Shona

Kabyle: New Testament

Joshua

16

1Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJoridhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti-eri;
2ndokubva Bheti-eri kusvikira paRuzi, ndokupfuura napamuganhu wavaArikiti kusvikira paAtaroti;
3ndokuburukira kumavirazuva kumuganhu wavaJafereti, kusvikira Gezeri, ndokuguma pagungwa.
4Vana vaJosefa, Manase naEfuremu, vakatora nhaka yavo.
5Muganhu wavana vaEfuremu nemhuri dzavo ndiwo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva wakange uri Atarotiadhari, kusvikira paBheti-horoni kumusoro;
6zvino muganhu ndokuenda kumavirazuva paMikimetati kumusoro; zvino muganhu ndokudzoka kumabvazuva kusvikira paTanati-shiro, ndokupfuura ipapo kurutivi rwamabvazuva eJaNowa;
7ndokubva paJaNowa, ndokuburukira Ataroti, neNaara, ndokusvika paJeriko, ndokuguma paJoridhani.
8Kubva paTapua muganhu wakaenda kumavirazuva, kusvikira parukova Kana, ndokuguma pagungwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaEfuremu nemhuri dzavo;
9pamwechete namaguta akanga akakamurirwa vana vaEfuremu pakati penhaka yavana vaManase, maguta ose nemisha yawo.
10havana kudzinga vaKanani vakanga vagere Gezeri; asi vaKanani vakagara pakati pavaEfuremu kusvikira nhasi; vakava vabati vechibharo.