Shona

Kabyle: New Testament

Job

40

1Zvino Jehovha akapfuura kupindura Jobho, akati,
2Ko munhu, anokakavara, angaita nharo nowaMasimbaose here? Anoita nharo naMwari ngaapindure.
3Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati
4Tarirai, ndakaderera; ndingakupindurai here? Ndinofumbira muromo wangu.
5Ndakataura kamwe, asi handingapindurizve; Zvirokwazvo kaviri, asi handingapamhidzizve.
6Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari muchamupupuri, akati,
7Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Ndichakubvunzisisa, iwe undipindure.
8Ko iwe unoda kukanganisa kutonga kwangu, Unoda kundipa mhosva, kuti iwe ururamiswe here?
9Iwe unoruoko rwakafanana norwaMwari here? Iwe ungatinhira nenzwi rakafanana nerake here?
10Chizvishongedza zvino noukuru nokukudzwa; Ufukidze nokurumbidzwa noumambo.
11Durura hasha dzako dzinopfachuka; Utarire mumwe nomumwe anozvikudza, umuninipise.
12Tarira mumwe nomumwe anozvikudza, umuderedze. Tsika pasi vakaipa ipapo pavamire.
13Uvavige pamwechete paguruva; Sunga zviso zvavo pakavanda.
14Ipapo ndichareurura kwauri, Ndichiti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.
15Tarira zvino mvuu, yandakaita pamwechete newe; Inodya uswa senzombe.
16Tarira zvino simba rayo riri muchiuno chayo; Kusimba kwayo kuri pamakakava edumbu rayo.
17Inotsvikidza muswe wayo somusidhari; Marunda ezvitumbi zvayo akarukwa-rukwa.
18mafupa ayo akafanana nendarira ine mhango; Mbabvu dzayo dzakafanana namazariro amatare.
19Ndiyo huru pamabasa aMwari; Iye, akaiita, akaipa munondo wayo.
20Zvirokwazvo, makomo anoivigira zvokudya zvayo; Ipapo panotamba mhuka dzose dzesango.
21Inovata pasi pemiti yemirotusi, Pamumvuri wetsanga napamurove.
22Miti yemirotusi inoifukidza nomumvuri wayo; Mikondachando yomurukova inoipoteredza.
23Tarira, kana rwizi rukafema nokunze, haidederi; Haityi, kunyange Joridhani rukazara kusvikira pamuromo wayo.
24Ko munhu ungaibata kana yakarindira here, Kana kuurura mhino dzayo norwauro here?