1Jehovha wakataura naMozisi akati,
1主はモーセに言われた、
2Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana munhu akazvisunga nokupika kukuru, vanhu ngavave vaJehovha sezvaunotara iwe.
2「イスラエルの人々に言いなさい、『人があなたの値積りに従って主に身をささげる誓願をする時は、
3Ipapo uchitara mutengo womurume una makore ana makumi maviri kusvikira pamakumi matanhatu, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi mashanu esirivha, uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene.
3あなたの値積りは、二十歳から六十歳までの男には、その値積りを聖所のシケルに従って銀五十シケルとし、
4Kana ari mukadzi, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi matatu esirivha.
4女には、その値積りは三十シケルとしなければならない。
5Kana ana makore anobva pamashanu kusvikira pamakore makumi maviri, kutara kwako komurume ngakuite mashekeri makumi maviri, nokomukadzi mashekeri ane gumi.
5また五歳から二十歳までは、男にはその値積りを二十シケルとし、女には十シケルとしなければならない。
6Kana anomwedzi mumwe kusvikira pamakore mashanu, kutara kwako komurume ngakuite mashekeri mashanu esirivha, nokutara kwako komukadzi ngakuite mashekeri matatu esirivha.
6一か月から五歳までは、男にはその値積りを銀五シケルとし、女にはその値積りを銀三シケルとしなければならない。
7Kana ana makore makumi matanhatu naanopfuura, kana ari murume, kutara kwako ngakuite mashekeri ane gumi namashanu, kana ari mukadzi mashekeri ane gumi.
7また六十歳以上は、男にはその値積りを十五シケルとし、女には十シケルとしなければならない。
8Kana ari murombo, asingasviki pakutara kwako, anofanira kuiswa pamberi pomupristi, kuti mupristi amutarire; mupristi anofanira kumutarira iye wakapika sezvaangagona kuripa.
8もしその人が貧しくて、あなたの値積りに応じることができないならば、祭司の前に立ち、祭司の値積りを受けなければならない。祭司はその誓願者の力に従って値積らなければならない。
9Kana chiri chipfuwo chinopiwa Jehovha, chokutenda nacho, zvose zvacho zvinopa munhu Jehovha zvinofanira kuva zvitsvene.
9主に供え物とすることができる家畜で、人が主にささげるものはすべて聖なる物となる。
10Haafaniri kuzvishandura kana kutsinhanisa chakaipa nechakanaka, kana chakanaka nechakaipa; kana atsinhanisa chipfuwo nechipfuwo, icho nechakatsinhiwa, zvose zviri zviviri zvinofanira kuva zvitsvene.
10ほかのものをそれに代用してはならない。良い物を悪い物に、悪い物を良い物に取り換えてはならない。もし家畜と家畜とを取り換えるならば、その物も、それと取り換えた物も共に聖なる物となるであろう。
11Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, chisingapiwi Jehovha chekutenda nacho, chipfuwo icho chinofanira kuiswa kumupristi;
11もしそれが汚れた家畜で、主に供え物としてささげられないものであるならば、その人はその家畜を祭司の前に引いてこなければならない。
12zvino mupristi anofanira kuchitarira mutengo, kana chakanaka kana chakaipa; sezvawakachitarira iwe mupristi, ndizvo zvachichaita.
12祭司はその良い悪いに従って、それを値積らなければならない。それは祭司が値積るとおりになるであろう。
13Zvino kana achida kuchidzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chacho pakutara kwako.
13もしその人が、それをあがなおうとするならば、その値積りにその五分の一を加えなければならない。
14Kana munhu achiita imba yake tsvene, kuti ive tsvene kuna Jehovha, mupristi anofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; sezvainotarirwa nomupristi, zvinofanira kuramba zvakadaro.
14もし人が自分の家を主に聖なる物としてささげるときは、祭司はその良い悪いに従って、それを値積らなければならない。それは祭司が値積ったとおりになるであろう。
15Kana iye wakaita imba yake tsvene achida kuidzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakatara iwe, ipapo ichava yake.
15もしその家をささげる人が、それをあがなおうとするならば、その値積りの金に、その五分の一を加えなければならない。そうすれば、それは彼のものとなるであろう。
16Kana munhu akaitira Jehovha ndima yomunda wake tsvene, iwe unofanira kuitarira mutengo uchienzanisa nezvakadzvarwamo; homeri imwe yebhari yakadzvarwa iite mashekeri makumi mashanu esirivha.
16もし人が相続した畑の一部を主にささげるときは、あなたはそこにまく種の多少に応じて、値積らなければならない。すなわち、大麦一ホメルの種を銀五十シケルに値積らなければならない。
17Kana achiita munda wake mutsvene kubva pagore rejubheri, sezvawakautarira iwe, zvinofanira kuramba zvakadaro.
17もしその畑をヨベルの年からささげるのであれば、その価はあなたの値積りのとおりになるであろう。
18Asi kana achitsaura munda wake shure kwegore rejubheri, mupristi anofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kusvikira pagore rejubheri; zvino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako.
18もしその畑をヨベルの年の後にささげるのであれば、祭司はヨベルの年までに残っている年の数に従ってその金を数え、それをあなたの値積りからさし引かなければならない。
19Kana munhu wakatsaura munda wake achida kuudzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakamutarira, ugova wake.
19もしまた、その畑をささげる人が、それをあがなおうとするならば、あなたの値積りの金にその五分の一を加えなければならない。そうすれば、それは彼のものと決まるであろう。
20Kana asingadi kudzikunura munda, kana zvimwe achinge atengesa munda kuno mumwe, haungazodzikunurwi;
20しかし、もしその畑をあがなわず、またそれを他の人に売るならば、それはもはやあがなうことができないであろう。
21asi munda uyu, kana uchisunungurwa negore rejubheri, unofanira kuva mutsvene kuna Jehovha, somunda wakayeriswa; uchava womupristi.
21その畑は、ヨベルの年になって期限が切れるならば、奉納の畑と同じく、主の聖なる物となり、祭司の所有となるであろう。
22Kana achitsaurira Jehovha munda waakatenga, usati uri munda wenhaka yake,
22もしまた相続した畑の一部でなく、買った畑を主にささげる時は、
23mupristi anofanira kumutarira mutengo sezvawakatara iwe kusvikira pagore rejubheri; zvino iye anofanira kuripa mari sezvawakatara iwe, chive chinhu chitsvene kuna Jehovha.
23祭司は値積りしてヨベルの年までの金を数えなければならない。その人はその値積りの金をその日に主にささげて、聖なる物としなければならない。
24Pagore rejubheri munda unofanira kudzokera kumunhu waakanga atenga kwaari, kuna iye wakange ari muridzi wenyika.
24ヨベルの年にその畑は売り主であるその地の相続者に返るであろう。
25Kutara kwako kose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene; shekeri rimwe rinoita magera maviri.
25すべてあなたの値積りは聖所のシケルによってしなければならない。二十ゲラを一シケルとする。
26Asi mwana wemhongora pakati pezvipfuwo, uri waJehovha zvauri mwana wemhongora, ngakurege kuva nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha.
26しかし、家畜のういごは、ういごとしてすでに主のものだから、だれもこれをささげてはならない。牛でも羊でも、それは主のものである。
27Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, unofanira kuchidzikunura sezvawakachitarira iwe, achiwedzerawo cheshanu chacho; kana chisingadzikunurwi, chinofanira kutengeswa sezvawakachitarira iwe.
27もし汚れた家畜であるならば、あなたの値積りにその五分の一を加えて、その人はこれをあがなわなければならない。もしあがなわないならば、それを値積りに従って売らなければならない。
28Kunyange zvakadaro, hakune chinhu chakayeriswa, chakayerisirwa Jehovha nomunhu pazvose zvaanazvo, kana chiri chavanhu, kana zvipfuwo, kana munda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikunurwa; chinhu chipi nechipi chakayeriswa, chinofanira kuva chitsvene kwazvo kuna Jehovha.
28ただし、人が自分の持っているもののうちから奉納物として主にささげたものは、人であっても、家畜であっても、また相続の畑であっても、いっさいこれを売ってはならない。またあがなってはならない。奉納物はすべて主に属するいと聖なる物である。
29Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuvanhu, haangadzikunurwi; anofanira kuurawa zvirokwazvo.
29またすべて人のうちから奉納物としてささげられた人は、あがなってはならない。彼は必ず殺されなければならない。
30Zvegumi zvose zvenyika, kana zviri zvembeu dzenyika, kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha.
30地の十分の一は地の産物であれ、木の実であれ、すべて主のものであって、主に聖なる物である。
31Kana munhu achida kudzikunura chimwe pazvegumi zvake, anofanira kuwedzera kwachiri cheshanu chacho.
31もし人がその十分の一をあがなおうとする時は、それにその五分の一を加えなければならない。
32Zvegumi zvose zvemombe, kana zvezvipfuwo zviduku, zvose zvinopfuura napazasi petsvimbo, chegumi chinofanira kuva chitsvene kuna Jehovha.
32牛または羊の十分の一については、すべて牧者のつえの下を十番目に通るものは、主に聖なる物である。
33Haafaniri kucherekedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanisa nechimwe; kana achinge atsinhanisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikunurwi.
33その良い悪いを問うてはならない。またそれを取り換えてはならない。もし取り換えたならば、それと、その取り換えたものとは、共に聖なる物となるであろう。それをあがなうことはできない』」。これらは主が、シナイ山で、イスラエルの人々のために、モーセに命じられた戒めである。
34Ndiyo mirairo yavana vaIsiraeri yakarairwa Mozisi naJehovha pagomo reSinai.
34これらは主が、シナイ山で、イスラエルの人々のために、モーセに命じられた戒めである。