1Asi Sanibharati akati achinzwa kuti tovaka rusvingo, akatsamwa, akava neshungu kwazvo, akaseka vaJudha.
1サンバラテはわれわれが城壁を築くのを聞いて怒り、大いに憤ってユダヤ人をあざけった。
2Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati, VaJudha ava vasina simba vanobateiko? Vachazvisimbisa panhare here? Vachabayira here? Vachapedza nezuva rimwe here? Vachararamisa mabwe pamaturunhuru, zvaatsva here?
2彼はその兄弟たちおよびサマリヤの兵隊の前で語って言った、「この弱々しいユダヤ人は何をしているのか。自分で再興しようとするのか。犠牲をささげようとするのか。一日で事を終えようとするのか。塵塚の中の石はすでに焼けているのに、これを取りだして生かそうとするのか」。
3Tobhia muAmoni akanga amire naye, akati, Chinhu chipi nechipi chavanovaka havo, kana gava rikakwirapo, richakoromora rusvingo rwavo rwamabwe.
3またアンモンびとトビヤは、彼のかたわらにいて言った、「そうだ、彼らの築いている城壁は、きつね一匹が上ってもくずれるであろう」と。
4Inzwai henyu, Mwari wedu, nekuti tinoninipiswa; dzoserai kushora kwavo pamisoro yavo, muvarege vapambwe panyika yavatapwa.
4「われわれの神よ、聞いてください。われわれは侮られています。彼らのはずかしめを彼らのこうべに返し、彼らを捕囚の地でぶんどり物にしてください。
5Regai kufukidza zvakaipa zvavo, nezvivi zvavo ngazvirege kudzimwa pamberi penyu; nekuti vakakutsamwisai pamberi pavavaki.
5彼らのとがをおおわず、彼らの罪をみ前から消し去らないでください。彼らは築き建てる者の前であなたを怒らせたからです」。
6Naizvozvo takavaka rusvingo; rusvingo rwose rukabatanidzwa kusvikira pahafu yokukwirira kwarwo; nekuti vanhu vakanga vachida kubata.
6こうしてわれわれは城壁を築いたが、石がきはみな相連なって、その高さの半ばにまで達した。民が心をこめて働いたからである。
7Asi Sanibharati, naTobhia, navaArabhia, navaAmoni, navaAshidhodhi, vakati vachinzwa kuti basa rokugadzira masvingo ropfuurira mberi zvakanaka, kuti pakanga pakoromoka podzivirwa, vakatsamwa kwazvo,
7ところがサンバラテ、トビヤ、アラビヤびと、アンモンびと、アシドドびとらは、エルサレムの城壁の修理が進展し、その破れ目もふさがり始めたと聞いて大いに怒り、
8vakarangana vose kundorwa neJerusaremu, nokuvakanganisapo.
8皆共に相はかり、エルサレムを攻めて、その中に混乱を起そうとした。
9Asi isu takanyengetera kuna Mwari wedu, tikaisa varindi kuvarindira masikati nousiku nemhaka yavo.
9そこでわれわれは神に祈り、また日夜見張りを置いて彼らに備えた。
10Ipapo vaJudha vakati, Simba ravatakuri vemitoro raderera, uye marara aripo mazhinji; saka hatigoni kuvaka rusvingo.
10その時、ユダびとは言った、「荷を負う者の力は衰え、そのうえ、灰土がおびただしいので、われわれは城壁を築くことができない」。
11Vadzivisi vedu vakati, Ngavarege kuziva kana kuona chinhu, kusvikira tava pakati pavo, tikavauraya nokumisa basa.
11またわれわれの敵は言った、「彼らの知らないうちに、また見ないうちに、彼らの中にはいりこんで彼らを殺し、その工事をやめさせよう」。
12Zvino vaJudha vakanga vagere navo, vakati vachisvika kwatiri, muchibva kunzvimbo dzose, vakati kwatiri kagumi, Munofanira kudzokera kwatiri.
12また彼らの近くに住んでいるユダヤ人たちはきて、十度もわれわれに言った、「彼らはその住んでいるすべての所からわれわれに攻め上るでしょう」と。
13Saka ndakaisa vamwe vanhu panzvimbo dzakaderera seri korusvingo, panzvimbo dzakanga dzakashama, ipapo ndakaisa vanhu nedzimba dzavo, vakabata minondo yavo, namapfumo avo, nouta hwavo.
13そこでわたしは民につるぎ、やりおよび弓を持たせ、城壁の後の低い所、すなわち空地にその家族にしたがって立たせた。
14Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuvakuru nokuvatariri nokuna vamwe vanhu, Regai kuvatya; rangarirai Jehovha mukuru anotyisa, murwire hama dzenyu, navanakomana venyu, navakunda venyu, navakadzi venyu, nedzimba dzenyu.
14わたしは見めぐり、立って尊い人々、つかさたち、およびその他の民らに言った、「あなたがたは彼らを恐れてはならない。大いなる恐るべき主を覚え、あなたがたの兄弟、むすこ、娘、妻および家のために戦いなさい」。
15Zvino vavengi vedu vakati vanzwa kuti zvazikamwa nesu, uye kuti Mwari akakonesa kurangana kwavo, isu tikadzokera tose kurusvingo, mumwe nomumwe kubasa rake.
15われわれの敵は自分たちの事が、われわれに悟られたことを聞き、また神が彼らの計りごとを破られたことを聞いたので、われわれはみな城壁に帰り、おのおのその工事を続けた。
16Zvino kubva panguva iyo hafu yavaranda vangu vakabata pabasa, asi hafu yavo vakabata mapfumo, nenhovo, nouta, nenguvo dzamatare; uye varairi vakanga vari shure kwavose veimba yaJudha.
16その日から後は、わたしのしもべの半数は工事に働き、半数はやり、盾、弓、よろいをもって武装した。そしてつかさたちは城壁を築いているユダの全家の後に立った。
17Vaivaka rusvingo, navaitakura mitoro, vaitutira; mumwe nomumwe wakabata noruoko rwake rumwe pabasa, asi norumwe akanga akabata nhumbi yake yokurwa nayo;
17荷を負い運ぶ者はおのおの片手で工事をなし、片手に武器を執った。
18uye vavaki mumwe nomumwe akanga anomunondo wake wakasungirwa pachiuno chake; vakavaka saizvozvo. Muridzi wehwamanda wakamira neni.
18築き建てる者はおのおのその腰につるぎを帯びて築き建て、ラッパを吹く者はわたしのかたわらにいた。
19Ndikati kuvakuru nokuvabati nokuna vamwe vanhu: Mubato mukuru wakapararira, isu takatarangana pamusoro porusvingo, mumwe ari kure nomumwe;
19わたしは尊い人々、つかさたち、およびその他の民に言った、「工事は大きくかつ広がっているので、われわれは城壁の上で互に遠く離れている。
20papi napapi pamunonzwa kurira kwehwamanda, uyai ikoko kwatiri; Mwari wedu achatirwira.
20どこででもラッパの音を聞いたなら、そこにいるわれわれの所に集まってほしい。われわれの神はわれわれのために戦われます」。
21Tikabata pabasa saizvozvo; hafu yavo vaibata kubva mangwanani kusvikira nyeredzi dzichibuda.
21このようにして、われわれは工事を進めたが、半数の者は夜明けから星の出る時まで、やりを執っていた。
22Nenguva iyo ndikati kuvanhu, Mumwe nomumwe anomuranda wake ngaavate muJerusaremu, kuti vatirinde usiku, vabate masikati.
22その時わたしはまた民に告げて、「おのおのそのしもべと共にエルサレムの内に宿り、夜はわれわれの護衛者となり、昼は工事をするように」と言った。そして、わたしも、わたしの兄弟たちも、わたしのしもべたちも、わたしを護衛する人々も、われわれのうちひとりも、その衣を脱がず、おのおの手に武器を執っていた。
23Naizvozvo ini kunyange hama dzangu, kana varanda vangu, kana varindi vainditevera, hakuna nomumwe wedu akabvisa nguvo dzake, mumwe nomumwe wakandomwa mvura nenhumbi dzake dzokurwa nadzo.
23そして、わたしも、わたしの兄弟たちも、わたしのしもべたちも、わたしを護衛する人々も、われわれのうちひとりも、その衣を脱がず、おのおの手に武器を執っていた。