1Zvino nomwedzi wegumi nemiviri,iwo mwedzi weAdhari, nezuva regumi namatatu, nguva yakati yaswedera yokuti murayiro wamambo nechirevo chake zviitwe, pazuva rakafunga vavengi vavaJudha kuvamukira naro; asi zvakashandurwa, nekuti vaJudha vakamukira vavengi vavo;
1아달월 곧 십이월 십 삼일은 왕의 조명을 행하게 된 날이라 유다인의 대적이 저희를 제어하기를 바랐더니 유다인이 도리어 자기를 미워하는 자를 제어하게 된 그 날에
2vaJudha vakaungana pamaguta avo pamativi ose enyika dzamambo Ahashivheroshi, kuti vauraye avo vakatsvaka kuvaitira zvakaipa; hakuna akanga achigona kuvadzivisa, nekuti vanhu vose vakavatya.
2유다인들이 아하수에로왕의 각 도, 각 읍에 모여 자기를 해하고자 하는 자를 죽이려 하니 모든 민족이 저희를 두려워 하여 능히 막을 자가 없고
3Machinda ose amativi enyika, namachinda makuru, navabati, vaibata basa ramambo, vakabatsira vaJudha; nekuti vakatya Modhekai.
3각 도 모든 관원과 대신과 방백과 왕의 사무를 보는 자들이 모르드개를 두려워하므로 다 유다인을 도우니
4nekuti Modhekai akanga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakanga yasvika kumativi ose enyika; nekuti murume uyu Modhekai akaramba achikura.
4모르드개가 왕궁에서 존귀하여 점점 창대하매 이 사람 모르드개의 명성이 각 도에 퍼지더라
5VaJudha vakaparadza vavengi vavo vose, nokuvatema neminondo, nokuvauraya, nokuvaparadza, vakaitira vavengi vavo sezvavaida.
5유다인이 칼로 그 모든 대적을 쳐서 도륙하고 진멸하고 자기를 미워하는 자에게 마음대로 행하고
6NapaShushani nhare yamambo, vaJudha vakauraya nokuparadza varume vana mazana mashanu.
6유다인이 또 도성 수산에서 오백인을 죽이고 멸하고
7Parishandata, naDharifoni, naAsipata,
7또 바산다다와, 달본과, 아스바다와
8naPorata, naAdharia, naAridhata,
8보라다와, 아달리야와, 아리다다와
9naParimashita, naArisai, naAridhai, naVaizata,
9바마스다와, 아리새와, 아리대와, 왜사다
10ivo vanakomana vane gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha, vakavaurayawo; asi havana kupambara nhumbi dzavo.
10곧 함므다다의 손자요, 유다인의 대적 하만의 열 아들을 죽였으나 그 재산에는 손을 대지 아니하였더라
11Pazuva iro kuwanda kwavakaurawa paShushani nhare yamambo kwakaverengwa kukaiswa kuna mambo.
11그 날에 도성 수산에서 도륙한자의 수효를 왕께 고하니
12Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, VaJudha vauraya nokuparadza paShushani nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chinyiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa.
12왕이 왕후 에스더에게 이르되 `유다인이 도성 수산에서 이미 오백인을 죽이고 멸하고 또 하만의 열 아들을 죽였으니 왕의 다른 도에서는 어떠하였겠느뇨 이제 그대의 소청이 무엇이뇨 곧 허락하겠노라 그대의 요구가 무엇이뇨 또한 시행하겠노라'
13Ipapo Esiteri akati, Kana mambo achifara nazvo, vaJudha vari paShushani ngavatenderwe kuita mangwanawo nechirevo chanhasi, navanakomana vaHamani vane gumi vasungirirwe pamatanda.
13에스더가 가로되 `왕이 만일 선히 여기시거든 수산에 거하는 유다인으로 내일도 오늘날 조서대로 행하게 하시고 하만의 열 아들의 시체를 나무에 달게 하소서'
14Ipapo mambo akaraira kuti zviitwe saizvozvo; chirevo chikatemwa paShushani, vakasungurira vanakomana vaHamani vane gumi.
14왕이 그대로 행하기를 허락하고 조서를 내리니 하만의 열 아들의 시체가 달리니라
15VaJudha vaiva paShushani vakaunganazve nezuva regumi namana romwedzi weAdhari, vakauraya varume vana mazana matatu paShushani, asi havana kupambara nhumbi.
15아달월 십 사일에도 수산에 있는 유다인이 모여 또 삼백인을 수산에서 도륙하되 그 재산에는 손을 대지 아니하였고
16Navamwe vaJudha vaiva pamativi enyika yamambo vakaungana, vakarwira upenyu hwavo, vakazorora pavavengi vavo, vakauraya pakati pavavengi vavo vane zviuru zvina makumi manomwe nezvishanu; asi havana kupambara nhumbi.
16왕의 각 도에 있는 다른 유다인들이 모여 스스로 생명을 보호하여 대적들에게서 벗어나며 자기를 미워하는 자 칠만 오천인을 도륙하되 그 재산에는 손을 대지 아니하였더라
17Izvozvo zvakaitwa nezuva regumi namatatu romwedzi weAdhari, vakazorora nezuva regumi namana, vakariita zuva romutambo neromufaro.
17아달월 십 삼일에 그 일을 행하였고 십 사일에 쉬며 그 날에 잔치를 베풀어 즐겼고
18Asi vaJudha vaiva paShushani vakaungana pazuva regumi namatatu napazuva regumi namana romwedzi iwoyo; nezuva regumi namashanu romwedzi uyo vakazorora, vakariita zuva romutambo neromufaro.
18수산에 거한 유다인은 십 삼일과 십 사일에 모였고 십 오일에 쉬며 이 날에 잔치를 베풀어 즐긴지라
19Naizvozvo vaJudha vemisha, vanogara pamisha isina kukombwa namasvingo, vanoita zuva regumi namana romwedzi weAdhari zuva romufaro neromutambo, uye zuva rakanaka, nerokutumirana zvinonaka.
19그러므로 촌촌의 유다인 곧 성이 없는 고을 고을에 거하는 자들이 아달월 십사일로 경절을 삼아 잔치를 베풀고 즐기며 서로 예물을 주더라
20Zvino Modhekai akanyora zvinhu izvo, akatuma tsamba kuvaJudha vose vakanga vari pamativi ose enyika yamambo Ahashivheroshi, pedo nokure,
20모르드개가 이 일을 기록하고 아하수에로왕의 각 도에 있는 모든 유다인에게 무론 원근하고 글을 보내어 이르기를
21akavaraira kuti varangarire zuva iro regumi namana romwedzi weAdhari, nezuva regumi namashanu rawo, gore rimwe nerimwe,
21`한 규례를 세워 해마다 아달월 십 사일과 십 오일을 지키라
22nekuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nookutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo.
22이 달 이 날에 유다인이 대적에게서 벗어나서 평안함을 얻어 슬픔이 변하여 기쁨이 되고 애통이 변하여 길한 날이 되었으니 이 두 날을 지켜 잔치를 베풀고 즐기며 서로 예물을 주며 가난한 자를 구제하라' 하매
23VaJudha vakatenda kuita nomutowo wavakatanga nawo, sezvavakanyorerwa naModhekai;
23유다인이 자기들의 이미 시작한대로 또는 모르드개의 보낸 글대로 계속하여 행하였으니
24nekuti Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha vose akanga afunga zano rokuparadza vaJudha, akakanda Puri, ndiyo mijenya, kuvapedza nokuvaparadza;
24곧 아각 사람 함므다다의 아들 모든 유다인의 대적 하만이 유다인을 진멸하기를 꾀하고 부르 곧 제비를 뽑아 저희를 죽이고 멸하려 하였으나
25asi shoko iri rakati richisvika kuna mambo, iye ndokuraira netsamba kuti zano iri rake rakaipa raakafunga pamusoro pavaJudha, ridzoserwe pamusoro wake, uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda.
25에스더가 왕의 앞에 나아감을 인하여 왕이 조서를 내려 하만이 유다인을 해하려던 악한 꾀를 그 머리에 돌려 보내어 하만과 그 여러 아들을 나무에 달게 하였으므로
26Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose etsamba iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa,
26무리가 부르의 이름을 좇아 이 두 날을 부림이라 하고 유다인이 이 글의 모든 말과 이 일에 보고 당한 것을 인하여
27vaJudha vakatema chirevo vakazvisunga, kuti ivo navana vavo, navose vaizozviisa kwavari, havangatongoregi kurangarira mazuva iwayo maviri, sezvakanga zvanyorwa pamusoro pawo, uye panguva yakanga yatarwa gore rimwe nerimwe;
27뜻을 정하고 자기와 자손과 자기와 화합한 자들이 해마다 그 기록한 정기에 이 두 날을 연하여 지켜 폐하지 아니하기로 작정하고
28uye kuti mazuva iwayo arangarirwe nokutambwa pakati porudzi rumwe norumwe, nemhuri imwe neimwe, norutivi rumwe norumwe rwenyika neguta rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo ePurimi arege kutongoregwa pakati pavaJudha, arangarirwe nokusingaperi pakati pavana vavo.
28각 도, 각 읍, 각 집에서 대대로 이 두 날을 기념하여 지키되 이 부림일을 유다인 중에서 폐하지 않게 하고 그 자손 중에서도 기념함이 폐하지 않게 하였더라
29papo vahosi Esiteri, mukunda waAbhihairi, naModhekai muJudha, vakanyora nesimba ravo rose vakasimbisa tsamba iyo yechipiri yePurimi.
29아비하일의 딸 왕후 에스더와 유다인 모르드개가 전권으로 글을 쓰고 부림에 대한 이 둘째 편지를 굳이 지키게 하되
30Akatuma tsamba kuvaJudha, vose vakanga vari pamativi ane zana namakumi maviri namanomwe enyika yamambo Ahashivheroshi, akanga ana mashoko orugare nechokwadi,
30화평하고 진실한 말로 편지를 써서 아하수에로의 나라 일백 이십 칠도에 있는 유다 모든 사람에게 보내어
31kuzosimbisa mazuva iwayo ePurimi panguva dzawo dzakatarwa, sezvavakarairwa naModhekai muJudha navahosi Esiteri, uye sezvavakanga vazvisunga ivo navana vavo pamusoro peshoko rokutsanya nerokuchema kwavo.
31정한 기한에 이 부림일을 지키게 하였으니 이는 유다인 모르드개와 왕후 에스더의 명한 바와 유다인이 금식하며 부르짖은 것을 인하여 자기와 자기 자손을 위하여 정한 바가 있음이더라
32Murayiro waEsiteri ukasimbisa mashoko iwayo ePurimi; zvikanyorwa mubhuku.
32에스더의 명령이 이 부림에 대한 일을 견고히 하였고 그 일이 책에 기록되었더라