Shona

Kabyle: New Testament

Judges

5

1Zvino Dhebhora naBharaki, mwanakomana waAbhinowami, vakaimba nomusi iwoyo, vakati,
2Kudzai Jehovha, nekuti vatungamiriri vakatungamirira vaIsiraeri, nekuti vanhu vakauya nokuda kwavo.
3Inzwai, imwi madzimambo, teererai, imwi machinda;Ini, iyeni, ndichaimbira Jehovha; Ndicharumbidza Jehovha, Mwari waIsiraeri nenziyo.
4Jehovha, pakubuda kwenyu paSeiri, Pakufamba kwenyu muchibva kusango reEdhomu,Nyika yakadedera, uye denga rakadonha, Zvirokwazvo makore akadonha mvura.
5Makomo akayerera pamberi paJehovha, Nairo Sinai pamberi paJehovha Mwari waIsiraeri.
6Pamazuva aShamugara, mwanakomana waAnati, Pamazuva aJaeri, nzira huru dzakanga dzisingafambwi, Vafambi vaifamba nenzira dzinopota-pota.
7Misha yakanga isina vanhu munaIsiraeri, yakanga isina vanhu, Kusvikira ini Dhebhora ndichisimuka, Ndichisimuka ini, mai pakati paIsiraeri.
8Vakazvitsaurira vamwari vatsva; Kurwa kukavapo pamasuwo. Kwakanga kuchionekwa here nhovo kana pfumo pakati pavalsiraeri vane zviuru zvina makumi mana here?
9moyo wangu unorumbidza vabati vaIsiraeri,Avo vakauya nokuda kwavo pakati pavanhu;Kudzai Jehovha!
10Paridzai izvozvo, imwi makatasva mbongoro chena, imwi, mugere pamhasa dzinokosha, Nemi, munofamba nenzira.
11Kure namanzwi avanopfura nouta, pavanoteka mvura,Ndipo pavacharumbidza mabasa akarurama aJehovha, Mabasa akarurama oushe hwake muna Isiraeri. Ipapo vanhu vaJehovha vakaburukira kumasuwo.
12Muka, muka, Dhebhora;Muka, muka, iwe uimbe rwiyo! Simuka Bharaki, utape vatapwa vako, iwe mwanakomana waAbhinowami.
13Ipapo vakanga vakasara vavakuru navanhu vakaburuka, Jehovha wakaburuka nokuda kwangu kuzorwa navane simba.
14Kuna Efuremu ndokwakabva vanomudzi wavo paAmareki, Vachikutevera iwe Bhenjamini pakati pavanhu vako. PaMakiri ndipo pakaburukira varairi, Nokuna Zebhuruni avo vakabata tsvimbo yokukunda.
15Machinda aIsakari akanga ana Dhebhora; Salsakari, ndizvo zvakanga zvakaitawo Bharaki; Vakamhanyira kumupata vachitevera tsoka dzake. Pahova dzaRubheni Pakanga pane mirangariro mikuru yomoyo.
16Wakagarireiko pasi pakati pamatanga ezvipfuwo. Uchiteerera kurira kwenyere dzinoridzirwa makwai?Pahova dzaRubheni Pakanga pano kunzvera kukuru komoyo.
17Giriyadhi wakagara mhiri kwaJoridhani; Newe Dhani, wakagarireiko pazvikepe? Asheri wakagara zvake pamahombekombe egungwa, Wakarambira apo panopinda mvura panyika.
18Zebhuruni ndivanhu vakanga vasingatyi kusvikira parufu, NaNafutari panzvimbo dzenyika dzakakwirira.
19Madzimambo akauya akarwa, Ipapo madzimambo eKanani akarwawo PaTaanaki, pamvura zhinji yeMegidho Havana kuwana fuma yemari.
20Nyeredzi dzakarwa dziri kudenga, Dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo.
21Rwizi Kishoni rwakavakukura, Irwo rwizi rwekare, rwizi Kishoni. Mweya wangu, pfuura nesimba.
22Nguva iyo makumbo amabhiza akarovera pasi Nokumhanya, kuri kumhanya kwavakasimba.
23Tuka Merozi ndizvo zvinotaura mutumwa waJehovha, Tuka zvakaipa avo vageremo. Nekuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha, Kuzobatsira Jehovha pakurwa kwake navane simba.
24Pakati pavakadzi Jaeri ngaarumbidzwe, Iye mukadzi waHebheri muKeni, Ngaarumbidzwe pakati pavakadzi patende.
25Wakakumbira mvura, iye akamupa mukaka; Wakamuvigira mukaka wakafa pandiro yamambo.
26Wakabata mbambo noruoko rwake, Nenyundo yomubati norudyi rwake, Akarova Sisera nenyundo, akaboora musoro wake; Wakarova, akaboora zvavovo zvake.
27Wakakotama patsoka dzake, akawa, Ipapo paakakotama, ndipo paakawira pasi, afa.
28Wakatarira pahwindo, akadana, Mai vaSisera vakadana pautanda hwaro; Ngoro yake inononokereiko kusvika?Makumbo engoro dzake anononokereiko?
29Vakadzi vake, vakakudzwa, vakachenjera, vakamupindura, Naiye amene wakazvipindura, achiti,
30Havana kuwana here zvavakapamba, havana kuzvigovana here? Zvimwe murume mumwe nomumwe unopiwa musikana mumwe, kana vasikana vaviri; Zvimwe Sisera uchapiwa nguvo dzakapambwa dzamavara-vara, nguvo dzakapambwa dzemicheka yakarukwa yamavara-vara, nguvo dzamavara-vara dzakarukwa kunhivi dzose, dzakafanira mitsipa yavakapamba?
31Saizvozvo vavengi venyu vose ngavaparadzwe, Jehovha; Asi ivo vanokudai ngavave sezuva, kana richibuda nesimba raro! Nyika ikazorora makore ana makumi mana.