1Zvino Dhavhidhi akasvika Nobhi kuna Ahimereki mupristi; Ahimereki akasangana naDhavhidhi achidedera; akati kwaari, Uri woga neiko, usino mumwe newe?
2Dhavhidhi akati kuna Ahimereki mupristi, Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira. Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo.
3Naizvozvo zvino, muneiko pano? Ndipei zvingwa zvishanu muruoko rwangu, kunyange zvipi nezvipi zviripo.
4mupristi akapindura Dhavhidhi, akati, Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; koga kana majaya akazvidzora kuvakadzi.
5Dhavhidhi akapindura mupristi, akati kwaari, Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyange rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene.
6Naizvozvo mupristi akamupa chingwa chitsvene, nekuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho.
7Zvino mumwe muranda waSauro wakange aripo nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehovha, wainzi Dhoegi, muEdhomu, mutariri wavafudzi vaSauro.
8Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nekuti handina kuuya nemunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzekurwa nadzo, nekuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa.
9Mupristi akati, Munondo waGoriati muFirisitia, wawakauraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumucheka mberi kweefodhi; kana uchida kuutora, chitora hako, nekuti hakuna mumwe asi iwoyo. Dhavhidhi akati, Hakuna nomumwe wakafanana nawo, ndipe hoyo.
10Dhavhidhi akasimuka akatiza musi iwoyo nokutya Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo weGati.
11Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti, Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake,
12Dhavhidhi akarangarira mashoko iwayo mumoyo make, akatya kwazvo Akishi mambo weGati.
13Akashandura mugarire wake pamberi pavo, akazviita sebenzi pakati pavo, akakwara-kwara pamagonhi esuwo, akarega mate ake achisiririka pandebvu dzake.
14Zvino Akishi akati kuvaranda vake, Tarirai, munhu uyu ibenzi; mauyireiko naye kuno kwandiri?
15Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, zvamauya nomunhu uyu kuzoratidza upenzi hwake pamberi pangu? Munhu wakadai ungapinda mumba mangu here?