Shona

Kabyle: New Testament

Judges

3

1Zvino ndidzo ndudzi dzakasiiwa naJehovha, kuti aidze vaIsiraeri nadzo, ivo vaIsiraeri vose vakanga vasina kuziva hondo dzose dzapaKanani;
2nemhaka iyochetekuti marudzi avana vaIsiraeri azive, kuti avadzidzise kurwa, ivo vasina kumboziva izvozvo pakutanga,
3vaiti: Madzishe mashanu avaFirisitia, navaKanani vose, navaZidhoni, navaHivhi, vakanga vagere mugomo reRebhanoni, kubva pagomo reBhaariherimoni, kusvikira pavanopinda paHamati.
4Ivo vakasiiwapo, kuti vaIsiraeri vaidzwe navo, kuti kuzikamwe kana vachida kuteerera mirairo yaJehovha yaakanga araira madzibaba avo naMozisi.
5Vana vaIsiraeri vakagara pakati pavaKanani, navaHeti, navaAmori, navaPerizi, navaHivhi, navaJebhusi.
6ivo vakawana vakunda vavo, kuti vave vakadzi vavo, vakapa vanakomana vavo vakunda vavo, vakashumira vamwari vavo.
7Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakakangamwa Jehovha Mwari wavo, vakashumira vaBhaari namatanda okunamata nawo.
8Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa muruoko rwaKushani-rishataimu, mambo weMesopotamia; vana vaIsiraeri vakashumira Kushani-rishataimi makore masere.
9Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akamutsira vana
10Mweya waJehovha akauya pamusoro pake, akatonga vaIsiraeri, akandorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimi, mambo weMesopotamia, muruoko rwake; ruoko rwake rukakunda Kushani-rishataimi.
11Ipapo nyika yakazorora makore ana makumi mana. Otinieri, mwanakomana waKenazi, akafa.
12Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akasimbisa Egironi, mambo waMoabhu, kuti arwe navaIsiraeri, nekuti vakanga vaita zvakaipa pamberi paJehovha.
13Akaunganidza kwaari vana vaAmoni navaAmareki, akandokunda valsiraeri, vakavatorera guta remichindwe.
14Vana vaIsiraeri vakashumira Egironi, mambo waMoabhu, makore ane gumi namasere.
15Asi vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akavamutsira muponesi, iye Ehudhi, mwanakomana waGera, muBhenjamini, munhu waiva neziboshwe; vana valsiraeri vakatumira Egironi, mambo waMoabhu, chipo naye.
16Zvino Ehudhi wakazviitira munondo wakange wakarodzwa kunhivi dzose, wakange wakasvika kubhiti rimwe pakureba kwavo; akausungira pasi penguvo dzake pachidya chorudyi.
17Ipapo akandopa Egironi, mambo waMoabhu, chipo; Egironi wakange ari munhu wakakora kwazvo.
18Zvino wakati apedza kumupa chipo, akaendisa vanhu vakanga vakatakura chipo.
19Asi iye amene wakadzoka pamifananidzo yakavezwa yamabwe paGirigari, akati, Ndine shoko rakavanzika nemwi mambo. Iye akati, Nyararai. Ipapo vose vakanga vamire naye vakabva kwaari.
20Zvino Ehudhi akaswedera kwaari; iye wakange agere ari oga muimba yake inotonhorera; Ehudhi akati, Ndine shoko kwamuri rinobva kuna Mwari. Iye ndokusimuka pachigaro chake.
21Ipapo Ehudhi akatambanudza ruoko rwake rworuboshwe, akavhomora munondo pachidya chake chorudyi, akamubaya nawo nomudumbu rake;
22chibato chikapindawo chichitevera chese, mafuta akadzivira pamusoro pechese, nekuti haana kuvhomora munondo mudumbu rake, mafuta akabuda.
23Zvino Ehudhi akabuda paberere, akapfiga mikova yeimba yokumusoro shure kwake, akaikiya.
24Wakati abuda, varanda vake vakasvika, vakawana mikova yeimba yokumusoro yakapfigwa; vakati, Zvimwe unofukidza makumbo ake paimba yake inotonhorera.
25Zvino vakamira kusvikira vapera mano, asi haana kuzarura mikova yeimba yokumusoro; ipapo vakatora kiyi, vakazarura mukova, vakawana ishe wavo akawira pasi, afa.
26Asi ivo vachanonoka, Ehudhi akapukunyuka, akapfuura mifananidzo yakavezwa yamabwe, akapukunyukira Seira.
27Wakati asvikapo, akaridza hwamanda panyika yamakomo yaEfuremu, vana vaIsiraeri vakaburuka naye panyika yamakomo, iye akavatungamirira.
28Akati kwavari, Nditeverei, nekuti Jehovha wakaisa vaMoabhu, vavengi venyu, mumaoko enyu. Vakaburuka vachimutevera, vakandogarira mazambuko aJoridhani paiyambukira vaMoabhu, vakasatendera munhu mumwe kuyambuka.
29Nenguva iyo vakauraya varume vaMoabhu vanenge zviuru zvine gumi, vose vari varume vane simba novoumhare, hakuna munhu mumwe wakapukunyuka.
30Naizvozvo vaMoabhu vakakundwa musi iwoyo noruoko rwavaIsiraeri, nyika ikazorora makore ana makumi masere.
31Shure kwake kwakanga kuna Shamugari, mwanakomana waAnati, wakauraya kuvaFirisitia vana mazana matanhatu norutanda rwokubaya mombe narwo; iye akaponesawo vaIsiraeri.