Shona

Kabyle: New Testament

Joshua

14

1Ndidzo nhaka dzakagamuchirwa navana vaIsiraeri panyika yeKanani, dzavakagoverwa nomupristi Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri.
2Vakagoverwa nhaka yavo nemijenya, sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, nhaka yamarudzi mapfumbamwe nehafu.
3nekuti Mozisi wakange apa marudzi maviri nehafu nhaka yavo mhiri kwaJoridhani; asi vaRevhi haana kuvapa nhaka pakati pavo.
4Nekuti vana vaJosefa vakange vana marudzi maviri; rwaManase norwaEfuremu; havana kupa vaRevhi mugove munyika iyo, asi maguta mavangagara, namafuro awo emombe dzavo nefuma yavo.
5Vana vaIsiraeri vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha, vakakamura nyika.
6Zvino vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari, Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari, Unoziva shoko rakataurwa naJehovha kuna Mozisi munhu waMwari, pamusoro pangu napamusoro pako, paKadheshi-bharinea.
7Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMozisi muranda waJehovha paKadheshi-bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini.
8Asi hama dzangu dzakanga dzakwira neni dzakaodza moyo yavanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomoyo wose.
9Mozisi akapika nomusi uyo, akati, Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nekuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomoyo wako wose.
10Zvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu, sezvaakataura, makore ano ana makumi mana namashanu kubva panguva Jehovha yaakataura shoko iri kuna Mozisi, vaIsiraeri vachafamba murenje; zvino, tarira, nhasi ndava namakore ana makumi masere namashanu.
11Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMozisi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda.
12Naizvozvo zvino chindipa nyika, nyika iyi yamakomo, yakarehwa naJehovha musi iwoyo; nekuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti vaAnaki vakanga varipo namaguta makuru ana masvingo; zvimwe Jehovha uchava neni, ndikagona kuvadzinga, sezvakataurwa naJehovha.
13Ipapo Joshua akamuropafadza, akapa Karebhu mwanakomana waJefune Hebhuroni, ive nhaka yake.
14Naizvozvo Hebhuroni rakazova nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, kusvikira nhasi; nekuti wakange atevera Jehovha Mwari waIsiraeri nomoyo wake wose.
15Zita reHebhuroni pakutanga rakanga riri Kiriati-aribha; iye Aribha wakange ari munhu mukuru pakati pavaAnaki vose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.