1Zvino usiku uhwo mambo akashaiwa hope, akaraira kuti vauye nebhuku yamashoko aMakoronike, akaravirwa mambo.
1이 밤에 왕이 잠이 오지 아니하므로 명하여 역대 일기를 가져다가 자기 앞에서 읽히더니
2Vakawana kuti pakanyorwa kuti Modhekai akadeya kuzivisa mashoko aBhigitana naTereshi, varanda vaviri vamambo pakati pavarindi vomukova, vakatsvaka kuuraya mambo Ahashivheroshi.
2그 속에 기록하기를 문 지킨 왕의 두 내시 빅다나와, 데레스가 아하수에로왕을 모살하려 하는 것을 모르드개가 고발하였다 하였는지라
3Ipapo mambo akati, Modhekai akakudzwa nokurumbidzwa seiko pamusoro pechinhu ichi? Varanda vamambo vaimubatira vakati, Haana chaakaitirwa.
3왕이 가로되 `이 일을 인하여 무슨 존귀와 관작을 모르드개에게 베풀었느냐 ?' 시신이 대답하되 `아무 것도 베풀지 아니하였나이다'
4Mambo akati, Ndianiko uri paruvanze? Zvino Hamani akanga apinda paruvanze rwokunze kweimba yamambo, achida kukumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe namatanda aakanga amugadzirira.
4왕이 가로되 `누가 뜰에 있느냐 ?' 마침 하만이 자기가 세운 나무에 모르드개 달기를 왕께 구하고자 하여 왕궁 바깥 뜰에 이른지라
5Varanda vamambo vakati kwaari, Tarirai Hamani umire paruvanze. Mambo akati, Ngaapinde.
5시신이 고하되 `하만이 뜰에 섰나이다' 왕이 가로되 `들어오게 하라' 하니
6Naizvozvo Hamani akapinda. Mambo akati kwaari, Munhu, mambo waanoda kumukudza, angaitirweiko? Zvino Hamani akati mumoyo make, Mambo vangada kukudza aniko, asi ini?
6하만이 들어오거늘 왕이 묻되 `왕이 존귀케 하기를 기뻐하는 사람에게 어떻게 하여야 하겠느뇨' 하만이 심중에 이르되 '왕이 존귀케 하기를 기뻐하시는 자는 나 외에 누구리요'하고
7Hamani akati kuna mambo, Iye munhu, mambo waanoda kukudza,
7왕께 아뢰되 `왕께서 사람을 존귀케 하시려면
8ngaatorerwe nguvo dzoushe, idzo dzinosifukwa namambo, nebhiza rinositasva namambo, nekorona youshe inosidzikwa pamusoro wake;
8왕의 입으시는 왕복과 왕의 타시는 말과 머리에 쓰시는 왕관을 취하고
9zvino nguvo nebhiza ngazviiswe pamaoko omumwe wamachinda amambo anokudzwa kwazvo, kuti vafukidze munhu uyo, mambo waanoda kukudza, vagomufambisa munzira dzomuguta, akatasva bhiza, vadanidzire pamberi pake, vachiti, Munhu, mambo waanoda kukudza, ngaaitirwe saizvozvo.
9그 왕복과 말을 왕의 방백 중 가장 존귀한 자의 손에 붙여서 왕이 존귀케 하시기를 기뻐하시는 사람에게 옷을 입히고 말을 태워서 성중 거리로 다니며 그 앞에서 반포하여 이르기를 왕이 존귀케 하기를 기뻐하시는 사람에게는 이같이 할 것이라 하게 하소서'
10Ipapo mambo akati kuna Hamani, Chimbidzika utore nguvo nebhiza, sezvawataura, undoitira Modhekai muJudha saizvozvo, iye agere pasuwo ramambo; usarega shoko rimwe pamashoko ose awataura.
10이에 왕이 하만에게 이르되 `너는 네 말대로 속히 왕복과 말을 취하여 대궐 문에 앉은 유다 사람 모르드개에게 행하되 무릇 네가 말한 것에서 조금도 빠짐이 없이 하라'
11Zvino Hamani akatora nguvo nebhiza, akafukidza Modhekai, akamufambisa panzira dzomuguta akatasva bhiza, akadanidzira pamberi pake, achiti, Ndizvo zvichaitirwa munhu uyo mambo waanoda kukudza.
11하만이 왕복과 말을 취하여 모르드개에게 옷을 입히고 말을 태워 성중 거리로 다니며 그 앞에서 반포하되 `왕이 존귀케 하시기를 기뻐하시는 사람에게는 이같이 할 것이라' 하니라
12Zvino Modhekai akadzokera kusuwo ramambo. Asi Hamani akachimbidzika kuenda kumba kwake achichema, akafukidza musoro wake.
12모르드개는 다시 대궐 문으로 돌아오고 하만은 번뇌하여 머리를 싸고 급히 집으로 돌아와서
13Hamani akarondedzera kuna Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose zvose zvaakaitirwa. Ipapo shamwari dzake dzakangwara naZereshi mukadzi wake vakati kwaari, Kana Modhekai uyu wawakatanga kuwa pamberi pake ari worudzi rwavaJudha, haungakundi, asi zvirokwazvo uchawa pamberi pake.
13자기의 당한 모든 일을 그 아내 세레스와 모든 친구에게 고하매 그 중 지혜로운 자와 그 아내 세레스가 가로되 `모르드개가 과연 유다 족속이면 당신이 그 앞에서 굴욕을 당하기 시작하였으니 능히 저를 이기지 못하고 분 명히 그 앞에 엎드러지리이다'
14Vakati vachataura naye, varanda vamambo vakasvika, vakachimbidzika kuenda naHamani kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri.
14아직 말이 그치지 아니하여서 왕의 내시들이 이르러 하만을 데리고 에스더의 베푼 잔치에 빨리 나아가니라