1Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha negore regumi raZedhekia mambo waJudha, riri gore regumi namasere raNebhukadhirezari.
1유다 왕 시드기야의 제 십년 곧 느부갓네살의 제 십 팔년에 여호와의 말씀이 예레미야에게 임하니라
2Zvino nenguva iyo mambo wehondo yeBhabhironi wakange akakomberedza Jerusaremu; asi muporofita Jeremiya wakange akapfigirwa muruvazhe rwavarindi, rwakanga ruri mumba mamambo waJudha.
2때에 바벨론 군대는 예루살렘을 에워싸고 선지자 예레미야는 유다 왕의 궁중에 있는 시위대 뜰에 갇혔으니
3nekuti Zedhekia mambo waJudha wakange amupfigira, achiti, Unoporofitireiko uchiti, Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharikunda;
3이는 그가 예언하기를 여호와의 말씀에 보라 내가 이 성을 바벨론 왕의 손에 붙이리니 그가 취할 것이며 유다 왕 시드기야는 갈대아인의 손에서 붙이운바 되리니 입이 입을 대하여 말하고 눈이 서로 볼 것이며 그가 시드기야를 바벨론으로 끌어가리니 시드기야가 나의 권고할 때까지 거기 있으리라 나 여호와가 말하노라
4Zedhekia mambo waJudha haangapukunyuki pamaoko avaKaradhea, asi uchaiswa zvirokwazvo muruoko rwamambo weBhabhironi, vachataurirana nemiromo yavo, nokuonana nameso avo;
4너희가 갈대아인과 싸울지라도 승리치 못하리라 하셨다 하였더니 유다 왕 시드기야가 가로되 네가 어찌 이같이 예언하였느뇨 하고 그를 가두었음이었더라 (3절에서 이어짐)
5iye uchandoisa Zedhekia Bhabhironi, agareko kusvikira ndichimushanyira, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange mukarwa navaKaradhea hamungakundi?
5(3절과 같음)
6Jeremiya akati, Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
6예레미야가 가로되 여호와의 말씀이 내게 임하였느니라 이르시기를
7Tarira, Hanameri mwanakomana waSharumi, sekuru vako, uchauya kwauri, achiti, Zvitengere munda wangu uri paAnatoti, nekuti ndiwe une simba rokuudzikunura nokuutenga.
7보라 네 숙부의 살룸의 아들 하나멜이 네게 와서 말하기를 너는 아나돗에 있는 내 밭을 사라 이 기업을 무를 권리가 네게 있느니라 하리라 하시더니
8Naizvozvo Hanameri mwanakomana wasekuru vangu wakauya kwandiri muruvazhe rwavarindi, sezvakarehwa neshoko raJehovha, akati kwandiri, Donditengera hako munda wangu uri paAnatoti, riri munyika yaBhenjamini, nekuti ndiwe unesimba rokugara nhaka, ndiwe unofanira kudzikunura; chizvitengera iwo. Ipapo ndakaziva kuti ishoko raJehovha.
8여호와의 말씀같이 나의 숙부의 아들 하나멜이 시위대 뜰 안 내게로 와서 이르되 청하노니 너는 베냐민 땅 아나돗에 있는 나의 밭을 사라 기업의 상속권이 네게 있고 무를 권리가 네게 있으니 너를 위하여 사라 하는지라 내가 이것이 여호와의 말씀인 줄 알았으므로
9Ndikatenga munda wakange uri paAnatoti kuna Hanameri mwanakomana wasekuru vangu, ndikamuyerera mari, mashekeri esirivha ane gumi namanomwe.
9내 숙부의 아들 하나멜의 아나돗에 있는 밭을 사는데 은 십 칠 세겔을 달아 주되
10Ndikanyora rugwaro rwokutenga, ndikarunamatidza, ndikadana zvapupu, ndikamuyerera mari pachiyero.
10증서를 써서 인봉하고 증인을 세우고 은을 저울에 달아 주고
11Ipapo ndikatora rugwaro rwokutenga, irwo rwakanga rwakanamatidzwa, sezvakarehwa nomurayiro netsika, norumwe rwakanga rwakashama,
11법과 규례대로 인봉하고 인봉치 아니한 매매 증서를 내가 취하여
12ndikapa Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseia, rugwaro rwokutenga, Hanameri mwanakomana wasekuru vangu aripo, nezvapupu zvakanga zvasimbisa rugwaro rwokutenga zviripo, navaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi varipo.
12나의 숙부의 아들 하나멜과 매매 증서에 인 친 증인의 앞과 시위대 뜰에 앉은 유다 모든 사람 앞에서 그 매매 증서를 마세야의 손자 네리야의 아들 바룩에게 부치며
13Ndikaraira Bharuki pamberi pavo, ndichiti,
13그들의 앞에서 바룩에게 명하여 이르되
14Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tora magwaro awa okutenga, rugwaro urwu rwokutenga rwakanamatidzwa, norugwaro urwu rwakashama, uzviise mumudziyo wevhu, zvigaremo mazuva mazhinji.
14만군의 여호와 이스라엘의 하나님이 이같이 말씀하시기를 너는 이 증서 곧 인봉하고 인봉치 않은 매매증서를 취하여 토기에 담아 많은 날 동안 보존케 하라
15nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Dzimba neminda yemizambiringa zvichazotengwazve munyika ino.
15만군의 여호와 이스라엘의 하나님 내가 이같이 말하노라 사람이 이 땅에서 집과 밭과 포도원을 다시 사게 되리라 하셨다 하니라
16Zvino ndakati ndapa Bharuki mwanakomana waNeria rugwaro rwokutenga, ndikanyengetera kuna Jehovha ndichiti,
16내가 매매 증서를 네리야의 아들 바룩에게 부친 후에 여호와께 기도하여 가로되
17Haiwa,Ishe Jehovha tarirai imwi makaita denga rose napasi nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa, hakuna chinhu chingakukonai imi;
17슬프도소이다 주 여호와여, 주께서 큰 능과 드신 팔로 천지를 지으셨사오니 주에게는 능치 못한 일이 없으시니이다 !
18imi, munonzwira tsitsi vane zviuru zvamazana, nokutsiva zvakaipa zvamadzibaba muchipfuva chavana vavo vanovatevera, iye mukuru, Mwari unesimba, Jehovha wehondo, ndiro zita rake;
18주는 은혜를 천만 인에게 베푸시며 아비의 죄악을 그 후 자손의 품에 갚으시오니 크고 능하신 하나님이시요 이름은 만군의 여호와시니이다
19wakakura panjere, unesimba pakubata, meso ake anosvinurira nzira dzose dzavana vavanhu, kuti ape mumwe nomumwe sezvaakabata, nezvakafanira zvibereko zvamabasa ake;
19주는 모략에 크시며 행사에 능하시며 인류의 모든 길에 주목하시며 그 길과 그 행위의 열매대로 보응하시나이다
20iye, wakaisa zviratidzo nezvishamiso panyika yeEgipita kusvikira pazuva ranhasi, pakati paIsiraeri napakati pavamwe vanhu; mukazviitira mbiri sezvazvakaita nezuva ranhasi;
20주께서 애굽 땅에서 징조와 기사로 행하셨고 오늘까지도 이스라엘과 외인 중에 그같이 행하사 주의 이름을 오늘과 같이 되게 하셨나이다
21mukabudisa vanhu venyu vaIsiraeri panyika yeEgipita, nezviratidzo nezvishamiso nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru;
21주께서 징조와 기사와 강한 손과 드신 팔과 큰 두려움으로 주의 백성 이스라엘을 애굽 땅에서 인도하여 내시고
22mukavapa nyika ino, yamakapikira madzibaba avo kuti muchavapa, iri nyika inoyerera mukaka nohuchi;
22그들에게 주시기로 그 열조에게 맹세하신바 젖과 꿀이 흐르는 이 땅을 그들에게 주셨으므로
23vakapinda, vakaiita yavo; asi havana kuteerera inzwi renyu, kana kufamba nemirairo yenyu; havana kutongoita chinhu chimwe chezvose zvamakavaraira kuti vazviite; naizvozvo makauyisa izvi zvose pamusoro pavo.
23그들이 들어가서 이를 차지하였거늘 주의 목소리를 청종치 아니하며 주의 도에 행치 아니하며 무릇 주께서 행하라 명하신 일을 행치 아니하였으므로 주께서 이 모든 재앙을 그들에게 내리셨나이다
24Tarirai, mirwi yokurwa yasvika paguta kuti varikunde; guta raiswa mumaoko avaKaradhea vanorwa naro, nokuda komunondo nenzara nehosha yakaipa, zvamakataura zvaitika, tarirai, munozviona.
24보옵소서 이 성을 취하려 하는 자가 와서 흉벽을 쌓았고 칼과 기근과 염병으로 인하여 이 성이 이를 치는 갈대아인의 손에 붙인 바 되었으니 주의 말씀대로 되었음을 주께서 보시나이다
25Zvino imwi Ishe Jehovha, makati kwandiri, Chizvitengera munda nemari, udane zvapupu, kunyange zvakadaro guta raiswa mumaoko avaKaradhea.
25주 여호와여 주께서 내게 은으로 밭을 사며 증인을 세우라 하셨으나 이 성은 갈대아인의 손에 붙인 바 되었나이다
26Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
26때에 여호와의 말씀이 예레미야에게 임하여 이르시되
27Tarira, ndini Jehovha, Mwari wenyama yose, kune chimwe chinhu chingandikona here?
27나는 여호와요 모든 육체의 하나님이라 내게 능치 못한 일이 있겠느냐
28Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarira ndichaisa guta rino mumaoko avaKaradhea, nomumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, iye ucharikunda
28그러므로 나 여호와가 이같이 말하노라 보라, 내가 이 성을 갈대아인의 손과 바벨론 왕 느부갓네살의 손에 붙일 것인즉 그가 취할 것이라
29VaKaradhea, vanorwa neguta rino, vachauya vachitungidza guta rino, vachiripisira, pamwechete nedzimba dzavakabayira pamatenga adzo zvinonhuhwira kuna Bhaari, nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.
29이 성을 치는 갈대아인이 와서 이 성읍에 불을 놓아 성과 집 곧 그 지붕에서 바알에게 분향하며 다른 신들에게 전제를 드려 나를 격노케 한 집들을 사르리니
30nekuti vana vaIsiraeri navana vaJudha vaingoita zvakaipa zvoga pamberi pangu kubva pahuduku hwavo; nekuti vana vaIsiraeri vakangonditsamwisachetenamabasa amaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
30이는 이스라엘 자손과 유다 자손이 예로부터 내 목전에 악만 행하였음이라 이스라엘 자손은 그 손으로 만든 것을 가지고 나를 격노케 한 것 뿐이니라 나 여호와가 말하노라
31nekuti guta rino rakamutsa kutsamwa kwangu nehasha dzangu kubva pazuva ravakarivaka kusvikira zuva ranhasi, kuti ndiribvise pamberi pangu,
31이 성이 건설된 날부터 오늘까지 나의 노와 분을 격발하므로 내가 내 앞에서 그것을 옮기려 하노니
32nokuda kwezvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri navana vaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navapristi vavo, navaporofita vavo, navanhu vaJudha, navagere Jerusaremu.
32이는 이스라엘 자손과 유다 자손이 모든 악을 행하며 내 노를 격동하였음이라 그들과 그들의 왕들과 그 방백들과 그 제사장들과 그 선지자들과 유다 사람들과 예루살렘 거민들이 다 그러하였느니라
33Vakandifuratira, havana kunditarira nezviso zvavo; kunyange ndaivadzidzisa, ndichimuka mangwanani ndichivadzidzisa, asi havana kuteerera nokutenda kurangwa.
33그들이 등을 내게로 향하고 얼굴을 내게로 향치 아니하며 내가 그들을 가르치되 부지런히 가르칠지라도 그들이 교훈을 듣지 아니하며 받지 아니하고
34Asi vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba yakatumidzwa zita rangu, kuti vaisvibise.
34내 이름으로 일컬음을 받는 집에 자기들의 가증한 물건들을 세워서 그 집을 더럽게 하며
35Vakavaka mitunhu yaBhaari, iri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapinzire Moreki vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvaraira, kana chandisina kufunga mumoyo mangu, kuti vaite chinhu ichi chinonyangadza, vachitadzisa Judha.
35힌놈의 아들의 골짜기에 바알의 산당을 건축하였으며 자기들의 자녀를 몰렉의 불에 지나가게 하였느니라 그들이 이런 가증한 일을 행하여 유다로 범죄케 한 것은 나의 명한 것도 아니요 내 마음에 둔 것도 아니니라
36Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro peguta rino, ramunoti rakaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi nomunondo, nenzara uye nehosha yakaipa,
36그러나 이스라엘의 하나님 나 여호와가 너희의 말하는 바 칼과 기근과 염병으로 인하여 바벨론 왕의 손에 붙인 바 되었다 하는 이 성에 대하여 이같이 말하노라
37Tarirai, ndichavaunganidza kunyika dzose kwandakanga ndavadzingira nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, uye neshungu dzangu huru, ndichavadzoserazve kunzvimbo ino, nokuvagarisa vakachengetwa.
37보라, 내가 노와 분과 큰 분노로 그들을 쫓아 보내었던 모든 지방에서 그들을 모아내어 이 곳으로 다시 인도하여 안전히 거하게 할 것이라
38Ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
38그들은 내 백성이 되겠고 나는 그들의 하나님이 될 것이며
39Ndichavapa moyo mumwe nenzira imwe, kuti vanditye nokusingaperi, vaitirwe zvakanaka ivo, navana vavo vanovatevera.
39내가 그들에게 한 마음과 한 도를 주어 자기들과 자기 후손의 복을 위하여 항상 나를 경외하게 하고
40Ndichaita navo sungano isingaperi, handingadzoki pakuvatevera kuti ndivaitire zvakanaka; ndichaisa kutya mumoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri.
40내가 그들에게 복을 주기 위하여 그들을 떠나지 아니하리라 하는 영영한 언약을 그들에게 세우고 나를 경외함을 그들의 마음에 두어 나를 떠나지 않게 하고
41Zvirokwazvo, ndichavafarira kuti ndivaitire zvakanaka, ndichavasima zvirokwazvo munyika ino nomoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.
41내가 기쁨으로 그들에게 복을 주되 정녕히 나의 마음과 정신을 다하여 그들을 이 땅에 심으리라
42nekuti zvanzi naJehovha, Sezvandakauyisa zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pavanhu ava, saizvozvowo ndichauyisa pamusoro pavo zvakanaka zvose zvandakavapikira.
42나 여호와가 이같이 말하노라 내가 이 백성에게 이 큰 재앙을 내린 것같이 허락한 모든 복을 그들에게 내리리라
43Minda ichatengwa munyika ino yamunoti idongo, haina vanhu kana zvipfuwo, yaiswa mumaoko avaKaradhea.
43너희가 말하기를 황폐하여 사람이나 짐승이 없으며 갈대아인의 손에 붙인 바 되었다 하는 이 땅에서 사람들이 밭을 사되
44Vanhu vachatenga minda nemari, nokunyora magwaro okutenga, vaise rupauro, nokudana zvapupu, panyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, nomumaguta enyika yamakomo, nomumaguta amapani, nomumaguta orutivi rwezasi; nekuti ndichadzosa kutapwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
44베냐민 땅과 예루살렘 사방과 유다 성읍들과 산지의 성읍들과 평지의 성읍들과 남방의 성읍들에 있는 밭을 은으로 사고 증서를 기록하여 인봉하고 증인을 세우리니 이는 내가 그들의 포로로 돌아오게 함이니라 여호와의 말이니라