1Mwari, takanzwa nenzeve dzedu, madzibaba edu akatiudza, Basa ramakabata pamisi yavo, napamisi yekare.
1神よ、いにしえ、われらの先祖たちの日に、あなたがなされたみわざを彼らがわれらに語ったのを耳で聞きました。
2Makadzinga vahedheni noruoko rwenyu, mukavasima ivo; Makatambudza ndudzi dzavanhu mukavaparadzira ivo.
2すなわちあなたはみ手をもって、もろもろの国民を追い払ってわれらの先祖たちを植え、またもろもろの民を悩まして、われらの先祖たちをふえ広がらせられました。
3nekuti havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, Ruoko rwavo haruna kuvaponesa; Asi chanza chenyu chorudyi, noruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, nekuti maivafarira.
3彼らは自分のつるぎによって国を獲たのでなく、また自分の腕によって勝利を得たのでもありません。ただあなたの右の手、あなたの腕、あなたのみ顔の光によるのでした。あなたが彼らを恵まれたからです。
4Ndimi Mambo wangu, imwi Mwari; Rairai kuti Jakove akunde.
4あなたはわが王、わが神、ヤコブのために勝利を定められる方です。
5nemwi tichawisira pasi vadzivisi vedu; Nezita renyu tichatsika pasi vanotimukira.
5われらはあなたによって、あだを押し倒し、われらに立ちむかう者を、み名によって踏みにじるのです。
6nekuti handingavimbi nouta hwangu, Nomunondo wangu haungandiponesi.
6わたしは自分の弓を頼まず、わたしのつるぎもまた、わたしを救うことができないからです。
7Asi imwi makatiponesa pavadzivisi vedu, Mukanyadzisa vanotivenga.
7しかしあなたはわれらをあだから救い、われらを憎む者をはずかしめられました。
8Takazvirumbidza zuva rose munaMwari, Tichavonga zita renyu nokusingaperi.
8われらは常に神によって誇り、とこしえにあなたのみ名に感謝するでしょう。〔セラ
9Asi zvino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamuchafambi nehondo dzedu.
9ところがあなたはわれらを捨てて恥を負わせ、われらの軍勢と共に出て行かれませんでした。
10Munotitizisa pamberi pavadzivisi; Vanotivenga vanozvipambira.
10あなたがわれらをあだの前から退かせられたので、われらの敵は心のままにかすめ奪いました。
11Makatiisa samakwai akatarirwa kubayiwa; Makatiparadzira pakati pavahedheni.
11あなたはわれらをほふられる羊のようにし、またもろもろの国民のなかに散らされました。
12Munotengesa vanhu venyu musina chamunopiwa, Hamuna kuwedzera fuma yenyu nomutengo wavo.
12あなたはわずかの金であなたの民を売り、彼らのために高い価を求められませんでした。
13Munotiita vanhu vanosekwa navatinogara navo, Vanhu vanozvidzwa nokusekwa navakatikomberedza.
13あなたはわれらを隣り人にそしらせ、われらをめぐる者どもに侮らせ、あざけらせられました。
14Munotiita shumo pakati pavahedheni, Vanhu vanotidzungudzira misoro.
14またもろもろの国民のなかにわれらを笑い草とし、もろもろの民のなかに笑い者とされました。
15Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu, Kunyara kwechiso changu kwakandifukidza.
15わがはずかしめはひねもすわたしの前にあり、恥はわたしの顔をおおいました。
16Nokuda kwenzwi romutuki nomuzvidzi; Nokuda komuvengi nomutsivi.
16これはそしる者と、ののしる者の言葉により、敵と、恨みを報いる者のゆえによるのです。
17Izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukukangamwai, Hatina kunyengedzera pasungano yenyu.
17これらの事が皆われらに臨みましたが、われらはあなたを忘れず、あなたの契約にそむくことがありませんでした。
18moyo yedu haina kudzokera shure, Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu;
18われらの心はたじろがず、またわれらの歩みはあなたの道を離れませんでした。
19Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yamakava, Mukatifukidza nomumvuri worufu.
19それでもあなたは山犬の住む所でわれらを砕き、暗やみをもってわれらをおおわれました。
20Kana tichinge takangamwa zita raMwari wedu, Kana kutambanudzira maoko edu kunaMwari wavamwe;
20われらがもしわれらの神の名を忘れ、ほかの神に手を伸べたことがあったならば、
21Ko Mwari haanganzveri izvozvo here? nekuti iye anoziva zvakavanzika zvomoyo.
21神はこれを見あらわされないでしょうか。神は心の秘密をも知っておられるからです。
22Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa.
22ところがわれらはあなたのためにひねもす殺されて、ほふられる羊のようにみなされました。
23Mukai, munovatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusingaperi.
23主よ、起きてください。なぜ眠っておられるのですか。目をさましてください。われらをとこしえに捨てないでください。
24Munovanzireiko chiso chenyu, Muchikangamwa kutambudzika kwedu nokumanikidzwa kwedu?
24なぜあなたはみ顔を隠されるのですか。なぜわれらの悩みと、しえたげをお忘れになるのですか。
25Nekuti mweya wedu wakotamira kuguruva; Dumbu redu rinonamatira pavhu.
25まことにわれらの魂はかがんで、ちりに伏し、われらのからだは土につきました。起きて、われらをお助けください。あなたのいつくしみのゆえに、われらをあがなってください。
26Simukai mutibatsire, Mutidzikunure nokuda kounyoro bwenyu.
26起きて、われらをお助けください。あなたのいつくしみのゆえに、われらをあがなってください。