1Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu.
1わが力なる主よ、わたしはあなたを愛します。
2Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira.
2主はわが岩、わが城、わたしを救う者、わが神、わが寄り頼む岩、わが盾、わが救の角、わが高きやぐらです。
3Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanirwa nokurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.
3わたしはほめまつるべき主に呼ばわって、わたしの敵から救われるのです。
4Mabote orufu akandikomba; Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.
4死の綱は、わたしを取り巻き、滅びの大水は、わたしを襲いました。
5Mabote eSheori akandisunga; Misungo yorufu yakandiwira.
5陰府の綱は、わたしを囲み、死のわなは、わたしに立ちむかいました。
6Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake.
6わたしは悩みのうちに主に呼ばわり、わが神に叫び求めました。主はその宮からわたしの声を聞かれ、主にさけぶわたしの叫びがその耳に達しました。
7Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzikadengenyeka, Dzikazununguswa, nekuti akanga akatsamwa.
7そのとき地は揺れ動き、山々の基は震い動きました。主がお怒りになったからです。
8Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo.
8煙はその鼻から立ちのぼり、火はその口から出て焼きつくし、炭はそれによって燃えあがりました。
9Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.
9主は天をたれて下られ、暗やみがその足の下にありました。
10Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo.
10主はケルブに乗って飛び、風の翼をもってかけり、
11Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga.
11やみをおおいとして、自分のまわりに置き、水を含んだ暗い濃き雲をその幕屋とされました。
12Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto.
12そのみ前の輝きから濃き雲を破って、ひょうと燃える炭とが降ってきました。
13Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusoro-soro akataura nenzwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto.
13主はまた天に雷をとどろかせ、いと高き者がみ声を出されると、ひょうと燃える炭とが降ってきました。
14Akatuma miseve yake, akavaparadza; Zvirokwazvo, nemheni zhinji, akavavhundusa.
14主は矢を放って彼らを散らし、いなずまをひらめかして彼らを打ち敗られました。
15Ipapo migero yemvura zhinji yakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehovha, Nokufema komweya wemhino dzenyu.
15主よ、そのとき、あなたのとがめと、あなたの鼻のいぶきとによって、海の底はあらわれ、地の基があらわになったのです。
16Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji.
16主は高い所からみ手を伸べて、わたしを捕え、大水からわたしを引きあげ、
17Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga, nekuti vakanga vondikurira.
17わたしの強い敵と、わたしを憎む者とからわたしを助け出されました。彼らはわたしにまさって強かったからです。
18Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
18彼らはわたしの災の日にわたしを襲いました。しかし主はわたしのささえとなられました。
19Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nekuti akanga achindifarira.
19主はわたしを広い所につれ出し、わたしを喜ばれるがゆえに、わたしを助けられました。
20Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.
20主はわたしの義にしたがってわたしに報い、わたしの手の清きにしたがってわたしに報いかえされました。
21Nekuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.
21わたしは主の道を守り、悪意をもって、わが神を離れたことがなかったのです、
22Nekuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu, Handina kusundira kure neni zvaakatema.
22そのすべてのおきてはわたしの前にあって、わたしはその定めを捨てたことがなかったのです。
23Ndakanga ndakaruramawo kwaari, Ndakazvichengeta ini pazvakaipa zvangu.
23わたしは主の前に欠けたところがなく、自分を守って罪を犯しませんでした。
24Naizvozvo Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.
24このゆえに主はわたしの義にしたがい、その目の前にわたしの手の清きにしたがってわたしに報いられました。
25Ane tsitsi munomuitirawo netsitsi, Nomunhu wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;
25あなたはいつくしみある者には、いつくしみある者となり、欠けたところのない者には、欠けたところのない者となり、
26Akanaka munomuitirawo zvakanaka, nowakatsauka, munomuitirawo nehasha.
26清い者には、清い者となり、ひがんだ者には、ひがんだ者となられます。
27Nekuti muchaponesa vanhu vanotambudzika; Asi muchaderedza meso avanozvikudza.
27あなたは苦しんでいる民を救われますが、高ぶる目をひくくされるのです。
28Nekuti imwi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu.
28あなたはわたしのともしびをともし、わが神、主はわたしのやみを照されます。
29Nekuti nemwi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.
29まことに、わたしはあなたによって敵軍を打ち破り、わが神によって城壁をとび越えることができます。
30Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanovimba naye.
30この神こそ、その道は完全であり、主の言葉は真実です。主はすべて寄り頼む者の盾です。
31Nekuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?
31主のほかに、だれが神でしょうか。われらの神のほかに、だれが岩でしょうか。
32Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu.
32神はわたしに力を帯びさせ、わたしの道を安全にされました。
33Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira.
33神はわたしの足をめじかの足のようにされ、わたしを高い所に安全に立たせ、
34Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anobwembura uta bwendarira.
34わたしの手を戦いに慣らされたので、わたしの腕は青銅の弓をもひくことができます。
35Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro bwenyu hwakandiita mukuru.
35あなたはその救の盾をわたしに与え、あなたの右の手はわたしをささえ、あなたの助けはわたしを大いなる者とされました。
36Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
36あなたがわたしの歩む所を広くされたので、わたしの足はすべらなかったのです。
37Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa.
37わたしは敵を追って、これに追いつき、これを滅ぼしつくすまでは帰らなかったのです。
38Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu.
38わたしが彼らを突き通したので、彼らは立ちあがることができず、わたしの足もとに倒れました。
39Nekuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.
39あなたは戦いのためにわたしに力を帯びさせ、わたしに立ち向かう者らをわたしのもとに、かがませられました。
40Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.
40あなたは敵にその後をわたしに向けさせられたので、わたしは自分を憎む者を滅ぼしました。
41Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
41彼らは助けを叫び求めたが、救う者はなく、主にむかって叫んだけれども、彼らに答えられなかったのです。
42Ipapo ndakavapwanya-pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha.
42わたしは彼らを風の前のちりのように細かに砕き、ちまたの泥のように打ち捨てました。
43Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.
43あなたは民の争いからわたしを救い、わたしをもろもろの国民のかしらとされました。わたしの知らなかった民がわたしに仕えました。
44Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri.
44彼らはわたしの事を聞くと、ただちにわたしに従い、異邦の人々はきて、わたしにへつらいました。
45Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera.
45異邦の人々は打ちしおれて、その城から震えながら出てきました。
46Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe.
46主は生きておられます。わが岩はほむべきかな。わが救の神はあがむべきかな。
47Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu.
47神はわたしにあだを報いさせ、もろもろの民をわたしのもとに従わせ、
48Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza.
48わたしの敵からわたしを救い出されました。まことに、あなたはわたしに逆らって起りたつ者の上にわたしをあげ、不法の人からわたしを救い出されました。
49Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza.
49このゆえに主よ、わたしはもろもろの国民のなかであなたをたたえ、あなたのみ名をほめ歌います。主はその王に大いなる勝利を与え、その油そそがれた者に、ダビデとその子孫とに、とこしえにいつくしみを加えられるでしょう。
50Anopa mambo wake kuponeswa kukuru; ,Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi.
50主はその王に大いなる勝利を与え、その油そそがれた者に、ダビデとその子孫とに、とこしえにいつくしみを加えられるでしょう。