1Teererai murayiro wangu, imwi vanhu vangu; Rerekerai nzeve dzenyu munzwe mashoko omuromo wangu.
1わが民よ、わが教を聞き、わが口の言葉に耳を傾けよ。
2Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo; Ndichaparidza mashoko akavanzika ekare,
2わたしは口を開いて、たとえを語り、いにしえからの、なぞを語ろう。
3Zvatakanzwa nezvatakaziva, Nezvatakaudzwa namadzibaba edu.
3これはわれらがさきに聞いて知ったこと、またわれらの先祖たちがわれらに語り伝えたことである。
4Hatingazvivanziri vana vavo, Asi tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha , Nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita.
4われらはこれを子孫に隠さず、主の光栄あるみわざと、その力と、主のなされたくすしきみわざとをきたるべき代に告げるであろう。
5nekuti akamutsa chipupuriro pakati paJakove, Akatema murayiro pakati paIsiraeri, Akazviraira madzibaba edu, Kuti vazvizivise vana vavo;
5主はあかしをヤコブのうちにたて、おきてをイスラエルのうちに定めて、その子孫に教うべきことをわれらの先祖たちに命じられた。
6Kuti rudzi runotevera ruzvizive, ivo vana vachazoberekwa; Ivo vasimuke vazviudze vana vavo;
6これは次の代に生れる子孫がこれを知り、みずから起って、そのまた子孫にこれを伝え、
7Kuti tariro yavo ive kuna Mwari, Varege kukangamwa mabasa aMwari, Asi vachengete mirairo yake;
7彼らをして神に望みをおき、神のみわざを忘れず、その戒めを守らせるためである。
8Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa moyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isina kutendeka kuna Mwari.
8またその先祖たちのようにかたくなで、そむく者のやからとなり、その心が定まりなく、その魂が神に忠実でないやからとならないためである。
9Vana vaEfuraimu, kunyange vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nouta, Vakadzokera shure pazuva rokurwa.
9エフライムの人々は武装し、弓を携えたが、戦いの日に引き返した。
10Havana kuchengeta sungano yaMwari, Vakaramba kufamba nomurayiro wake;
10彼らは神の契約を守らず、そのおきてにしたがって歩むことを拒み、
11Vakakangamwa zvaakaita, Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza.
11神がなされた事と、彼らに示されたくすしきみわざとを忘れた。
12Wakaita zvinhu zvinoshamisa pamberi pamadzibaba avo, Panyika yeEgipita, pasango reZoani.
12神はエジプトの地と、ゾアンの野でくすしきみわざを彼らの先祖たちの前に行われた。
13Wakapamura gungwa, akavayambusa; Akamisa mvura ikafanana nomurwi.
13神は海を分けて彼らを通らせ、水を立たせて山のようにされた。
14Masikatiwo wakavafambisa negore, Nousiku hwose nechiedza chomoto.
14昼は雲をもって彼らを導き、夜は、よもすがら火の光をもって彼らを導かれた。
15Wakapamura matombo murenje, Akavamwisa zvakanaka kwazvo sapamvura inobva pakadzika.
15神は荒野で岩を裂き、淵から飲むように豊かに彼らに飲ませ、
16Akabudisawo hova dzemvura padombo, Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi.
16また岩から流れを引いて、川のように水を流れさせられた。
17Kunyange zvakadaro vakaramba vachimutadzira, Nokumukira Wekumusoro-soro murenje.
17ところが彼らはなお神にむかって罪をかさね、荒野でいと高き者にそむき、
18Vakaidza Mwari mumoyo mavo Vachikumbira zvokudya zvavakanga vachidawo.
18おのが欲のために食物を求めて、その心のうちに神を試みた。
19Zvirokwazvo vakapopotera Mwari Vakati, Mwari angatigadzirira chokudya murenje here?
19また彼らは神に逆らって言った、「神は荒野に宴を設けることができるだろうか。
20Tarirai, akarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka, Hova dzakayerera; Ko angapa chingwawo here? Ungavigira vanhu vake nyama here?
20見よ、神が岩を打たれると、水はほとばしりいで、流れがあふれた。神はまたパンを与えることができるだろうか。民のために肉を備えることができるだろうか」と。
21Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa; Moto ukaveserwa Jakove, Kutsamwa kukamukira Isiraeri.
21それゆえ、主は聞いて憤られた。火はヤコブにむかって燃えあがり、怒りはイスラエルにむかって立ちのぼった。
22Nekuti havana kutenda Mwari, Havana kuvimba nokuponesa kwake.
22これは彼らが神を信ぜず、その救の力を信用しなかったからである。
23Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro, Akazarura mikova yokudenga;
23しかし神は上なる大空に命じて天の戸を開き、
24Akanisa mana*pamusoro pavo kuti vadye, Akavapa zviyo zvokudenga.
24彼らの上にマナを降らせて食べさせ、天の穀物を彼らに与えられた。
25Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta.
25人は天使のパンを食べた。神は彼らに食物をおくって飽き足らせられた。
26Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva, ikarira kudenga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake.
26神は天に東風を吹かせ、み力をもって南風を導かれた。
27Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva, Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa;
27神は彼らの上に肉をちりのように降らせ、翼ある鳥を海の砂のように降らせて、
28Akazviwisira pakati pemisasa yavo, Pose-pose pavakanga vagere.
28その宿営のなか、そのすまいのまわりに落された。
29Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo; Akavapa zvavakanga vachikarira.
29こうして彼らは食べて、飽き足ることができた。神が彼らにその望んだものを与えられたからである。
30Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo, Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo,
30ところが彼らがまだその欲を離れず、食物がなお口の中にあるうちに、
31Kutsamwa kwaMwari kukavamukira, Akauraya vakakoresa pakati pavo, Akaparadza majaya aIsiraeri.
31神の怒りが彼らにむかって立ちのぼり、彼らのうちの最も強い者を殺し、イスラエルのうちのえり抜きの者を打ち倒された。
32Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza, Vakasatenda mabasa ake aishamisa.
32すべてこれらの事があったにもかかわらず、彼らはなお罪を犯し、そのくすしきみわざを信じなかった。
33Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo, Namakore avo panezvinotyisa.
33それゆえ神は彼らの日を息のように消えさせ、彼らの年を恐れをもって過ごさせられた。
34Zvino akati achivauraya, ipapo vakamubvunza , vakashingaira kutsvaka Mwari.
34神が彼らを殺されたとき、彼らは神をたずね、悔いて神を熱心に求めた。
35Vakarangarira kuti Mwari ndiye dombo ravo, NaMwari Wokumusoro-soro mudzikunuri wavo.
35こうして彼らは、神は彼らの岩、いと高き神は彼らのあがないぬしであることを思い出した。
36Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo, Vakamurevera nhema nendimi dzavo.
36しかし彼らはその口をもって神にへつらい、その舌をもって神に偽りを言った。
37Nekuti moyo yavo yakanga isina kururama kwaari, Uye vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
37彼らの心は神にむかって堅実でなく、神の契約に真実でなかった。
38Asi iye, zvaakanga ane nyasha huru, akavakangamwira kuipa kwavo, akasavaparadza; Zvirokwazvo, kazhinji akadzora kutsamwa kwake, Akasamutsa hasha dzake dzose.
38しかし神はあわれみに富まれるので、彼らの不義をゆるして滅ぼさず、しばしばその怒りをおさえて、その憤りをことごとくふり起されなかった。
39Akarangarira kuti vakanga vari nyama chete; Nemhepo, inopfuura, isingadzokizve.
39また神は、彼らがただ肉であって、過ぎ去れば再び帰りこぬ風であることを思い出された。
40Vakamumukira murenje kazhinji sei, Nokumunzwisa shungu mugwenga!
40幾たび彼らは野で神にそむき、荒野で神を悲しませたことであろうか。
41Vakapamhidzazve, vakaidza Mwari, vakakuvadza Mutsvene waIsiraeri.
41彼らはかさねがさね神を試み、イスラエルの聖者を怒らせた。
42Havana kurangarira ruoko rwake, Kana zuva raakavadzikunura pamudzivisi.
42彼らは神の力をも、神が彼らをあだからあがなわれた日をも思い出さなかった。
43Panguva yaakavaratidza zviratidzo zvake Nezvishamiso zvake pasango reZoani;
43神はエジプトでもろもろのしるしをおこない、ゾアンの野でもろもろの奇跡をおこない、
44Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa, Nehova dzavo, vakakoniwa kumwa mvura yadzo.
44彼らの川を血に変らせて、その流れを飲むことができないようにされた。
45Akatuma pakati pavo mapupira enhunzi, dzakavaruma; Namatafi, akavaparadza.
45神ははえの群れを彼らのうちに送って彼らを食わせ、かえるを送って彼らを滅ぼされた。
46Zvibereko zvavo wakazvipa mhunduru, Zvavakabatira akazvipa mhashu.
46また神は彼らの作物を青虫にわたし、彼らの勤労の実をいなごにわたされた。
47Akaparadza mizambiringa yavo nechimvuramabwe, Nemionde yavo nechando.
47神はひょうをもって彼らのぶどうの木を枯らし、霜をもって彼らのいちじく桑の木を枯らされた。
48Mombe dzavo akadziisawo pachimvuramabwe, Zvipfuwo zvavo akazviisa pamheni.
48神は彼らの家畜をひょうにわたし、彼らの群れを燃えるいなずまにわたされた。
49Akatuma pakati pavo kutsamwa kwake kukuru, Nehasha neshungu nokutambudza, Rikaita boka ravatumwa vezvakaipa.
49神は彼らの上に激しい怒りと、憤りと、恨みと、悩みと、滅ぼす天使の群れとを放たれた。
50Akagadzirira kutsamwa kwake nzira; Haana kubvisa mweya wavo parufu, Asi akaisa upenyu hwavo kuhosha;
50神はその怒りのために道を設け、彼らの魂を死から免れさせず、そのいのちを疫病にわたされた。
51Akarova matangwe ose paEgipita, Ivo vokutanga vesimba ravo pamatende aHami;
51神はエジプトですべてのういごを撃ち、ハムの天幕で彼らの力の初めの子を撃たれた。
52Asi akabudisa vanhu vake samakwai, Akavaperekedza murenje seboka rezvipfuwo.
52こうして神はおのれの民を羊のように引き出し、彼らを荒野で羊の群れのように導き、
53Akavafambisa vakafara, vakasatya; Asi gungwa rakafukidza vavengi vavo.
53彼らを安らかに導かれたので彼らは恐れることがなかった。しかし海は彼らの敵をのみつくした。
54Akavasvitsa panyika yake tsvene, Pagomo iri, raakatenga noruoko rwake rworudyi.
54神は彼らをその聖地に伴い、その右の手をもって獲たこの山に伴いこられた。
55Akadzingawo ndudzi pamberi pavo, Akavaganhurira ivo vave nhaka yavo, Akagarisa vaIsiraeri pamatende avo.
55神は彼らの前からもろもろの国民を追い出し、その地を分けて嗣業とし、イスラエルの諸族を彼らの天幕に住まわせられた。
56Kunyange zvakadaro vakaidza Mwari Wekumusoro-soro, vakamumukira, Vakasachengeta zvipupuriro zvake;
56しかし彼らはいと高き神を試み、これにそむいて、そのもろもろのあかしを守らず、
57Asi vadzoka, vakaita zvinonyengera. Vakatsauka souta hunonyengera.
57そむき去って、先祖たちのように真実を失い、狂った弓のようにねじれた。
58Nekuti vakamutsa kutsamwa kwake namatunhu avo akakwirira, Vakamutsa godo rake nezvifananidzo zvavo zvakaveziwa.
58彼らは高き所を設けて神を怒らせ、刻んだ像をもって神のねたみを起した。
59Zvino Mwari akati achizvinzwa, akatsamwa kwazvo, Akasema Isiraeri kwazvo-kwazvo.
59神は聞いて大いに怒り、イスラエルを全くしりぞけられた。
60Akabva patabhenakeri yeShiro, Tende raakanga akaisa pakati pavanhu;
60神は人々のなかに設けた幕屋なるシロのすまいを捨て、
61Akaisa simba rake mukutapwa, Nokubwinya kwake muruoko rwomudzivisi.
61その力をとりことならせ、その栄光をあだの手にわたされた。
62Vanhu vake wakavaisawo kumunondo; Akatsamwira nhaka yake kwazvo.
62神はその民をつるぎにわたし、その嗣業にむかって大いなる怒りをもらされた。
63Moto wakapedza majaya avo; Vasikana vavo havana kuimbirwa pakuwanikwa kwavo.
63火は彼らの若者たちを焼きつくし、彼らのおとめたちは婚姻の歌を失い、
64Vapristi vavo vakaurawa nomunondo; Chirikadzi dzavo hadzina kuchema.
64彼らの祭司たちはつるぎによって倒れ、彼らのやもめたちは嘆き悲しむことさえしなかった。
65Ipapo Ishe akapepuka somunhu akanga avete, Semhare inoridza mhere nokuda kwewaini.
65そのとき主は眠った者のさめたように、勇士が酒によって叫ぶように目をさまして、
66Akarova vadzivisi vake, vakadzokera sure. Akavanyadzisa zvisingaperi.
66そのあだを撃ち退け、とこしえの恥を彼らに負わせられた。
67Akarambawo tende raJosefa, Akasanangura rudzi rwaEfuremu.
67神はヨセフの天幕をしりぞけ、エフライムの部族を選ばず、
68Asi akasanangura rudzi rwaJudha, Negomo reZiyoni raakanga achida.
68ユダの部族を選び、神の愛するシオンの山を選ばれた。
69Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusingaperi.
69神はその聖所を高い天のように建て、とこしえに基を定められた地のように建てられた。
70Akasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, Akamubvisa pamatanga amakwai;
70神はそのしもべダビデを選んで、羊のおりから取り、
71Akandomutora paaifudza matunzvi aimwisa, Kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakove, naIsiraeri nhaka yake.
71乳を与える雌羊の番をするところからつれて来て、その民ヤコブ、その嗣業イスラエルの牧者とされた。こうして彼は直き心をもって彼らを牧し、巧みな手をもって彼らを導いた。
72Naizvozvo akavafudza nokururama komoyo wake; Akavaperekedza nouchenjeri hwamaoko ake.
72こうして彼は直き心をもって彼らを牧し、巧みな手をもって彼らを導いた。