Shona

Norwegian

Exodus

15

1Zvino Mozisi navana vaIsiraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vakataura vachiti,
1Da sang Moses og Israels barn denne sang for Herren: Jeg vil lovsynge Herren, for han er høit ophøiet; hest og mann styrtet han i havet.
2Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye akava ruponeso rwangu; uyu ndiye Mwari wangu, ndichamurumbidza; Mwari wababa vangu, ndichamukudza.
2Herren er min styrke og lovsang, og han blev mig til frelse; han er min Gud, og jeg vil prise ham, min fars Gud, og jeg vil ophøie ham.
3Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake.
3Herren er en stridsmann, Herren er hans navn.
4Akakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa; varwi vake vakasanangurwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku.
4Faraos vogner og hans hær kastet han i havet, og hans utvalgte vognkjempere druknet i det Røde Hav.
5Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura makadzika sebwe.
5Avgrunner skjulte dem, de sank som sten i dype vann.
6Rudyi rwenyu, Jehovha, rwakakudzwa nesimba rarwo; rudyi rwenyu, Jehovha, runoputsanya vavengi.
6Din høire hånd, Herre, er herliggjort i kraft, din høire hånd, Herre, knuser fiender.
7Noumambo bwenyu ukuru munowisira pasi vanokumukirai simba; munotuma kutsamwa kwenyu, kunovapisa sehundi.
7Og i din høihets velde slår du dine motstandere ned; du slipper din vrede løs, den fortærer dem som strå.
8Nokufema kwemhino dzenyu, mvura yakaunganidzwa pamwechete; nzizi dzikamira dzikaita murwi, mvura yakadzika yakagwamba mukati megungwa.
8Og ved ditt åndepust hopet vannene sig sammen, bølgene stod som voller, dype vann stivnet i havets hjerte.
9Muvengi akati, Ndichateverera, ndichavabata, ndichagovera zvandapamba; kuchiva kwangu kuchagutswa navo; ndichavhomora munondo wangu, ruoko rwangu ruchavaparadza.
9Fienden sa: Jeg vil forfølge dem, jeg vil innhente dem, jeg vil dele ut hærfang, jeg vil mette min sjel med dem; jeg vil dra mitt sverd, min hånd skal utrydde dem.
10Makafema mweya wenyu, gungwa rikavafukidza, vakanyura somutobvu mumvura ine simba.
10Du blåste med din ånde, havet skjulte dem; de sank som bly i de veldige vann.
11Ndianiko akafanana nemi, Jehovha, pakati pavamwari? Ndianiko akafanana nemwi paukuru hwoutsvene, munorumbidzwa muchityisa, munoita zvishamiso?
11Herre, hvem er som du blandt gudene? Hvem er som du herliggjort i hellighet, forferdelig å love, underfull i gjerning?
12Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikavamedza.
12Du rakte ut din høire hånd, jorden slukte dem.
13Makafambisa nenyasha dzenyu vanhu vamakadzikunura; makavaperekedza nesimba renyu kuugaro bwenyu utsvene.
13Du fører ved din miskunnhet det folk som du forløste; du leder dem ved din kraft til din hellige bolig.
14Vanhu vakanzwa vakadedera, mabayo akawira vanhu vagere Firisitia.
14Folkene hører det, de skjelver; angst griper dem som bor i Filisterland.
15Ipapo machinda eEdhomu akashamiswa, kudedera kwakawira vanhu vane simba veMoabhu; vanhu vose vanogara Kanani vakanyauka.
15Da forferdes Edoms stammefyrster, redsel griper Moabs høvdinger, alle Kana'ans innbyggere forgår av angst.
16Kutya nokuvhunduka kwakavawira; vakanyarara sebwe noukuru hworuoko rwenyu; kusvikira vanhu venyu vayambuka, Jehovha, kusvikira vanhu venyu vamakazvitsvakira vayambuka.
16Forferdelse og redsel faller over dem, ved din arms velde blir de målløse som sten, mens ditt folk drar frem, Herre, mens det folk drar frem som du har vunnet dig.
17Muchavapinza, nokuvasima pagomo renhaka yenyu, paugaro hwamakazviitira, kuti mugarepo, Jehovha; patsvene pakaitwa namaoko enyu.
17Du fører dem inn og planter dem på din arvs berg, det sted du har skapt dig til bolig, Herre, den helligdom, Herre, som dine hender har grunnlagt.
18Jehovha achabata ushe nokusingaperi.
18Herren skal være konge i all evighet.
19nekuti mabhiza aFarao akapinda mugungwa pamwechete nengoro dzake, navatasvi vake vamabhiza, Jehovha akadzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa.
19For da Faraos hester med hans vogner og menn for ut i havet, da lot Herren havets vann vende tilbake over dem, mens Israels barn gikk på det tørre midt igjennem havet.
20Zvino Miriami, muporofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora gandira muruoko rwake, vakadzi vose vakabuda vakamutevera vanamakandira, vachitamba.
20Og profetinnen Mirjam, Arons søster, tok en tromme i sin hånd, og alle kvinnene gikk efter henne med trommer og dans.
21Miriami akavapindura akati, Imbirai Jehovha, nekuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.
21Og Mirjam sang fore: Lovsyng Herren, for han er høit ophøiet; hest og mann styrtet han i havet.
22Zvino Mozisi akatungamirira vaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura.
22Så lot Moses Israel bryte op fra det Røde Hav, og de drog ut i ørkenen Sur; og tre dager drog de frem i ørkenen uten å finne vann.
23Vakasvika Mara, asi vakanga vasingagoni kumwa mvura yapaMara, nekuti yakanga ichivava; naizvozvo zita rapo rakanzi Mara.
23Så kom de til Mara; men de kunde ikke drikke vannet i Mara fordi det var beskt; derfor blev stedet kalt Mara*. / {* beskhet.}
24Zvino vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, Tichamweiko?
24Da knurret folket mot Moses og sa: Hvad skal vi drikke?
25Iye akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka.
25Og han ropte til Herren, og Herren viste ham et tre; det kastet han i vannet, og vannet blev godt. Der satte han dem lov og rett, og der prøvde han dem;
26akati, Kana uchiteerera nomoyo wose inzwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro pavaEgipita, nekuti ndini Jehovha murapi wako.
26og han sa: Dersom du hører på Herren din Guds røst, og gjør det som er rett i hans øine, og gir akt på hans bud, og holder alle hans forskrifter, da vil jeg ikke legge på dig nogen av de sykdommer som jeg la på egypterne; for jeg er Herren, din læge.
27Zvino vakasvika Erimu, pakanga pana matsime emvura ane gumi namaviri, nemichindwe ina makumi manomwe, vakavakapo misasa pamvura.
27Så kom de til Elim; der var tolv vannkilder og sytti palmetrær; og de slo leir der ved vannet.