1Zvino Jehovha akataura naMozisi pamapani eMoabhu, paJoridhani paJeriko, akati,
1エリコに近いヨルダンのほとりのモアブの平野で、主はモーセに言われた、
2Raira vana vaIsiraeri, kuti vape vaRevhi panhaka yavakagara ivo, maguta mavangagara; munofanirawo kupa vaRevhi ruwa runopoteredza maguta avo.
2「イスラエルの人々に命じて、その獲た嗣業のうちから、レビびとに住むべき町々を与えさせなさい。また、あなたがたは、その町々の周囲の放牧地をレビびとに与えなければならない。
3Vanofanira kuva namaguta mavangagara; noruwa rwawo runofanira kuva rwemombe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose.
3その町々は彼らの住む所、その放牧地は彼らの家畜と群れ、およびすべての獣のためである。
4Ruwa rwamaguta, amunofanira kupa vaRevhi, runofanira kutanga parusvingo rweguta ndokupoteredza guta kusvika pamakubhiti ane chiuru chimwe kunhivi dzose.
4あなたがたがレビびとに与える町々の放牧地は、町の石がきから一千キュビトの周囲としなければならない。
5Munofanira kuyera kunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwezasi makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwokumusoro makubhiti ane zviuru zviviri, guta riri pakati. Ndirwo runofanira kuva ruwa rwamaguta avo.
5あなたがたは町の外で東側に二千キュビト、南側に二千キュビト、西側に二千キュビト、北側に二千キュビトを計り、町はその中央にしなければならない。彼らの町の放牧地はこのようにしなければならない。
6Maguta amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta matanhatu outiziro, amunofanira kuvapa, kuti muurayi atizire kwaari; kunze kwaiwayo munofanira kuvapa maguta ana makumi mana namaviri.
6あなたがたがレビびとに与える町々は六つで、のがれの町とし、人を殺した者がのがれる所としなければならない。なおこのほかに四十二の町を与えなければならない。
7Maguta ose amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta ana makumi mana namasere, iwo noruwa rwawo.
7すなわちあなたがたがレビびとに与える町は合わせて四十八で、これをその放牧地と共に与えなければならない。
8Kana ari maguta amunotora panhaka dzavana vaIsiraeri, kuna vana mazhinji munofanira kutora mazhinji, kuna vana mashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumwe norumwe runofanira kupa vaRevhi mamwe maguta, sezvarwakapiwa nhaka yarwo.
8あなたがたがイスラエルの人々の所有のうちからレビびとに町々を与えるには、大きい部族からは多く取り、小さい部族からは少なく取り、おのおの受ける嗣業にしたがって、その町々をレビびとに与えなければならない」。
9Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
9主はモーセに言われた、
10Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana mayambuka Joridhani, mukapinda munyika yeKanani,
10「イスラエルの人々に言いなさい。あなたがたがヨルダンを渡ってカナンの地にはいるときは、
11munofanira kuzvisanangurira maguta, ave maguta outiziro kwamuri; kuti muurayi, anouraya munhu asingaiti nohwoni atizireko.
11あなたがたのために町を選んで、のがれの町とし、あやまって人を殺した者を、そこにのがれさせなければならない。
12Maguta iwayo anofanira kuva kwamuri utiziro pamutsivi, kuti muurayi arege kufa, asina kumbotongwa pamberi peungano.
12これはあなたがたが復讐する者を避けてのがれる町であって、人を殺した者が会衆の前に立って、さばきを受けないうちに、殺されることのないためである。
13Maguta amunovapa, anofanira kuva kwamuri maguta matanhatu outiziro.
13あなたがたが与える町々のうち、六つをのがれの町としなければならない。
14Munofanira kuvapa maguta matatu mhiri kwaJoridhani, namamwe maguta matatu munofanira kuvapa munyika yeKanani; ndiwo anofanira kuva maguta outiziro.
14すなわちヨルダンのかなたで三つの町を与え、カナンの地で三つの町を与えて、のがれの町としなければならない。
15Maguta iwayo matanhatu anofanira kuva utiziro kuvana vaIsiraeri, nokumweni, nokumutorwa ugere pakati pavo; kuti mumwe nomumwe wakauraya munhu, asina kuita nohwoni, atizireko.
15これらの六つの町は、イスラエルの人々と、他国の人および寄留者のために、のがれの場所としなければならない。すべてあやまって人を殺した者が、そこにのがれるためである。
16Asi kana achinge amurova nenhumbi yedare, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
16もし人が鉄の器で、人を打って死なせたならば、その人は故殺人である。故殺人は必ず殺されなければならない。
17Kana achinge amuuraya nebwe riri muruoko rwake, ringauraya munhu, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
17またもし人を殺せるほどの石を取って、人を打って死なせたならば、その人は故殺人である。故殺人は必ず殺されなければならない。
18Kana achinge amurova nenhumbi yamatanda iri muruoko rwake, ingauraya munhu, akafa, wava muurayi; muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
18あるいは人を殺せるほどの木の器を取って、人を打って死なせたならば、その人は故殺人である。故殺人は必ず殺されなければならない。
19Mutsivi weropa ndiye anofanira kuuraya muurayi amene; kana akasangana naye, unofanira kumuuraya.
19血の復讐をする者は、自分でその故殺人を殺すことができる。すなわち彼に出会うとき、彼を殺すことができる。
20Kana achinge amusunga achimuvenga, kana kumuposhera, amuvandira, akafa;
20またもし恨みのために人を突き、あるいは故意に人に物を投げつけて死なせ、
21kana zvimwe akamurova noruoko, achimuvenga, akafa, wakamurova anofanira kuurawa zvirokwazvo, muurayi; mutsivi weropa, anofanira kuuraya muurayi, kana akasangana naye.
21あるいは恨みによって手で人を打って死なせたならば、その打った者は必ず殺されなければならない。彼は故殺人だからである。血の復讐をする者は、その故殺人に出会うとき殺すことができる。
22Asi kana achinge amusunda kamwe-kamwe, asina kumuvenga, kana kumuposhera nechinhu, asina kumuvandira,
22しかし、もし恨みもないのに思わず人を突き、または、なにごころなく人に物を投げつけ、
23kana nebwe, ringauraya munhu, akarikanda pamusoro pake, asingamuoni, akafa, iye asina kumuvenga, kana kutsvaka kumukuvadza;
23あるいは人のいるのも見ずに、人を殺せるほどの石を投げつけて死なせた場合、その人がその敵でもなく、また害を加えようとしたのでもない時は、
24zvino ungano inofanira kutonga mhosva pakati pomukuvadzi nomutsivi weropa nemirairo iyi:
24会衆はこれらのおきてによって、その人を殺した者と、血の復讐をする者との間をさばかなければならない。
25Ipapo ungano inofanira kurwira muurayi paruoko rwomutsivi weropa, ungano igomudzosera kuguta rake routiziro, kwaakanga atizira; zvino iye anofanira kugaramo kusvikira mupristi mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matsvene.
25すなわち会衆はその人を殺した者を血の復讐をする者の手から救い出して、逃げて行ったのがれの町に返さなければならない。その者は聖なる油を注がれた大祭司の死ぬまで、そこにいなければならない。
26Asi kana nguva ipi neipi muurayi akadarika muganhu weguta rake routiziro, kwaakanga atizira,
26しかし、もし人を殺した者が、その逃げて行ったのがれの町の境を出た場合、
27mutsivi weropa akamuwana kunze komuganhu weguta rako routiziro, mutsivi weropa akauraya muurayi uyo, iye haangavi nemhosva yeropa rake;
27血の復讐をする者は、のがれの町の境の外で、これに出会い、血の復讐をする者が、その人を殺した者を殺しても、彼には血を流した罪はない。
28nekuti waifanira kugara muguta rake routiziro kusvikira mupristi mukuru afa; asi kana mupristi mukuru afa, muurayi anofanira kudzokera kunyika yake.
28彼は大祭司の死ぬまで、そののがれの町におるべきものだからである。大祭司の死んだ後は、人を殺した者は自分の所有の地にかえることができる。
29Izvi zvinofanira kuva kwamuri murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose kwamunogara kose.
29これらのことはすべてあなたがたの住む所で、代々あなたがたのためのおきての定めとしなければならない。
30Ani naani unouraya munhu, muurayi anofanira kuurawa nokupupura kwezvapupu; asi chapupu chimwe hachifaniri kupupurira munhu akaurawa.
30人を殺した者、すなわち故殺人はすべて証人の証言にしたがって殺されなければならない。しかし、だれもただひとりの証言によって殺されることはない。
31Uye hamufaniri kugamuchira dzikunuro pamusoro poupenyu hwomuurayi, anofanira kuti aurawe; asi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
31あなたがたは死に当る罪を犯した故殺人の命のあがないしろを取ってはならない。彼は必ず殺されなければならない。
32Musagamuchira dzikunuro pamusoro pomunhu wakatizira kuguta routiziro, kuti adzokere kugara munyika yake, kusvikira mupristi afa.
32また、のがれの町にのがれた者のために、あがないしろを取って大祭司の死ぬ前に彼を自分の地に帰り住まわせてはならない。
33Naizvozvo hamufaniri kusvibisa nyika mamugere, nekuti ropa rinosvibisa nyika; nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi koga neropa romunhu wakariteura.
33あなたがたはそのおる所の地を汚してはならない。流血は地を汚すからである。地の上に流された血は、それを流した者の血によらなければあがなうことができない。あなたがたは、その住む所の地、すなわちわたしのおる地を汚してはならない。主なるわたしがイスラエルの人々のうちに住んでいるからである」。
34Musasvibisa nyika mamugere, mandigerewo ini; nekuti ini Jehovha ndigere pakati pavana vaIsiraeri.
34あなたがたは、その住む所の地、すなわちわたしのおる地を汚してはならない。主なるわたしがイスラエルの人々のうちに住んでいるからである」。