Shona

Korean

Psalms

9

1Ndichavonga Jehovha nomoyo wangu wose; Ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa.
1(다윗의 시. 영장으로 뭇랍벤에 맞춘 노래) 내가 전심으로 여호와께 감사하오며 주의 모든 기사를 전하리이다
2Ndichafara nokukufarirai zvikuru; Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imwi Wekumusoro-soro.
2내가 주를 기뻐하고 즐거워하며 지극히 높으신 주의 이름을 찬송하리니
3Kana vavengi vangu vachidzokera shure, Vanogumburwa nokupera pamberi penyu.
3내 원수들이 물러갈 때에 주의 앞에서 넘어져 망함이니이다
4Nekuti mandiruramisira mhosva yangu; Makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama.
4주께서 나의 의와 송사를 변호하셨으며 보좌에 앉으사 의롭게 심판하셨나이다
5Makatuka vahedheni, makaparadza ani nani wakaipa, Makadzima zita ravo nokusingaperi-peri.
5열방을 책하시고 악인을 멸하시며 저희 이름을 영영히 도말하셨나이다
6Vavengi vakapera, vakaparadzwa nokusingaperi; makaparadza maguta avo, Nechiyeudzo chawo chakaparara.
6원수가 끊어져 영영히 멸망하셨사오니 주께서 무너뜨린 성읍들을 기억할 수 없나이다
7Asi Jehovha agere ari mambo nokusingaperi; Akagadzira chigaro chake choushe kuti atonge.
7여호와께서 영영히 앉으심이여 심판을 위하여 보좌를 예비하셨도다
8Achatonga nyika nokururama, Achatonga vanhu zvakafanira.
8공의로 세계를 심판하심이여 정직으로 만민에게 판단을 행하시리로다
9Jehovha achava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, Nhare yakasimba panguva yokutambudzika.
9여호와는 또 압제를 당하는 자의 산성이시요 환난 때의 산성이시로다
10Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; nekuti imwi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai.
10여호와여, 주의 이름을 아는 자는 주를 의지하오리니 이는 주를 찾는 자들을 버리지 아니하심이니이다
11Imbirai Jehovha nziyo dzokumurumbidza, iye agere paZiyoni; dudzirai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.
11너희는 시온에 거하신 여호와를 찬송하며 그 행사를 백성 중에 선포할지어다
12Kana achitsvaka ropa, anovarangarira; Haakangamwi kuchema kwavarombo.
12피 흘림을 심문하시는 이가 저희를 기억하심이여 가난한 자의 부르짖음을 잊지 아니하시도다
13Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; Tarirai, kumanikidzwa kwangu navanondivenga, imwi munondisimudza pamisuwo yorufu;
13여호와여, 나를 긍휼히 여기소서 나를 사망의 문에서 일으키시는 주여, 미워하는 자에게 받는 나의 곤고를 보소서
14Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kose; Pamisuwo yomukunda weZiyoni, Ndichafarira kuponesa kwenyu.
14그리하시면 내가 주의 찬송을 다 전할 것이요 딸 같은 시온의 문에서 주의 구원을 기뻐하리이다
15Vahedheni vakanyura mugomba ravakachera; Rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure, wavakavanza.
15열방은 자기가 판 웅덩이에 빠짐이여 그 숨긴 그물에 자기 발이 걸렸도다
16Jehovha wakazvizivisa; akatonga; akaipa wakateyiwa nebasa ramaoko ake.
16여호와께서 자기를 알게 하사 심판을 행하셨음이여 악인은 그 손으로 행한 일에 스스로 얽혔도다 (힉가욘.셀라)
17Vakaipa vachadzokera kuSheori, Ivo vahedheni vose, vakakangamwa Mwari.
17악인이 음부로 돌아감이여 하나님을 잊어버린 모든 열방이 그리하리로다
18Nekuti anoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi, Nokutarira komurombo hakungaperi nokusingaperi.
18궁핍한 자가 항상 잊어 버림을 보지 아니함이여 가난한 자가 영영히 실망치 아니하리로다
19Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda; Vahedheni ngavatongwe pamberi penyu.
19여호와여, 일어나사 인생으로 승리를 얻지 못하게 하시며 열방으로 주의 목전에 심판을 받게 하소서
20Chivatyisai, Jehovha; Vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu.
20여호와여, 저희로 두렵게 하시며 열방으로 자기는 인생 뿐인줄 알게 하소서 (셀라)