1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
1主はまたモーセに言われた、
2Kana munhu akatadza, akadarika murayiro waJehovha, akanyengera wokwake pachinhu chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga chaiswa paruoko rwake, kana pakumubira, kana pakumanikidza wokwake;
2「もし人が罪を犯し、主に対して不正をなしたとき、すなわち預かり物、手にした質草、またはかすめた物について、その隣人を欺き、あるいはその隣人をしえたげ、
3kana akanonga chakanga charashika, akanyengera pachiri, akapika nhema; pachinhu chipi nechipi chazvose izvo, kana munhu achinge aita akatadza pachiri;
3あるいは落し物を拾い、それについて欺き、偽って誓うなど、すべて人がそれをなして罪となることの一つについて、
4zvino kana akatadza, ane mhosva, anofanira kudzosa chaakanga atora nokuba, kana chaakanga awana nokumanikidza, kana chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga charashika akachinonga;
4罪を犯し、とがを得たならば、彼はそのかすめた物、しえたげて取った物、預かった物、拾った落し物、
5kana chinhu chipi nechipi chaakanga apika nhema pamusoro pacho; ngaachidzose chose, awedzere kwachiri cheshanu chacho, achipe muridzi wacho nomusi waanowanikwa kuti ane mhosva.
5または偽り誓ったすべての物を返さなければならない。すなわち残りなく償い、更にその五分の一をこれに加え、彼が愆祭をささげる日に、これをその元の持ち主に渡さなければならない。
6Anofanira kuuya kumupristi nechipiriso chemhosva yake kuna Jehovha, chegondobwe ramakwai ake risina mhosva, sezvaunotara iwe, chive chipiriso chemhosva;
6彼はその償いとして、あなたの値積りにしたがい、雄羊の全きものを、群れの中から取り、これを祭司のもとに携えてきて、愆祭として主にささげなければならない。
7zvino mupristi amuyananisire pamberi paJehovha, akangamwirwe pamusoro pemhosva ipi neipi yaakaita.
7こうして、祭司が主の前で彼のためにあがないをするならば、彼はそのいずれを行ってとがを得てもゆるされるであろう」。
8Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
8主はまたモーセに言われた、
9Raira Aroni navanakomana vake, uti, Murayiro wechipiriso chinopiswa ndiwo: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvata pachoto pamusoro pearitari usiku hwose kusvikira mangwanani, moto urambe uchipfuta pamusoro pacho.
9「アロンとその子たちに命じて言いなさい、『燔祭のおきては次のとおりである。燔祭は祭壇の炉の上に、朝まで夜もすがらあるようにし、そこに祭壇の火を燃え続かせなければならない。
10Zvino mupristi ngaafuke nguvo yake yomucheka, nokufukawo bhurukwa rake romucheka pamuviri wake, abvise madota echipiriso chinopiswa, chapiswa nomoto paaritari, aaise parutivi rwearitari.
10祭司は亜麻布の服を着、亜麻布のももひきを身につけ、祭壇の上で火に焼けた燔祭の灰を取って、これを祭壇のそばに置き、
11Zvino ngaabvise nguvo dzake, afuke dzimwe nguvo, agotakurira madota kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka.
11その衣服を脱ぎ、ほかの衣服を着て、その灰を宿営の外の清い場所に携え出さなければならない。
12Moto paaritari unofanira kuramba uchipfuta pamusoro payo, haufaniri kudzima; mupristi anofanira kubatidza huni pamusoro payo mangwanani ose. zvino ngaagadzire chipiriso chinopiswa pamusoro payo, apise mafuta ezvipiriso zvokuyananisa pamusoro payo.
12祭壇の上の火は、そこに燃え続かせ、それを消してはならない。祭司は朝ごとに、たきぎをその上に燃やし、燔祭をその上に並べ、また酬恩祭の脂肪をその上で焼かなければならない。
13Moto ngaurambe uchipfuta pamusoro pearitari nguva dzose, urege kudzima.
13火は絶えず祭壇の上に燃え続かせ、これを消してはならない。
14Murayiro wechipiriso choupfu ndiwo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha paaritari.
14素祭のおきては次のとおりである。アロンの子たちはそれを祭壇の前で主の前にささげなければならない。
15Zvino ngaatsamure tsama imwe yake youpfu, namamwe mafuta acho, nezvinonhuhwira zvose zviri pamusoro pechipiriso choupfu, azvipise pamusoro pearitari, chive chinonhuhwira zvakanaka, chokurangaridza chacho, kuna Jehovha.
15すなわち素祭の麦粉一握りとその油を、素祭の上にある全部の乳香と共に取って、祭壇の上で焼き、香ばしいかおりとし、記念の分として主にささげなければならない。
16Zvakasara zvacho ngazvidyiwe naAroni navanakomana vake; zvidyiwe zvisina mbiriso panzvimbo tsvene; ngavazvidye paruvanze rwetende rokusangana.
16その残りはアロンとその子たちが食べなければならない。すなわち、種を入れずに聖なる所で食べなければならない。会見の幕屋の庭でこれを食べなければならない。
17Ngazvirege kubikwa nembiriso; ndakavapa icho, uve mugove wavo wezvipiriso zvangu zvinoitwa nomoto; chinhu chitsvene kwazvo, sechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva.
17これは種を入れて焼いてはならない。わたしはこれをわたしの火祭のうちから彼らの分として与える。これは罪祭および愆祭と同様に、いと聖なるものである。
18Varume vose kuvana vaAroni ngavazvidye, uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose pazvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; munhu upi noupi unozvibata, uchava mutsvene.
18アロンの子たちのうち、すべての男子はこれを食べることができる。これは主にささげる火祭のうちから、あなたがたが代々永久に受けるように定められた分である。すべてこれに触れるものは聖となるであろう』」。
19Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
19主はまたモーセに言われた、
20Ndicho chipo chaAroni nechavanakomana vake chavanofanira kupa Jehovha nomusi waanozodzwa nawo: Chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu nguva dzose, hafu yacho mangwanani, hafu yacho madekwana.
20「アロンとその子たちが、アロンの油注がれる日に、主にささぐべき供え物は次のとおりである。すなわち麦粉十分の一エパを、絶えずささげる素祭とし、半ばは朝に、半ばは夕にささげなければならない。
21Ngachibikwe namafuta mugango; kana chaibva, uuye nacho; unofanira kuuya nechipiriso choupfu zvimedu-zvimedu zvakakangwa, chive chinhu chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
21それは油をよく混ぜて平鍋で焼き、それを携えてきて、細かく砕いた素祭とし、香ばしいかおりとして、主にささげなければならない。
22mupristi unozodzwa panzvimbo yake pakati pavanakomana vake, ndiye anofanira kuuya nacho; uve mutemo usingaperi kuti chipisirwe Jehovha chose.
22彼の子たちのうち、油注がれて彼についで祭司となる者は、これをささげなければならない。これは永久に主に帰する分として、全く焼きつくすべきものである。
23Chipiriso chimwe nechimwe choupfu chomupristi chinofanira kupiswa chose; hachifaniri kudyiwa.
23すべて祭司の素祭は全く焼きつくすべきものであって、これを食べてはならない」。
24Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
24主はまたモーセに言われた、
25Taura naAroni navanakomana vake uti, Murayiro wechipiriso chezvivi ndiwo: Panourayirwa chipiriso chinopiswa ndipo panofanira kuurayirwawo chipiriso chezvivi pamberi paJehovha, chitsvene kwazvo.
25「アロンとその子たちに言いなさい、『罪祭のおきては次のとおりである。罪祭は燔祭をほふる場所で、主の前にほふらなければならない。これはいと聖なる物である。
26mupristi unochibayira pamusoro pezvivi, ndiye anofanira kuchidya chinofanira kudyiwa panzvimbo tsvene, paruvanze rwetende rokusangana.
26罪のためにこれをささげる祭司が、これを食べなければならない。すなわち会見の幕屋の庭の聖なる所で、これを食べなければならない。
27Chinhu chipi nechipi chinogunzva nyama yacho chichava chitsvene; kana rimwe ropa racho rikadonhera panguvo ipi neipi, unofanira kusuka icho chakadonherwa naro panzvimbo tsvene.
27すべてその肉に触れる者は聖となるであろう。もしその血が衣服にかかったならば、そのかかったものは聖なる所で洗わなければならない。
28Asi hari yevhu mayakabikirwa, inofanira kuputswa; kana yakabikwa muhari yendarira inofanira kukwizwa nokusukurudzwa nemvura.
28またそれを煮た土の器は砕かなければならない。もし青銅の器で煮たのであれば、それはみがいて、水で洗わなければならない。
29Zvino varume vose kuvapristi vanofanira kuchidya; chitsvene kwazvo.
29祭司たちのうちのすべての男子は、これを食べることができる。これはいと聖なるものである。しかし、その血を会見の幕屋に携えていって、聖所であがないに用いた罪祭は食べてはならない。これは火で焼き捨てなければならない。
30Zvipiriso zvose zvezvivi, kana rimwe ropa razvo rakaiswa mutende rokusangana kuzoyananisira panzvimbo tsvene, ngazvirege kudyiwa; zvinofanira kupiswa nomoto.
30しかし、その血を会見の幕屋に携えていって、聖所であがないに用いた罪祭は食べてはならない。これは火で焼き捨てなければならない。