1Zvirokwazvo moyo wangu unobvunduswawo pamusoro paizvozvi, Uchibviswa panzvimbo yawo.
2Teererai kutinhira kwenzwi rake, Nokuwunga kunobva pamuromo wake.
3Anokutuma pasi pedenga rose, pamagumisiro enyika.
4Inoteverwa nenzwi rinodzvova, Anotinhira nenzwi roumambo hwake. Haazvidzivisi kana inzwi rake richinzwika.
5Mwari anotinhira nenzwi rake rinoshamisa; Anoita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa.
6nekuti anoti kuchando, Chiwira panyika; Saizvozvowo kumvura inopfunha-pfunha, Uyewo kumvura inoturuka nesimba.
7Anodzivisa ruoko rwomunhu mumwe nomumwe, Kuti vanhu vose vaakaita vamuzive.
8Panguva iyo zvikara zvinondovanda, Zvichirambira mumapako azvo.
9Dutu remhepo rinobuda pakamuri rezasi; Nechando kurutivi rwokumusoro.
10Mazaya echando anopiwa vanhu nomweya waMwari Uye mvura mhami inogwamba.
11Anozadza makore matema nomwando, Anodhadhanura gore rine mheni yake.
12Rinotendeudzwa nokufambisa kwake, Kuti zviite zvose zvaanozviraira Panyika inogarwa navanhu;
13Anoituma kuti zvimwe ive shamhu, zvimwe ifadze nyika yake, zvimwe iratidze tsitsi yake.
14Teererai shoko iri, nhasi Jobho; Chimbomirai murangarire mabasa anoshamisa aMwari.
15Ko munoziva marairirwo azvo naMwari here, Nokupenyiswa kwemheni yegore rake here?
16Munoziva maturikirwo amakore here, Namabasa anoshamisa aiye akakwana pazivo here?
17Munonzwisisa madziyiro enguvo dzenyu, Kana nyika yakagadzikana nemhepo inobva zasi here?
18Ko mungagona kudhadhanura denga pamwechete naye, Iro rakasimba sechioni-oni chakaumbwa here?
19Tidzidzisei zvatingareva kwaari. Nekuti hatigoni kunyatsoreva nemhaka yerima.
20Ko iye anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Kana ndianiko munhu anoda kumedzwa?
21Zvino vanhu havagoni kutarira chiedza chinopenya kudenga; Asi mhepo ichapfuura, ndokurinatsa.
22Kunaka sokwendarama kunobva kurutivi rwokumusoro; Mwari ane humambo hunotyisa kwazvo.
23Kana ari waMasimbaose, hatigoni kumunzwisisa; ane simba guru-guru; Haangatambudzi pakutonga nokururama kukuru.
24Saka vanhu vanomutya; Haane hanya navane moyo yakachenjera.