhu yakanyauka, ikaita semvura.
5アイの人々は彼らのうち、おおよそ三十六人を殺し、更に彼らを門の前からシバリムまで追って、下り坂で彼らを殺したので、民の心は消えて水のようになった。
6Zvino Joshua akabvarura nguvo dzake, akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha kusvikira madekwana, iye navakuru vavaIsiraeri, vakaisa guruva pamisoro yavo.
6そのためヨシュアは衣服を裂き、イスラエルの長老たちと共に、主の箱の前で、夕方まで地にひれ伏し、ちりをかぶった。
7Joshua akati, Haiwa! Ishe Mwari, makayambusireiko vanhu ava paJoridhani, kuti mutiise mumaoko avaAmori, vatiparadze? Dai takatenda hedu kugara mhiri kwaJoridhani!
7ヨシュアは言った、「ああ、主なる神よ、あなたはなにゆえ、この民にヨルダンを渡らせ、われわれをアモリびとの手に渡して滅ぼさせられるのですか。われわれはヨルダンの向こうに、安んじてとどまればよかったのです。
8Haiwa, Ishe, ndichati kudiniko, vaIsiraeri zvavakafuratira vavengi vavo!
8ああ、主よ。イスラエルがすでに敵に背をむけた今となって、わたしはまた何を言い得ましょう。
9Nekuti vaKanani navose vagere munyika ino vachazvinzwa, vachatikomba, nokudzima zita redu panyika; zvino zita renyu guru muchariiteiko?
9カナンびと、およびこの地に住むすべてのものは、これを聞いて、われわれを攻めかこみ、われわれの名を地から断ち去ってしまうでしょう。それであなたは、あなたの大いなる名のために、何をしようとされるのですか」。
10Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, Simuka, wawireiko kudai pachiso chako?
10主はヨシュアに言われた、「立ちなさい。あなたはどうして、そのようにひれ伏しているのか。
11VaIsiraeri vatadza, vadarika sungano yangu yandakavaraira; vatora chinhu chakayeriswa, vabavo, nokunyengera, nokuchiviga pakati penhumbi dzavo.
11イスラエルは罪を犯し、わたしが彼らに命じておいた契約を破った。彼らは奉納物を取り、盗み、かつ偽って、それを自分の所有物のうちに入れた。
12Naizvozvo vana vaIsiraeri havangagoni kukunda vavengi vavo, vanofuratira vavengi vavo, nekuti vava vanhu vakatukwa; handichazovi nemi, kana musingaparadzi chinhu chakayereswa pakati penyu.
12それでイスラエルの人々は敵に当ることができず、敵に背をむけた。彼らも滅ぼされるべきものとなったからである。あなたがたが、その滅ぼされるべきものを、あなたがたのうちから滅ぼし去るのでなければ、わたしはもはやあなたがたとは共にいないであろう。
13Simuka, utsaure vanhu, uti, Zvitsaurirei mangwana, nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.
13立って、民を清めて言いなさい、『あなたがたは身を清めて、あすのために備えなさい。イスラエルの神、主はこう仰せられる、「イスラエルよ、あなたがたのうちに、滅ぼされるべきものがある。その滅ぼされるべきものを、あなたがたのうちから除き去るまでは、敵に当ることはできないであろう」。
14Naizvozvo mangwana munofanira kuswedera namarudzi enyu; zvino rudzi runobatwa naJehovha, runofanira kuswedera nedzimba dzarwo, neimba inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera nemhuri dzayo, nemhuri inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera murume mumwe nomumwe.
14それゆえ、あすの朝、あなたがたは部族ごとに進み出なければならない。そして主がくじを当てられる部族は、氏族ごとに進みいで、主がくじを当てられる氏族は、家族ごとに進みいで、主がくじを当てられる家族は、男ひとりびとり進み出なければならない。
15Zvino uyo unobatwa ane chinhu chakayereswa, anofanira kupiswa nomoto, iye nezvose zvaanazvo; nekuti wakadarika sungano yaJehovha, uye nekuti wakaita chinhu chakaipa kwazvo pakati paIsiraeri.
15そしてその滅ぼされるべきものを持っていて、くじを当てられた者は、その持ち物全部と共に、火で焼かれなければならない。主の契約を破りイスラエルのうちに愚かなことを行ったからである』」。
16Naizvozvo Joshua wakamuka mangwanani, akaswededza vaIsiraeri namarudzi avo; rudzi rwaJudha ndokubatwa;
16こうしてヨシュアは朝早く起き、イスラエルを部族ごとに進み出させたところ、ユダの部族がくじに当り、
17zvino akaswededza dzimba dzaJudha, imba yaZera ikabatwa; zvino akaswededza murume mumwe nomumwe weimba yavaZera, Zabhedhi akabatwa;
17ユダのもろもろの氏族を進み出させたところ、ゼラびとの氏族が、くじに当った。ゼラびとの氏族を家族ごとに進み出させたところ、ザブデの家族が、くじに当った。
18zvino akaswededza mhuri yake, murume mumwe nomumwe, Akani mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha akabatwa.
18ザブデの家族を男ひとりびとり進み出させたところ、アカンがくじに当った。アカンはユダの部族のうちの、ゼラの子、ザブデの子なるカルミの子である。
19Zvino Joshua akati kuna Akani, Mwana wangu, chikudza Jehovha Mwari waIsiraeri, uzvireurure kwaari; ndiudze zvino zvawakaita, usandivanzira izvo.
19その時ヨシュアはアカンに言った、「わが子よ、イスラエルの神、主に栄光を帰し、また主をさんびし、あなたのしたことを今わたしに告げなさい。わたしに隠してはならない」。
20Ipapo Akani akapindura Joshua, akati, Zvirokwazvo, ndakatadzira Jehovha Mwari waIsiraeri, ndakaita zvokuti nezvokuti;
20アカンはヨシュアに答えた、「ほんとうにわたしはイスラエルの神、主に対して罪を犯しました。わたしがしたのはこうです。
21ndakaona pakati pezvakapambwa nguvo yakanaka, inobva Bhabhironi, nesirivha yakasvika mashekeri ana mazana maviri, nechikamu chendarama chakasvika mashekeri ana makumi mashanu pakuyerwa kwacho; ipapo ndakazvichochora, ndikazvitora, tarirai, zvakavigwa pasi mutende rangu, sirivha iri pasi pazvo.
21わたしはぶんどり物のうちに、シナルの美しい外套一枚と銀二百シケルと、目方五十シケルの金の延べ棒一本のあるのを見て、ほしくなり、それを取りました。わたしの天幕の中に、地に隠してあります。銀はその下にあります」。
22Naizvozvo Joshua akatuma nhume, ivo vakamhanyira kutende rake, vakandowana zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi pazvo.
22そこでヨシュアは使者たちをつかわした。使者たちが天幕に走っていって見ると、それは彼の天幕に隠してあって、銀もその下にあった。
23Vakazvibvisa mutende, vakazviisa kuna Joshua, nokuvana vaIsiraeri vose, vakazviisa pasi pamberi paJehovha.
23彼らはそれを天幕の中から取り出して、ヨシュアとイスラエルのすべての人々の所に携えてきたので、それを主の前に置いた。
24Ipapo Joshua navaIsiraeri vose vakanga vanaye vakatora Akani, mwanakomana waZera, nesirivha, nenguvo, nembongoro dzake, namakwai ake, netende rake, nezvose zvaakanga anazvo, vakakwira navo kumupata weAkori.
24ヨシュアはすべてのイスラエルびとと共に、ゼラの子アカンを捕え、かの銀と外套と金の延べ棒、および彼のむすこ、娘、牛、ろば、羊、天幕など、彼の持ち物をことごとく取って、アコルの谷へ引いていった。
25Zvino Joshua akati, Wakatipinzireiko padambudziko? Jehovha uchakupinza padambudziko nhasi. Ipapo vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, vakavapisa nomoto, nokuvataka namabwe.
25そしてヨシュアは言った、「なぜあなたはわれわれを悩ましたのか。主は、きょう、あなたを悩まされるであろう」。やがてすべてのイスラエルびとは石で彼を撃ち殺し、また彼の家族をも石で撃ち殺し、火をもって焼いた。そしてアカンの上に石塚を大きく積み上げたが、それは今日まで残っている。そして主は激しい怒りをやめられたが、このことによって、その所の名は今日までアコルの谷と呼ばれている。
26Vakaunganidza pamusoro pake mabwe akaita murwi mukuru uripo kusvikira nhasi; Jehovha akazvidzora pakutsamwa kwake kukuru. Naizvozvo zita renzvimbo iyo rakanzi Mupata weAkori kusvikira nhasi.
26そしてアカンの上に石塚を大きく積み上げたが、それは今日まで残っている。そして主は激しい怒りをやめられたが、このことによって、その所の名は今日までアコルの谷と呼ばれている。