1Zvino Sanibharati, naTobhia, naGeshemu muArabhia, navamwe vavengi vedu vakati vaudzwa kuti ndavaka rusvingo, uye kuti takanga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyange kusvikira panguva iyo ndakanga ndichigere kutimika magonhi pamasuwo;)
1サンバラテ、トビヤ、アラビヤびとガシムおよびその他のわれわれの敵は、わたしが城壁を築き終って、一つの破れも残らないと聞いた。(しかしその時にはまだ門のとびらをつけていなかったのである。)
2Sanibharati naGeshemu ndokutuma shoko kwandiri, vachiti, Uyai, tisangane panomumwe musha pabani reOno. Asi vakanga vachida kundiitira zvakaipa.
2そこでサンバラテとガシムはわたしに使者をつかわして言った、「さあ、われわれはオノの平野にある一つの村で会見しよう」と。彼らはわたしに危害を加えようと考えていたのである。
3Ini ndikatuma nhume kwavari, ndichiti, Ndinobata basa guru, saka handigoni kuburuka; basa ringamirireiko, kana ndikarega ndichiburukira kwamuri?
3それでわたしは彼らに使者をつかわして言わせた、「わたしは大いなる工事をしているから下って行くことはできない。どうしてこの工事をさしおいて、あなたがたの所へ下って行き、その間、工事をやめることができようか」。
4Vakatumira kwandiri saizvozvo kana, ndikavapindurazve saizvozvo.
4彼らは四度までこのようにわたしに人をつかわしたが、わたしは同じように彼らに答えた。
5Ipapo Sanibharati wakatumazve muranda wake kwandiri saizvozvo rwechishanu, akabata tsamba yakazaruka muruoko rwake;
5ところが、サンバラテは五度目にそのしもべを前のようにわたしにつかわした。その手には開封の手紙を携えていた。
6imomo makanga makanyorwa, muchiti, Zvinonzi pakati pendudzi, naGeshemu unodarowo, kuti iwe navaJudha munoda kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unovaka rusvingo urwo, newe unoda kuva mambo wavo, ndiwo mashoko avo.
6その中に次のようにしるしてあった、「諸国民の間に言い伝えられ、またガシムも言っているが、あなたはユダヤ人と共に反乱を企て、これがために城壁を築いている。またその言うところによれば、あなたは彼らの王になろうとしている。
7Uye, kuti iwe wakagadza vaporofita vanoparidza pamusoro pako paJerusaremu, vachiti, Pakati paJudha pana mambo. Naizvozvo zvino chiuya, tirangane tose.
7またあなたは預言者を立てて、あなたのことをエルサレムにのべ伝えさせ、『ユダに王がある』と言わせているが、そのことはこの言葉のとおり王に聞えるでしょう。それゆえ、今おいでなさい。われわれは共に相談しましょう」。
8Ipapo ndakatuma shoko kwaari, ndikati, Hapaitwi zvinhu zvakadai zvaunotaura, asi wakangozvifunga hako mumoyo mako.
8そこでわたしは彼に人をつかわして言わせた、「あなたの言うようなことはしていません。あなたはそれを自分の心から造り出したのです」と。
9nekuti vose vakanga vachitsvaka kutityisa, vachiti, Maoko avo ngaashaiwe simba pabasa, kuti rirege kupedzwa. Asi zvino, Mwari simbisai maoko angu.
9彼らはみな「彼らの手が弱って工事をやめるようになれば、工事は成就しないだろう」と考えて、われわれをおどそうとしたのである。しかし神よ、どうぞいまわたしの手を強めてください。
10Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, akanga azvipfigira, iye akati, Ngatisangane mumba maMwari, mukati metemberi, tipfige mikova yetemberi; nekuti vachauya kuzokuuraya; vachauya usiku kuzokuuraya.
10さてわたしはメヘタベルの子デラヤの子シマヤの家に行ったところ、彼は閉じこもっていて言った、「われわれは神の宮すなわち神殿の中で会合し、神殿の戸を閉じておきましょう。彼らはあなたを殺そうとして来るからです。きっと夜のうちにあなたを殺そうとして来るでしょう」。
11Ini ndakati, Munhu akaita seni ungatiza here? Ndianiko akaita seni angapinda mutemberi, kuti azviraramise? Handingapindi.
11わたしは言った、「わたしのような者がどうして逃げられよう。わたしのような者でだれが神殿にはいって命を全うすることができよう。わたしははいらない」。
12Ndikaona kwazvo kuti Mwari akanga asina kumutuma; asi akandiporofitira izvozvo, nekuti akanga afufurwa naTobhia naSanibharati.
12わたしは悟った。神が彼をつかわされたのではない。彼がわたしにむかってこの預言を伝えたのは、トビヤとサンバラテが彼を買収したためである。
13Akanga afufurwa nemhaka iyo, kuti nditye, ndiite saizvozvo, nditadze, kuti vawane chavangandichera nacho, vagondishora.
13彼が買収されたのはこの事のためである。すなわちわたしを恐れさせ、わたしにこのようにさせて、罪を犯させ、わたしに悪名をきせて侮辱するためであった。
14Rangarirai henyu, Mwari wangu, mabasa awa aTobhia naSanibharati, naNowadhia muporofitakadzi, navamwe vaporofita, vakaidza kundityisa.
14わが神よ、トビヤ、サンバラテおよび女預言者ノアデヤならびにその他の預言者など、すべてわたしを恐れさせようとする者たちをおぼえて、彼らが行ったこれらのわざに報いてください。
15Naizvozvo rusvingo rwakapera pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi weEruri, tavaka mazuva ana makumi mashanu namaviri.
15こうして城壁は五十二日を経て、エルルの月の二十五日に完成した。
16Zvino vavengi vedu vose vakati vachizvinzwa, vahedheni vose vakanga vakatipotoredza vakatya, vakaora moyo, nekuti vakaziva kuti basa iri rakaitwa naMwari wedu.
16われわれの敵が皆これを聞いた時、われわれの周囲の異邦人はみな恐れ、大いに面目を失った。彼らはこの工事が、われわれの神の助けによって成就したことを悟ったからである。
17Uye, namazuva iwayo vakuru vavaJudha vakatumawo tsamba zhinji kuna Tobhia, uye tsamba dzaTobhia dzakasvikawo kwavari.
17またそのころ、ユダの尊い人々は多くの手紙をトビヤに送った。トビヤの手紙もまた彼らにきた。
18Nekuti vazhinji vaivapo paJudha vakanga vapika kwaari, nekuti waiva mukwambo waShekania mwanakomana waAra; mwanakomana wake Jehohanani akanga awana mukunda waMeshurami mwanakomana waBherekia.
18トビヤはアラの子シカニヤの婿であったので、ユダのうちの多くの者が彼と誓いを立てていたからである。トビヤの子ヨハナンもベレキヤの子メシュラムの娘を妻にめとった。彼らはまたトビヤの善行をわたしの前に語り、またわたしの言葉を彼に伝えた。トビヤはたびたび手紙を送って、わたしを恐れさせようとした。
19Vakarumbidzawo mabasa ake akanaka pamberi pangu, nokumuudza mashoko angu. Tobhia akatuma tsamba dzokundityisa.
19彼らはまたトビヤの善行をわたしの前に語り、またわたしの言葉を彼に伝えた。トビヤはたびたび手紙を送って、わたしを恐れさせようとした。