1Zvino Naomi wakange ane hama yomurume wake, murume wakange ane simba nefuma, weimba yaErimereki, wainzi Bhowasi.
1さてナオミには、夫エリメレクの一族で、非常に裕福なひとりの親戚があって、その名をボアズといった。
2Rute muMoabhu akati kuna Naomi, Nditenderei ndiende kumunda, ndindounganidza hura dzezviyo shure kwaiye unondinzwira nyasha. Akati kwaari, Enda hako, mwana wangu.
2モアブの女ルツはナオミに言った、「どうぞ、わたしを畑に行かせてください。だれか親切な人が見当るならば、わたしはその方のあとについて落ち穂を拾います」。ナオミが彼女に「娘よ、行きなさい」と言ったので、
3Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; akava neropa rakanaka kuti wakasvika pamunda waBhowasi weimba yaErimereki.
3ルツは行って、刈る人たちのあとに従い、畑で落ち穂を拾ったが、彼女ははからずもエリメレクの一族であるボアズの畑の部分にきた。
4Zvino vonei, Bhowasi wakabva Bheterehemu, akati kuvacheki, Jehovha ave nemi. Ivo vakapindura, vakati kwaari, Jehovha akuropafadzeiwo.
4その時ボアズは、ベツレヘムからきて、刈る者どもに言った、「主があなたがたと共におられますように」。彼らは答えた、「主があなたを祝福されますように」。
5Bhowasi akati kumuranda wake wakange ari mutariri wavacheki, Musikana uyu ndowaaniko?
5ボアズは刈る人たちを監督しているしもべに言った、「これはだれの娘ですか」。
6Muranda, wakange ari mutariri wavacheki, akapindura akati, Ndiye musikana muMoabhu, wakadzoka naNaomi vachibva kunyika yaMoabhu,
6刈る人たちを監督しているしもべは答えた、「あれはモアブの女で、モアブの地からナオミと一緒に帰ってきたのですが、
7iye akati, Nditendereiwo ndiunganidze, ndinonge shure kwavacheki pakati pezvisote, naizvozvo akauya, akaswerapo kubva mangwanani kusvikira zvino, asi wakagara mumba nguva duku.
7彼女は『どうぞ、わたしに、刈る人たちのあとについて、束のあいだで、落ち穂を拾い集めさせてください』と言いました。そして彼女は朝早くきて、今まで働いて、少しのあいだも休みませんでした」。
8Ipapo Bhowasi akati kuna Rute, Chinzwa hako, mwanasikana wangu. Usandounganidza kunomumwe munda, uye usabva pano, asi urambire pano kuvasikana vangu.
8ボアズはルツに言った、「娘よ、お聞きなさい。ほかの畑に穂を拾いに行ってはいけません。またここを去ってはなりません。わたしのところで働く女たちを離れないで、ここにいなさい。
9Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; ndakaraira majaya angu kuti varege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, umwe mvura yakatekwa namajaya.
9人々が刈りとっている畑に目をとめて、そのあとについて行きなさい。わたしは若者たちに命じて、あなたのじゃまをしないようにと、言っておいたではありませんか。あなたがかわく時には水がめのところへ行って、若者たちのくんだのを飲みなさい」。
10Ipapo akawira pasi nechiso chake, akakotamira pasi, akati kwaari, Ndanzwirwa nyasha nemwi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu?
10彼女は地に伏して拝し、彼に言った、「どうしてあなたは、わたしのような外国人を顧みて、親切にしてくださるのですか」。
11Bhowasi akapindura akati kwaari, Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa komurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.
11ボアズは答えて彼女に言った、「あなたの夫が死んでこのかた、あなたがしゅうとめにつくしたこと、また自分の父母と生れた国を離れて、かつて知らなかった民のところにきたことは皆わたしに聞えました。
12Jehovha ngaakuripire sezvawakabata, upiwe mubayiro wakakwana naJehovha Mwari waIsiraeri, wawakauya kuzovanda pasi pamapapiro ake.
12どうぞ、主があなたのしたことに報いられるように。どうぞ、イスラエルの神、主、すなわちあなたがその翼の下に身を寄せようとしてきた主からじゅうぶんの報いを得られるように」。
13Iye akati, Ndinzwirwe hangu nyasha nemi, ishe wangu, nekuti makandinyaradza, mukataura zvakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyange ndisina kufanana nomumwe wavarandakadzi venyu.
13彼女は言った、「わが主よ、まことにありがとうございます。わたしはあなたのはしためのひとりにも及ばないのに、あなたはこんなにわたしを慰め、はしためにねんごろに語られました」。
14Nenguva yokudya Bhowasi akati kwaari, Uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga. Iye akagara navacheki, ivo vakamugamuchidza zviyo zvakakangwa, akadya, akaguta, akasiya zvimwe.
14食事の時、ボアズは彼女に言った、「ここへきて、パンを食べ、あなたの食べる物を酢に浸しなさい」。彼女が刈る人々のかたわらにすわったので、ボアズは焼麦を彼女に与えた。彼女は飽きるほど食べて残した。
15Zvino wakati asimuka kuzounganidza zviyo, Bhowasi akaraira majaya ake, akati, Ngaaunganidze hake kunyange napakati pezvisote, musamudzivisa.
15そして彼女がまた穂を拾おうと立ちあがったとき、ボアズは若者たちに命じて言った、「彼女には束の間でも穂を拾わせなさい。とがめてはならない。
16Mumuvhomorerewo dzimwe hura maune patsama, mudzisiye, aunganidze hake, musamutuka.
16また彼女のために束からわざと抜き落しておいて拾わせなさい。しかってはならない」。
17Naizvozvo akaunganidza pamunda kusvikira madekwana; akandopura zvaakaunganidza, zvikavavarira kusvika efa imwe yebhari.
17こうして彼女は夕暮まで畑で落ち穂を拾った。そして拾った穂を打つと、大麦は一エパほどあった。
18Akazvisimudza, ndokupinda muguta; vamwene vake vakaona zvaakanga aunganidza; akabudisawo zvakanga zvasara aguta hake, akavapawo.
18彼女はそれを携えて町にはいり、しゅうとめにその拾ったものを見せ、かつ食べ飽きて、残して持ちかえったものを取り出して与えた。
19Ipapo vamwene vake vakati kwaari, Wandounganidzepiko nhasi? Wandobata basa kupiko? Iye wakava nehanya newe ngaaropafadzwe.
19しゅうとめは彼女に言った、「あなたは、きょう、どこで穂を拾いましたか。どこで働きましたか。あなたをそのように顧みてくださったかたに、どうか祝福があるように」。そこで彼女は自分がだれの所で働いたかを、しゅうとめに告げて、「わたしが、きょう働いたのはボアズという名の人の所です」と言った。
20Naomi akati kumukadzi womwana wake, Ngaaropafadzwe naJehovha, iye usina kubvisa tsitsi dzake kuvapenyu navakafa. Naomi akati kwaari, Murume uyu ihama yedu yomumba, mumwe wavadzikunuri vedu.
20ナオミは嫁に言った、「生きている者をも、死んだ者をも、顧みて、いつくしみを賜わる主が、どうぞその人を祝福されますように」。ナオミはまた彼女に言った、「その人はわたしたちの縁者で、最も近い親戚のひとりです」。
21Rute muMoabhu akati, hongu, wakati kwandiri, Unofanira kurambira kumajaya angu, kusvikira vapedza kukohwa zvose zvangu.
21モアブの女ルツは言った、「その人はまたわたしに『あなたはわたしのところの刈入れが全部終るまで、わたしのしもべたちのそばについていなさい』と言いました」。
22Naomi akati kuna Rute, mukadzi womwana wake, Zvakanaka mwana wangu, kuti uende navasikana vake, urege kuonekwa kune mumwe munda.
22ナオミは嫁ルツに言った、「娘よ、その人のところで働く女たちと一緒に出かけるのはけっこうです。そうすればほかの畑で人にいじめられるのを免れるでしょう」。それで彼女はボアズのところで働く女たちのそばについていて穂を拾い、大麦刈と小麦刈の終るまでそうした。こうして彼女はしゅうとめと一緒に暮した。
23Naizvozvo akarambira kuvasikana vaBhowasi, akaunganidza kusvikira pakupera kokuchekwa kwebhari nokuchekwa kwezviyo; akagara navamwene vake.
23それで彼女はボアズのところで働く女たちのそばについていて穂を拾い、大麦刈と小麦刈の終るまでそうした。こうして彼女はしゅうとめと一緒に暮した。