1Zvino varume vaEfuremu vakaungana, vakapfuurira kurutivi rwokumusoro, vakati kuna Jefuta, Wakapfuurireiko kundorwa navana vaAmoni, ukasatidana isu kuti tiendewo newe? Tichapisa imba yako pamusoro pako nomoto.
1エフライムの人々は集まってザポンに行き、エフタに言った、「なぜあなたは進んで行ってアンモンの人々と戦いながら、われわれを招いて一緒に行かせませんでしたか。われわれはあなたの家に火をつけてあなたを一緒に焼いてしまいます」。
2Jefuta akati kwavari, Ini navanhu vangu takanga tichitambudzika kwazvo navana vaAmoni; zvino panguva yandakakudanai, imwi hamuna kundiponesa pamaoko avo.
2エフタは彼らに言った、「かつてわたしとわたしの民がアンモンの人々と大いに争ったとき、あなたがたを呼んだが、あなたがたはわたしを彼らの手から救ってくれませんでした。
3Zvino ndakati ndichiona kuti hamuna kundiponesa, handina kurangarira upenyu hwangu, asi ndakapfuura ndikandorwa navana vaAmoni, Jehovha akavaisa muruoko rwangu; zvino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?
3あなたがたが救ってくれないのを見たから、わたしは命がけでアンモンの人々のところへ攻めて行きますと、主は彼らをわたしの手にわたされたのです。どうしてあなたがたは、きょう、わたしのところに上ってきて、わたしと戦おうとするのですか」。
4Ipapo Jefuta akaunganidza varume vose veGiriyadhi, akarwa naEfuremu, nekuti vakati, Muri vanhu vakatiza kuna Efuremu, imwi vaGiriyadhi, muchigara pakati paEfuremu, napakati paManase.
4そこでエフタはギレアデの人々をことごとく集めてエフライムと戦い、ギレアデの人々はエフライムを撃ち破った。これはエフライムが「ギレアデびとよ、あなたがたはエフライムとマナセのうちにいるエフライムの落人だ」と言ったからである。
5Ipapo vaGiriyadhi vakandogarira mazambuko aJoridhani paiyambukira vaEfuremu. Zvino kana mumwe wavakatiza kuna Efuremu akati, Nditenderei kuti ndiyambuke, varume veGiriyadhi ndokuti kwaari, Uri muEfuremu here? Kana akati, Kwete,
5そしてギレアデびとはエフライムに渡るヨルダンの渡し場を押えたので、エフライムの落人が「渡らせてください」と言うとき、ギレアデの人々は「あなたはエフライムびとですか」と問い、その人がもし「そうではありません」と言うならば、
6ipapo vakati kwaari, Zvino chiti, Shibhoreti; iye ndokuti, Sibhoreti, nokusagona kureva kwazvo; ipapo vakamubata, vakamuuraya pamazambuko aJoridhani, nenguva iyo vaEfuremu vane zviuru zvina makumi mana nezviviri vakaurawa.
6またその人に「では『シボレテ』と言ってごらんなさい」と言い、その人がそれを正しく発音することができないで「セボレテ」と言うときは、その人を捕えて、ヨルダンの渡し場で殺した。その時エフライムびとの倒れたものは四万二千人であった。
7Jefuta akatonga Isiraeri makore matanhatu. Ipapo Jefuta muGiriyadhi akafa, akavigwa mune rimwe ramaguta aGiriyadhi .
7エフタは六年の間イスラエルをさばいた。ギレアデびとエフタはついに死んで、ギレアデの自分の町に葬られた。
8Shure kwake Ibhuzani weBheterehemu wakatonga Isiraeri.
8彼の後にベツレヘムのイブザンがイスラエルをさばいた。
9Iye wakange ana vanakomana vana makumi matatu; vanasikana vake vana makumi matatu akavatuma vakandowanikwa kumwe, akandotorazve kumwe vamwe vanasikana vana makumi matatu vakawanikwa navanakomana vake. Iye akatonga Isiraeri makore manomwe.
9彼に三十人のむすこがあった。また三十人の娘があったが、それを自分の氏族以外の者にとつがせ、むすこたちのためには三十人の娘をほかからめとった。彼は七年の間イスラエルをさばいた。
10Ibhuzani akafa, akavigwa paBheterehemu.
10イブザンはついに死んで、ベツレヘムに葬られた。
11Shure kwake Eroni muZebhuruni wakatonga Isiraeri; akatonga Isiraeri makore ane gumi.
11彼の後にゼブルンびとエロンがイスラエルをさばいた。彼は十年の間イスラエルをさばいた。
12Eroni muZebhuruni akafa, akavigwa paAjaroni, panyika yaZebhuruni.
12ゼブルンびとエロンはついに死んで、ゼブルンの地のアヤロンに葬られた。
13Shure kwake Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, wakatonga Isiraeri.
13彼の後にピラトンびとヒレルの子アブドンがイスラエルをさばいた。
14Iye wakange ana vanakomana vana makumi mana, navazukuru vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi manomwe; iye akatonga Isiraeri makore masere.
14彼に四十人のむすこ及び三十人の孫があり、七十頭のろばに乗った。彼は八年の間イスラエルをさばいた。ピラトンびとヒレルの子アブドンはついに死んで、エフライムの地のアマレクびとの山地にあるピラトンに葬られた。
15Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, akafa, akavigwa paPiratoni, panyika yaEfuremu, panyika yamakomo yavaAmareki.
15ピラトンびとヒレルの子アブドンはついに死んで、エフライムの地のアマレクびとの山地にあるピラトンに葬られた。