Shona

Kabyle: New Testament

Zechariah

10

1Kumbirai kuna Jehovha mvura nenguva yemvura yokupedzisira, achavapa mvura inonaya kwazvo, mumwe nomumwe ave nezvinomera mumunda.
2nekuti terafimi dzakataura zvisina maturo, vavuki vakaona nhema, vakaudza vanhu kurota kwenhema, vanovaraidza pasina; saka vanozviindira samakwai, vanotambudzika nokushaiwa mufudzi.
3Kutsamwa kwangu kwakamukira vafudzi, ndicharova mutungamiriri; nekuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake, iyo imba yaJudha, achavaita sebhiza rake rakanaka pakurwa.
4Kwaari kuchabva ibwe rekona, kwaari mbambo, kwaari uta bwehondo, kwaari vabati vose pamwechete.
5Vachava semhare dzinotsika vavengi vadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; vacharwa nekuti Jehovha anavo; vatasvi vamabhiza vachanyadziswa.
6Ndichasimbisa imba yaJudha, ndichaponesa imba yaJosefa, nokuvadzoserazve, nekuti ndichavanzwira nyasha; vachava savanhu vasina kurashwa neni; nekuti ndini Jehovha Mwari wavo, ndichavanzwa.
7VaEfuremu vachava segamba rehondo, mwoyo yavo ichafara savanhu vakabatwa newaini; zvirokwazvo vana vavo vachazviona, vakafara; mwoyo yavo ichafara munaJehovha.
8Ndichavaridzira muridzo, ndivaunganidze; nekuti ndakavadzikunura; vachawanda sezvavaiwanda kare.
9Ndichavakusha pakati pendudzi dzavanhu; vachandirangarira kunyika dziri kure; vachararama pamwechete navana vavo, vakadzoka.
10Uye ndichavadzosa panyika ndichavaunganidza ndichavabvisa paAsiria; ndichavasvitsa kunyika yeGiriyadhi neRebhanoni; vachashaiwa pokugara.
11Vachafamba nomugungwa rokutambudzika, acharova mafungu mugungwa, pakadzika pose muNairi pachapwa; kuzvikudza kweAsira kuchaderedzwa, tsvimbo youshe yeEgipita ichabviswa.
12Ndichavasimbisa muna Jehovha, vachafamba muzita rangu, ndizvo zvinotaura Jehovha.