Shona

Korean

Ezra

10

1Zvino Ezira akati achinyengetera, achizvireurura, achichema nokuzviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru-huru yavarume navakadzi navana vavaIsiraeri vakaungana kwaari; nekuti vanhu vakachema zvikuru kwazvo,
1에스라가 하나님의 전 앞에 엎드려 울며 기도하여 죄를 자복할 때에 많은 백성이 심히 통곡하매 이스라엘 중에서 백성의 남녀와 어린 아이의 큰 무리가 그 앞에 모인지라
2Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wavanakomana vaErami, akapindura, akati kuna Ezira, Takatadzira Mwari wedu zvatakawana vakadzi vatorwa vendudzi dzenyika iyi; kunyange zvakadaro vaIsiraeri vachine tariro pamusoro pechinhu ichi.
2엘람 자손 중 여히엘의 아들 스가냐가 에스라에게 이르되 `우리가 우리 하나님께 범죄하여 이 땅 이방 여자를 취하여 아내를 삼았으나 이스라엘에게 오히려 소망이 있나니
3Naizvozvo zvino ngatiite sungano naMwari wedu, tibvise vakadzi ava vose, navana vakaberekwa navo, sezvatakarairwa nashe wangu, uye navanobvundiswa nomurayiro waMwari wedu; ngazviitwe sezvinoreva mirairo.
3곧 내 주의 교훈을 좇으며 우리 하나님의 명령을 떨며 준행하는 자의 의논을 좇아 이 모든 아내와 그 소생을 다 내어 보내기로 우리 하나님과 언약을 세우고 율법대로 행할 것이라
4Simukai, nekuti ndimi mune basa iri, isu tinemi; tsungai moyo, muzviite.
4이는 당신의 주장할 일이니 일어나소서 우리가 도우리니 힘써 행하소서'
5Ipapo Ezira akasimuka, akapikisa vakuru vavapristi, navaRevhi, navaIsiraeri vose, kuti vachaita neshoko iri. Ivo vakapika.
5이에 에스라가 일어나 제사장들과 레위 사람들과 온 이스라엘에게 이 말대로 행하기를 맹세하게 하매 무리가 맹세하는지라
6Ipapo Ezira akasimuka, akabva pamberi peimba yaMwari, akapinda mukamuri yaJohwanani mwanakomana waEriashibhi; akagarapo, akasadya zvokudya, kana kumwa mvura; nekuti akanga achichema pamusoro pokudarika kwavatapwa.
6이에 에스라가 하나님의 전 앞에서 일어나 엘리아십의 아들 여호하난의 방으로 들어가니라 저가 들어가서 사로잡혔던 자의 죄를 근심하여 떡도 먹지 아니하며 물도 마시지 아니하더니
7Vakaparidza shoko kuvatapwa vose pose-pose paJudha napaJerusaremu;
7유다와 예루살렘의 사로잡혔던 자의 자손들에게 공포하기를 `너희는 예루살렘으로 모이라
8uye kuti ani naani asina kuuya mazuva matatu agere kupera, sezvakanga zvarairwa namachinda navakuru, fuma yake yose itorwe idyiwe, naiye amene abudiswe paungano yavatapwa.
8누구든지 방백들과 장로들의 훈시를 좇아 삼일 내에 오지 아니하면 그 재산을 적몰하고 사로잡혔던 자의 회에서 쫓아내리라' 하매
9Ipapo varume vose vaJudha naBhenjamini vakaungana paJerusaremu mazuva matatu agere kupera; wakange uri mwedzi wepfumbamwe, nezuva ramakumi maviri romwedzi; vanhu vose vakagara padare pamberi peimba yaMwari, vachibvunda pamusoro peshoko iro napamusoro pemvura zhinji yainaya.
9유다와 베냐민 모든 사람이 삼일 내에 예루살렘에 모이니 때는 구월 이십일이라 무리가 하나님의 전 앞 광장에 앉아서 이 일과 비를 인하여 떨더니
10Ipapo mupristi Ezira akasimuka, akati kwavari, Imi makadarika, mukawana vakadzi vatorwa, mukanyanyisa mhosva yaIsiraeri.
10제사장 에스라가 일어서서 저희에게 이르되 `너희가 범죄하여 이방 여자로 아내를 삼아 이스라엘의 죄를 더하게 하였으니
11Naizvozvo zvino chizvireururai pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba enyu, mumufadze; muzviraure kuvanhu venyika ino navakadzi vatorwa.
11이제 너희 열조의 하나님 앞에서 죄를 자복하고 그 뜻대로 행하여 이 땅 족속들과 이방 여인을 끊어 버리라'
12Ipapo ungango yose yakapindura, ikati nenzwi guru, Sezvamataura pamusoro pedu, ndizvo zvatinofanira kuita.
12회 무리가 큰 소리로 대답하여 가로되 `당신의 말씀대로 우리가 마땅히 행할 것이니이다
13Asi vanhu vazhinji, uye inguva yokunaya kwemvura zhinji, hatigoni kumira kunze; basa iri harizi rezuva rimwe, kana mazuva maviri, nekuti takadarika kwazvo pachinhu ichi.
13그러나 백성이 많고 또 큰 비가 내리는 때니 능히 밖에 서지 못할 것이요 우리가 이 일로 크게 범죄하였은즉 하루 이틀에 할 일이 아니오니
14Zvino machinda edu ngaagadzwe paungano yose, kuti vose vakawana vakadzi vatorwa pamaguta edu, vauye panguva dzakatarwa navakuru veguta rimwe nerimwe, navatongi varo, kusvikira kutsamwa kukuru kwaMwari wedu kwabviswa kwatiri, kusvikira mhaka iyi yapera.
14이제 온 회중을 위하여 우리 방백들을 세우고 우리 모든 성읍에 이방 여자에게 장가든 자는 다 기한에 본성 장로들과 재판장과 함께 오게하여 우리 하나님의 이 일로 인하신 진노가 우리에게서 떠나게 하소서' 하나
15Asi Jonatani mwanakomana waAsaheri, naJazeya mwanakomana waTikivha, ivo voga va karamba chinhu ichi; Meshurami nomuRevhi Shabhetai vakasimbisa.
15오직 아사헬의 아들 요나단과 디과의 아들 야스야가 일어나 그 일을 반대하고 므술람과 레위 사람 삽브대가 저희를 돕더라
16Vatapwa vakaita saizvozvo Ezira mupristi, navamwe vavakuru vedzimba dzamadzibaba, vakatsaurwa nedzimba dzamadzibaba avo, navose vavo namazita avo; vakaungana nezuva rokutanga romwedzi wegumi kunzvera chinhu icho.
16사로잡혔던 자의 자손이 그대로 한지라 제사장 에스라가 그 종족을 따라 각기 지명된 족장 몇 사람을 위임하고 시월 초하루에 앉아 그 일을 조사하여
17Vakapedza navarume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa nezuva rokutanga romwedzi wokutanga.
17정월 초하루에 이르러 이방 여인을 취한 자의 일 조사하기를 마치니라
18Napakati pavanakomana vavapristi vakawana vamwe vakanga vawana vakadzi vatorwa. Pakati pavanakomana vaJeshua vaiti mwanakomana waJozadhaki nehama dzake, Maaseya, naEriezeri, naJaribhi, naGedharia.
18제사장의 무리 중에 이방 여인을 취한 자는 예수아 자손 중 요사닥의 아들과, 그 형제 마아세야와, 엘리에셀과, 야립과, 그달랴라
19Vakapika noruoko rwavo, kuti vacharega vakadzi vavo; uye, zvavakanga vane mhosva, vakabayira gondobwe ramakwai pamusoro pemhosva yavo.
19저희가 다 손을 잡아 맹세하여 그 아내를 보내기로 하고 또 그 죄를 인하여 수양 하나를 속건제로 드렸으며
20Pakati pavanakomana vaImeri, Hanani naZebhadhia.
20또 임멜 자손 중에는 하나니와, 스바댜요
21Pakati pavanakomana vaHarimi: Maaseya, naEria, naShemaya naJehieri, naUziya.
21하림 자손 중에는 마아세야와, 엘리야와, 스마야와, 여히엘과, 웃시야요
22Pakati pavanakomana vaPashuri: Erioenai, naMaaseya, naIshimaeri, naNetaneri, naJozabhadhi, naErasha.
22바스훌 자손 중에는 엘료에내와, 마아세야와, 이스마엘과, 느다넬과, 요사밧과, 엘라사였더라
23Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, naShimei, naKeraya (ndiye Kerita), naPetahia, naJudha, naEriezeri.
23레위 사람 중에는 요사밧과, 시므이와, 글라야라 하는 글리다와, 브다히야와, 유다와, 엘리에셀이었더라
24Pakati pavaimbi: Eriashibhi; napakati pavarindi vemikova: Sharumi, naTeremi, naUri.
24노래하는 자 중에는 엘리아십이요 문지기 중에는 살룸과, 델렘과, 우리였더라
25Napakati paIsiraeri: pakati pavanakomana vaParoshi: Ramia, naIzia, naMarikiya, naMiyamini, naEreazari, naMirikiya, naBhenaya.
25이스라엘 중에는 바로스 자손 중 라먀와, 잇시야와, 말기야와, 미야민과, 엘르아살과, 말기야와, 브나야요,
26Pakati pavanakomana vaErami: Matania, naZekariya, naJehieri, naAbhidhi, naJeremoti, naEria.
26엘람 자손 중 맛다냐와, 스가랴와, 여히엘과, 압디와, 여레못과, 엘리야요,
27Pakati pavanakomana vaZatu, Erioenai, naEriashibhi, naMatania, naJeremoti, naZabhahi, naAziza.
27삿두 자손 중 엘료에내와, 엘리아십과, 맛다냐와, 여레못과, 사밧과, 아시사요,
28Pakati pavanakomana vaBhebhai: Jehohanani, naHanania, naZabhai, naAtirai.
28베배 자손 중 여호하난과, 하나냐와, 삽배와, 아들래요,
29Pakati pavanakomana vaBhani: Meshurami, naMaruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari, naJeremoti.
29바니 자손 중 므술람과, 말룩과, 아다야와, 야숩과, 스알과, 여레못이요,
30Pakati pavanakomana vaPahatimoabhi: Adhana, naKerari, naBhenaya, naMaaseya, naMatania, naBhezareri, naBhinui, naManase.
30바핫모압 자손 중 앗나와, 글랄과, 브나야와, 마아세야와, 맛다냐와, 브사렐과, 빈누이와, 므낫세요,
31Pakati pavanakomana vaHarimi: Eriezeri, naIsishiya, naMarikiya, naShemaya, naShimeoni;
31하림 자손 중 엘리에셀과, 잇시야와, 말기야와, 스마야와, 시므온과,
32naBhenjamini, naMaruki, naShemaria.
32베냐민과, 말룩과, 스마랴요,
33Pakati pavanakomana vaHashumi: Matenai, naMatata, naZabhadhi, naErifureti, naJeremai, naManase, naShimei.
33하숨 자손 중 맛드내와, 맛닷다와, 사밧과, 엘리벨렛과, 여레매와, 므낫세와, 시므이요,
34Pakati pavanakomana vaBhani: Maadhai, naAmirami, naUeri;
34바니 자손 중 마아대와, 아므람과, 우엘과,
35naBhenaya, naBhedheya, naKeruhi;
35브나야와, 베드야와, 글루히와,
36vaVhania, naMeremoti, naEriashibhi;
36와냐와, 므레못과, 에랴십과,
37naMatania, naMatenai, naJaasu;
37맛다냐와, 맛드내와, 야아수와,
38naBhani, naBhinui, naShimei;
38바니와, 빈누이와, 시므이와,
39naSheremia, naNatani, naA dhaya;
39셀레먀와, 나단과, 아다야와,
40naMakinedhabhai, naShashai, naSharai;
40막나드배와, 사새와, 사래와,
41naAzareri, naSheremia, naShemaria;
41아사렐과, 셀레먀와, 스마랴와,
42naSharumi, naAmaria, naJosefa.
42살룸과, 아마랴와, 요셉이요,
43Pakati pavanakomana vaNebho: Jeieri, naMatitia, naZabhadhi, naZebhina, naIdho, naJoeri, naBhenaya.
43느보 자손 중 여이엘과, 맛디디야와, 사밧과, 스비내와, 잇도와, 요엘과, 브나야였더라
44Ava vose vakanga vawana vakadzi vatorwa; vamwe vavo vakanga vaberekerwa vana navakadzi vavo.
44이상은 모두 이방 여인을 취한 자라 그 중에 자녀를 낳은 여인도 있었더라