Shona

Kabyle: New Testament

Job

34

1Ipapo Erihu akapindura, akati,
2Inzwai mashoko angu, imwi vanhu vakachenjera; Rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imwi mune zivo.
3Nekuti nzeve ndiyo inoidza mashoko, Sezvinoravira mukamwa zvokudya.
4Ngatizvitsanangurire zvakarurama; Ngatizive tose kuti zvakanaka ndezvipi.
5Nekuti Jobho akati, Ndakarurama, Asi Mwari akanditorera kururama kwangu;
6Kunyange ndakarurama hangu, ndinonzi ndine nhema; Pandakakuvadzwa hapangapori, kunyange ndisina kudarika.
7Ndianiko akafanana naJobho, Anomwa kushorwa semvura?
8Anofambidzana navanoita zvakaipa, Anofamba navanhu vakashata.
9Nekuti iye akati, Munhu haatongobatsirwi, Kana achifarira Mwari.
10Saka chindinzwai, imwi varume venjere, Mwari haangatongoiti zvisakarurama; waMasimbaose haangatongoiti zvakaipa.
11Nekuti acharipira munhu sezvaakabata, Achapa mumwe nomumwe sezvaakafanirwa.
12Zvirokwazvo, Mwari haangaiti zvakaipa, waMasimbaose haangakanganisi pakutonga.
13Ndianiko akamuita murairi wenyika? Ndianiko akamupa nyika yose?
14Kana akadzosera moyo wake kwaari, Kana akadzosera kwaari mweya wake nokufema kwake;
15Ipapo vanhu vose vachaparara pamwechete, Munhu akadzokerazve kuguruva.
16Zvino kana mukagona kunzwisisa, inzwai shoko iri, Teererai inzwi ramashoko angu.
17Ko munhu, anovenga zvakarurama, angabata ushe here? Mungapa mhosva munhu akarurama, ane simba here?
18Ko zvakanaka kuti kuna mambo, Makashata? Kana kuvakuru, hamutyi Mwari here?
19Ndoda kumunhu asingakudzi machinda, Asingatsauri vafumi kupfuura varombo. Nekuti ivo vose ndiro basa ramaoko ake.
20Vanofa kamwe-kamwe pakati pousiku; Vanhu vanozozununguswa ndokuparara havo, Vane simba vanobviswa zvingaitwa noruoko.
21Nekuti meso ake anotarira nzira dzomunhu, Unoona kufamba kwake kose.
22Hapana rima kana mumvuri worufu, Pangavanda vanoita zvakaipa.
23Nekuti haachafaniri kurangarira munhu, Kuti atongwe pamberi paMwari.
24Anoparadza vanhu vane simba asinganzveri, Ndokugadza vamwe panzvimbo yavo.
25Saka anocherekedza mabasa avo; Unovaparadza usiku, vakapwanyiwa.
26Anovarova sezvinorohwa vanhu vakaipa Vamwe vose vachizviona pachena.
27Nekuti vakatsauka pakumutevera, Vakasava nehanya nenzira dzake dzose;
28Naizvozvo vakasvitsa kuchema kwavarombo kwaari, Akanzwa kuchema kwavakatambudzwa.
29Kana iye akazorodza, ndianiko ungapa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angazomuona? Kana zvichitarirwa rudzi kana munhu mumwe, zvakafanana hazvo;
30Kuti munhu asakarurama arege kubata ushe, Kuti kurege kuva nomunhu achateya vanhu.
31Nekuti kunomunhu here akati kuna Mwari, Ndarangwa hangu, kunyange ndisina kutadza?
32Ndidzidzisei izvo zvandisingaoni; Kana ndichinge ndaita zvakaipa, handingazviitizve?
33Ko iye achatsiva sezvaunoda iwe, zvaunozviramba here? Nekuti ndiwe unofanira kutsanangura, handizini; Saka chitaura zvaunoziva.
34Vanhu vane njere vachati kwandiri, Uye vose vakachenjera, vanondinzwa, vachati,
35Jobho anotaura zvaasingazivi, Mashoko ake haano uchenjeri.
36Dai Jobho aiidzwa kusvikira pakupedzisira, Zvaakapindura savanhu vakaipa.
37Nekuti anowedzera kumukira Mwari pazvivi zvake, Anorova namaoko ake pakati pedu, Achiwanza mashoko ake anorwa naMwari.