1Ndudzi dzinoitireiko bope, Navanhu vanofungireiko zvisina maturo?
2Madzimambo enyika anozvigadzira, Navabati vanorangana, Kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti,
3Ngatidambure zvisungo zvavo, Ngatirashe mabote avo abve kwatiri.
4Iye, agere kudenga-denga, achaseka; Ishe achavadadira.
5Ipapo achataura kwavari pakutsamwa kwake, Nokuvavhundusa pahasha dzake huru;
6Kunyange zvakadaro ndakagadza mambo wangu paZiyoni, iro gomo rangu dzvene.
7Ndichaparidza chirevo, chinoti, Jehovha akati kwandiri, Ndiwe mwanakomana wangu; Nhasi ndakubereka.
8Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, Nemigumo yenyika zvive zvako.
9Muchavapwanya netsvimbo youtare; Muchavaputsanya sehari yomuumbi.
10Zvino chivai nenjere, imwi madzimambo; Munyeverwe, imwi vatongi venyika.
11Shumirai Jehovha nokutya, mufare muchidedera.
12Tsvodai mwanakomana, arege kutsamwa, mufire panzira, nekuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakakomborerwa vose vanovimba naye.