1Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; teererai kukumbira kwangu; Ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu.
1主よ、わが祈を聞き、わが願いに耳を傾けてください。あなたの真実と、あなたの正義とをもって、わたしにお答えください。
2Regai kutonga muranda wenyu; nekuti hapana munhu mumwe mupenyu angaruramiswa pamberi penyu.
2あなたのしもべのさばきにたずさわらないでください。生ける者はひとりもみ前に義とされないからです。
3nekuti muvengi akatambudza mweya wangu; Akatsikirira upenyu hwangu pasi; Akandigarisa panzvimbo dzine rima, savanhu vakanguva vafa.
3敵はわたしをせめ、わがいのちを地に踏みにじり、死んで久しく時を経た者のようにわたしを暗い所に住まわせました。
4Saka mweya wangu wavhunduswa mukati mangu. moyo wangu wavhunduswa mukati mangu.
4それゆえ、わが霊はわがうちに消えうせようとし、わが心はわがうちに荒れさびれています。
5Ndinorangarira mazuva akare; Ndinofungisisa zvose zvamakaita; Ndinofunga basa ramaoko enyu.
5わたしはいにしえの日を思い出し、あなたが行われたすべての事を考え、あなたのみ手のわざを思います。
6Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; Mweya wangu unokushuvai senyika yakaomerwa.
6わたしはあなたにむかって手を伸べ、わが魂は、かわききった地のようにあなたを慕います。〔セラ
7Kurumidzai kupindura, Jehovha; mweya wangu waziya; Regai kundivanzira chiso chenyu; Ndigosava savanoburukira kugomba.
7主よ、すみやかにわたしにお答えください。わが霊は衰えます。わたしにみ顔を隠さないでください。さもないと、わたしは穴にくだる者のようになるでしょう。
8Ndinzwisei unyoro bwenyu mangwanani; nekuti ndinovimba nemi; Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo; nekuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
8あしたに、あなたのいつくしみを聞かせてください。わたしはあなたに信頼します。わが歩むべき道を教えてください。わが魂はあなたを仰ぎ望みます。
9Ndirwirei Jehovha, panavavengi vangu; Ndinovanda nemwi.
9主よ、わたしをわが敵から助け出してください。わたしは避け所を得るためにあなたのもとにのがれました。
10Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nekuti ndimwi Mwari wangu; Mweya wenyu, wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere,
10あなたのみむねを行うことを教えてください。あなたはわが神です。恵みふかい、みたまをもってわたしを平らかな道に導いてください。
11Ndiponesei Jehovha, nokuda kwezita renyu; Budisai mweya wangu pakumanikidzwa nokururama kwenyu.
11主よ、み名のために、わたしを生かし、あなたの義によって、わたしを悩みから救い出してください。また、あなたのいつくしみによって、わが敵を断ち、わがあだをことごとく滅ぼしてください。わたしはあなたのしもべです。
12Pedzai vavengi vangu nounyoro bwenyu, Muparadze vose vanomanikidza mweya wangu; nekuti ndiri muranda wenyu.
12また、あなたのいつくしみによって、わが敵を断ち、わがあだをことごとく滅ぼしてください。わたしはあなたのしもべです。