Shona

Korean

Isaiah

39

1Zvino nenguva iyo Merodhaki bharadhani mwanakomana wa Bharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nekuti akanga anzwa kuti airwara akaporazve.
1그 때에 발라단의 아들 바벨론 왕 므로닥발라단이 히스기야가 병들었다가 나았다 함을 듣고 글과 예물을 보낸지라
2Hezekia akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuhwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
2히스기야가 사자를 인하여 기뻐하여 그에게 궁중 보물 곧 은금과 향료와 보배로운 기름과 모든 무기고와 보물고에 있는 것을 다 보였으니 궁중의 소유와 전 국내의 소유를 보이지 아니한 것이 없은지라
3Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, Varume ava vakati kudiniko? Vakasvika kwauri vachibvepi? Hezekia akati, Vakanga vabva kunyika iri kure, Bhabhironi vachiuya kwandiri.
3이에 선지자 이사야가 히스기야왕에게 나아와 묻되 그 사람들이 무슨 말을 하였으며 어디서 왕에게 왔나이까 히스기야가 가로되 그들이 원방 곧 바벨론에서 내게 왔나이다
4Ipapo akati, Vakaonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati, Vakaona zvose zviri mumba mangu; hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza.
4이사야가 가로되 그들이 왕의 궁전에서 무엇을 보았나이까 히스기야가 대답하되 그들이 내 궁전에 있는 것을 다 보았나이다 내 보물은 보이지 아니한 것이 하나도 없나이다
5Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, Inzwa shoko raJehovha wehondo,
5이사야가 히스기야에게 이르되 왕은 만군의 여호와의 말씀을 들으소서
6Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi, zvichaiswa Bhabhironi, hakuna chinhu chichasiiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
6보라 날이 이르리니 네 집에 있는 모든 소유와 네 열조가 오늘 까지 쌓아둔 것이 모두 바벨론으로 옮긴 바 되고 남을 것이 없으리라 여호와의 말이니라
7Vamwe vanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.
7또 네게서 날 자손 중에서 몇이 사로잡혀 바벨론 왕궁의 환관이 되리라 하셨나이다
8Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, Shoko raJehovha ramataura rakanaka haro. Akatiwo, nekuti rugare nezvokwadi zvichavapo pamazuva angu.
8히스기야가 이사야에게 이르되 당신의 이른바 여호와의 말씀이 좋소이다 또 가로되 나의 생전에는 평안과 견고함이 있으리로다 하니라