1Shoko rakabva kuna Jehovha, rikasvika kuna Jeremiya, asunungurwa paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, nguva yaakanga amubata akasungwa namaketani pakati pavatapwa vose veJerusaremu navaJudha, vakanga votapwa vachiiswa Bhabhironi.
1시위대장 느부사라단이 예루살렘과 유다 포로를 바벨론으로 옮기는 중에 예레미야도 잡혀 사슬로 결박되어 가다가 라마에서 해방된 후에 말씀이 여호와께로서 예레미야에게 임하니라
2Mukuru wavarindi akatora Jeremiya, akati kwaari, Jehovha Mwari wako wakareva zvakaipa izvi pamusoro penzvimbo ino;
2시위대장이 예레미야를 불러다가 이르되 네 하나님 여호와께서 이 곳에 재앙을 선포하시더니
3zvino Jehovha wazvisvitsa, akaita sezvaakataura; zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera inzwi rake, nemhaka iyo chinhu ichi chakauya pamusoro penyu.
3여호와께서 그 말씀하신 대로 행하셨으니 이는 너희가 여호와께 범죄하고 그 목소리를 청종치 아니하였으므로 이 일이 너희에게 임한 것이니라
4Zvino tarira, ndinokusunungurira nhasi maketani ari paruoko rwako. Kana uchiti zvakanaka kuenda neni Bhabhironi, chiuya, ini ndichakuchengeta zvakanaka, asi kana uchiti zvakaipa kuenda neni Bhabhironi, chirega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; chienda hako kwaunoti zvakanaka nezvakarurama kuti uende.
4보라 내가 오늘 네 손의 사슬을 풀어 너를 해방하노니 만일 네가 나와 함께 바벨론으로 가는 것을 선히 여기거든 오라 내가 너를 선대하리라 만일 나와 함께 바벨론으로 가는 것을 좋지 않게 여기거든 그만 두라 보라 온 땅이 네 앞에 있나니 네가 선히 여기는 대로 가하게 여기는 곳으로 갈지니라
5Zvino wakati achigere kuenda, akati, Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, wakagadzwa namambo weBhabhhironi ave mubati wamaguta aJudha, undogara naye pakati pavanhu; kana chienda hako kwaunoti zvakanaka kuti uende. Naizvozvo mukuru wavarindi akamupa zvokudya nechipo, akamuendisa.
5예레미야가 아직 돌이키기 전에 그가 다시 이르되 너는 바벨론 왕이 유다 성읍들의 총독으로 세우신 사반의 손자 아히감의 아들들 그다랴에게로 돌아가서 그와 함께 백성 중에 거하거나 너의 가하게 여기는 곳으로 가거나 할지니라 하고 그 시위대장이 그에게 양식과 선물을 주어 보내매
6Ipapo Jeremiya akaenda kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, akagara naye pakati pavanhu vakanga vakasiiwa munyika.
6예레미야가 미스바로가서 아히감의 아들 그다랴에게로 나아가서 그 땅에 남아 있는 백성 중에서 그와 함께 거하니라
7Zvino vakuru vose vehondo, vakanga vari kumasango, ivo navanhu vavo, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakange agadza Gedharia mwanakomana waAhikami ave mubati munyika iyo, akaisa pamaoko ake varume navakadzi navana, navaiva varombo kwazvo panyika, vakanga vasina kutapirwa Bhabhironi,
7들에 있는 군대장관들과 그들의 사람들이 바벨론 왕이 아히감의 아들 그다랴를 이 땅 총독으로 세우고 남녀와 유아와 바벨론으로 옮기지 아니한 빈민을 그에게 위임하였다 함을 듣고
8vakauya kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohwanani naJonatani vanakomana vaKarea, naSeraia mwanakomana waTanhumeti, navanakomana vaEfai muNetofati, naJezania mwanakomana womuMaakatiti, ivo navanhu vavo.
8그들 곧 느다냐의 아들 이스마엘과 가레아의 두 아들 요하난과 요나단과 단후멧의 아들 스라야와 느도바 사람 에배의 아들들과 마아가 사람의 아들 여사냐와 그들의 사람들이 미스바로 가서 그다랴에게 이르니
9Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akavapikira, ivo navanhu vavo, achiti, Musatya kushumira vaKaradhea; garai henyu panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugova nomufaro.
9사반의 손자 아히감의 아들 그다랴가 그들과 그들의 사람들에게 맹세하며 가로되 너희는 갈대아인 섬기기를 두려워하지 말고 이 땅에 거하여 바벨론 왕을 섬기라 그리하면 너희에게 유익하리라
10Kana ndirini, tarirai, ndichagara paMizipa, kuti ndimire pamberi pavaKaradhea, vachauya kwatiri; asi imi, unganidzai waini nezvibereko zvezhizha namafuta, muzviise mumidziyo yenyu, mugare mumaguta enyu amakakunda.
10나는 미스바에 거하여 우리에게로 오는 갈대아인을 섬기리니 너희는 포도주와 여름 실과와 기름을 모아 그릇에 저축하고 너희의 얻은 성읍들에 거하라 하니라
11Saizvozvowo, vaJudha vose, vaiva paMoabhu, navaiva pakati pavana vaAmoni, napaEdhomu, navaiva panyika dzose, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakange asiya vamwe vaJudha, akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani ave mubati wavo;
11모압과 암몬 자손 중과 에돔과 모든 지방에 있는 유다인도 바벨론 왕이 유다에 사람을 남겨 둔 것과 사반의 손자 아히감의 아들그다랴를 그들의 위에 세웠다 함을 듣고
12ipapo vaJudha vose vakadzoka pose pavakanga vadzingirwa, vakauya kunyika yaJudha, kuna Gedharia paMizipa, vakaunganidza waini nezvibereko zvizhinji kwazvo zvezhizha.
12그 모든 유다인이 쫓겨났던 각처에서 돌아와 유다 땅 미스바 그다랴에게 이르러 포도주와 여름 실과를 심히 많이 모으니라
13NaJohwananiwo, mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva kumasango, vakauya kuna Gedharia paMizipa,
13가레아의 아들 요하난과 들에 있던 군대장관들이 미스바 그다랴에게 이르러
14vakati kwaari, Munoziva here kuti Bhaarisi, mambo wavana vaAmoni, wakatuma Ishimaeri mwanakomana waNetania kuzokuurayai? Asi Gedharia mwanakomana waAhikami haana kuvatenda.
14그에게 이르되 암몬 자손의 왕 바알리스가 네 생명을 취하려 하여 느다냐의 아들 이스마엘을 보낸 줄 네가 아느냐 하되 아히감의 아들 그다랴가 믿지 아니한지라
15Ipapo Johwanani mwanakomana waKarea akataura naGedharia paMizipa chinyararire, akati, Nditenderei henyu kuenda ndindouraya Ishimaeri mwanakomana waNetania, hakungavi nomunhu uchazviziva; ko iye ungakuurayirei, kuti vaJudha vose vakaungana kwamuri vapararire, navakasara vaJudha vaparare?
15가레아의 아들 요하난이 미스바에서 그다랴에게 비밀히 말하여 가로되 청하노니 나로 가서 사람이 모르게 느다냐의 아들 이스마엘을 죽이게 하라 어찌하여 그로 네 생명을 취케 하여 네게 모인 모든 유다인으로 흩어지며 유다의 남은 자로 멸망을 당케 하랴
16Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johwanani mwanakomana waKarea, Usaita chinhu ichi, nekuti unoreva nhema pamusoro paIshimaeri.
16그러나 아히감의 아들 그다랴가 가레아의 아들 요하난에게 이르되 네가 이 일을 행치 말 것이니라 너의 이스마엘에 대한 말은 진정이 아니니라 하니라