1Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemi; Ndiponesei kuna vose vanonditeverera, mundirwire;
2Kuti arege kubvambura mweya wangu seshumba, aubvamburanye, ndichishaiwa anondirwira.
3Jehovha Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvozvi; Kana zvakaipa zvirimo mumaoko angu;
4Kana ndichinge ndakaitira zvakaipa munhu aiva noukama neni; (Izvo, ndakanunura waiva mudzivisi wangu pasina mhosva;)
5Muvengi ngaateverere mweya wangu, aubate; Ngaatsikire upenyu hwangu pasi, Aise kukudzwa kwangu muguruva.
6Mukai mundirwire Jehovha pakutsamwa kwenyu; mukirai hasha dzavadzivisi vangu; Mumuke nokuda kwangu; ndimwi makaraira kuti zvakarurama zviitwe.
7Ungano yendudzi dzavanhu ngaikupoteredzei; Mudzokere kumusoro pamusoro pavo.
8Jehovha anotonga ndudzi dzavanhu; Nditongei Jehovha sokururama kwangu, uye nechokwadi zviri mandiri.
9Haiwa, kuipa kwavakaipa ngakugume, asi simbisai akarurama; nekuti Mwari akarurama anoidza moyo netsvo.
10nhovo yangu iri kuna Mwari, Iye anoponesa vane moyo yakarurama.
11Mwari unotonga vakarurama, Zvirokwazvo, ndiMwari unotsamwira wakaipa zuva rimwe nerimwe.
12Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; Akakunga uta hwake, akahugadzira.
13Akamugadzirirawo nhumbi dzokuuraya nadzo; Anoitira vadzingiriri miseve inopisa.
14Tarira, anotambudzika pakubereka zvakaipa; Zvirokwazvo, akava nemimba yezvakashata, akabereka nhema.
15Akachera hunza, akaidzikisa, Akawira mugomba raakachera iye.
16Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake amene, Uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro pedehenya rake.
17Ndichavonga Jehovha nokuda kokururama kwake; Ndichaimbira zita raJehovha Wekumusoro-soro.