1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
1主はモーセに言われた、
2Tuma varume kuti vandoshora nyika yeKanani, yandichapa vana vaIsiraeri; utume mumwe worudzi rumwe norumwe rwamadzibaba avo, vose vave vakuru pakati pavo.
2「人をつかわして、わたしがイスラエルの人々に与えるカナンの地を探らせなさい。すなわち、その父祖の部族ごとに、すべて彼らのうちのつかさたる者ひとりずつをつかわしなさい」。
3Mozisi akavatuma, vakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehovha, vose vavo vari varume vaiva vakuru vavana vaIsiraeri.
3モーセは主の命にしたがって、パランの荒野から彼らをつかわした。その人々はみなイスラエルの人々のかしらたちであった。
4Ndiwo mazita avo: Vokurudzi rwaRubheni, Shamua, mwanakomana waZakuri.
4彼らの名は次のとおりである。ルベンの部族ではザックルの子シャンマ、
5Vokurudzi rwaSimioni, Shafati, mwanakomana waHori.
5シメオンの部族ではホリの子シャパテ、
6Vokurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune.
6ユダの部族ではエフンネの子カレブ、
7Vokurudzi rwaIsakari, Igari, mwanakomana waJosefa.
7イッサカルの部族ではヨセフの子イガル、
8Vokurudzi rwaEfuremu, Hoshea, mwanakomana waNuni.
8エフライムの部族ではヌンの子ホセア、
9Vokurudzi rwaBhenjamini, Paruti, mwanakomana waRafu.
9ベニヤミンの部族ではラフの子パルテ、
10Vokurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri, mwanakomana waSodhi.
10ゼブルンの部族ではソデの子ガデエル、
11Vokurudzi rwaJosefa, irwo rudzi rwaManase, Gadhi, mwanakomana waSusi.
11ヨセフの部族すなわち、マナセの部族ではスシの子ガデ、
12Vokurudzi rwaDhani, Amieri, mwanakomana waGemari.
12ダンの部族ではゲマリの子アンミエル、
13Vokurudzi rwaAsheri, Seturi, mwanakomana waMikaeri.
13アセルの部族ではミカエルの子セトル、
14Vokurudzi rwaNafutari, Nabhi, mwanakomana waVhofusi.
14ナフタリの部族ではワフシの子ナヘビ、
15Vokurudzi rwaGadhi, Geueri, mwanakomana waMaki.
15ガドの部族ではマキの子ギウエル。
16Ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundoshora nyika. Mozisi akatumidza Hoshea, mwanakomana waNuni, zita rinonzi Joshua.
16以上はモーセがその地を探らせるためにつかわした人々の名である。そしてモーセはヌンの子ホセアをヨシュアと名づけた。
17Mozisi akavatuma kundoshora nyika yeKanani, akati kwavari, Endai nenzira iyi yeZasi, mukwire mumakomo;
17モーセは彼らをつかわし、カナンの地を探らせようとして、これに言った、「あなたがたはネゲブに行って、山に登り、
18mundoona nyika, kuti yakadiniko, navanhu vageremo, kana vane simba, kana vasina, kana vari vashoma, kana vari vazhinji;
18その地の様子を見、そこに住む民は、強いか弱いか、少ないか多いか、
19nenyikawo yavageremo, kuti yakadiniko, kana yakanaka, kana yakaipa; namaguta mavagere, kuti akadiniko, kana vagere mumisasa kana munhare;
19また彼らの住んでいる地は、良いか悪いか。人々の住んでいる町々は、天幕か、城壁のある町か、
20nevhu, kuti rakadiniko, kana rakaorera kana risina kuorera, kana pane miti kana pasina miti; tsungai moyo, mugouya nezvibereko zvenyika iyo. Zvino yaiva nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa.
20その地は、肥えているか、やせているか、そこには、木があるかないかを見なさい。あなたがたは、勇んで行って、その地のくだものを取ってきなさい」。時は、ぶどうの熟し始める季節であった。
21Naizvozvo vakakwira vakandoshora nyika, vachibva murenje reZini, kusvikira Rehobhu, pavanopinda Hamati.
21そこで、彼らはのぼっていって、その地をチンの荒野からハマテの入口に近いレホブまで探った。
22Vakapinda neZasi, vakasvika Hebhuroni; ipapo pakanga pana Ahimani naSheshai naTarimai, vanakomana vaAnaki. (Pakuvakwa Hebhuroni rakatangira Zoani paEgipita namakore manomwe.)
22彼らはネゲブにのぼって、ヘブロンまで行った。そこにはアナクの子孫であるアヒマン、セシャイ、およびタルマイがいた。ヘブロンはエジプトのゾアンよりも七年前に建てられたものである。
23Vakandosvika pamupata weEshikori, vakatema davi raiva nesumbu rimwe ramazambiringa, vakaritakura padanda pakati pavanhu vaviri; vakauyawo namatamba namaonde.
23ついに彼らはエシコルの谷に行って、そこで一ふさのぶどうの枝を切り取り、これを棒をもって、ふたりでかつぎ、また、ざくろといちじくをも取った。
24Nzvimbo iyo vakaitumidza mupata weEshikori nokuda kwesumbu rakatemwapo navana valsiraeri.
24イスラエルの人々が、そこで切り取ったぶどうの一ふさにちなんで、その所はエシコルの谷と呼ばれた。
25Mazuva ana makumi mana akati apera, vakadzoka pakushora nyika.
25四十日の後、彼らはその地を探り終って帰ってきた。
26Vakasvika kuna Mozisi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri, murenje reParani paKadheshi, vakavaudza mashoko nokuvaratidza ivo neungano yose zvibereko zvenyika iyo.
26そして、パランの荒野にあるカデシにいたモーセとアロン、およびイスラエルの人々の全会衆のもとに行って、彼らと全会衆とに復命し、その地のくだものを彼らに見せた。
27Vakamuudza, vakati, Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; zvirokwazvo inoyerera mukaka nouchi; izvi ndizvo zvibereko zvayo.
27彼らはモーセに言った、「わたしたちはあなたが、つかわした地へ行きました。そこはまことに乳と蜜の流れている地です。これはそのくだものです。
28Asi vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo; uye, takaonapo vana vaAnaki.
28しかし、その地に住む民は強く、その町々は堅固で非常に大きく、わたしたちはそこにアナクの子孫がいるのを見ました。
29VaAmareki vagere munyika nechezasi, navaHeti, navaJebhusi, navaAmori vagere mumakomo; vaKanani vagere pagungwa, nokurutivi rwaJoridhani.
29またネゲブの地には、アマレクびとが住み、山地にはヘテびと、エブスびと、アモリびとが住み、海べとヨルダンの岸べには、カナンびとが住んでいます」。
30Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nekuti tinogona kwazvo kuikunda.
30そのとき、カレブはモーセの前で、民をしずめて言った、「わたしたちはすぐにのぼって、攻め取りましょう。わたしたちは必ず勝つことができます」。
31Asi vamwe varume vakanga vakwira naye, vakati, Hatigoni kukwira kundorwa navanhu avo, nekuti vanotikurira nesimba.
31しかし、彼とともにのぼって行った人々は言った、「わたしたちはその民のところへ攻めのぼることはできません。彼らはわたしたちよりも強いからです」。
32Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoishora, vachiti, Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.
32そして彼らはその探った地のことを、イスラエルの人々に悪く言いふらして言った、「わたしたちが行き巡って探った地は、そこに住む者を滅ぼす地です。またその所でわたしたちが見た民はみな背の高い人々です。わたしたちはまたそこで、ネピリムから出たアナクの子孫ネピリムを見ました。わたしたちには自分が、いなごのように思われ、また彼らにも、そう見えたに違いありません」。
33Takaonapo vanhu varefu, vana vaAnaki, vanobva pavarefu; kana tichizvifananidza, takanga takaita semhashu, ndozvatakanga takaita kwavariwo.
33わたしたちはまたそこで、ネピリムから出たアナクの子孫ネピリムを見ました。わたしたちには自分が、いなごのように思われ、また彼らにも、そう見えたに違いありません」。