1Zvino matenga nenyika zvikapera saizvozvo, nehondo yazvo yose.
1Så blev himmelen og jorden med hele sin hær fullendt.
2Mwari akapedza basa rake raakaita nezuva rechinomwe; ndokuzorora nezuva rechinomwe pabasa rake rose raakange aita.
2Og Gud fullendte på den syvende dag det verk som han hadde gjort, og han hvilte på den syvende dag fra all den gjerning som han hadde gjort.
3Zvino Mwari wakaropafadza zuva rechinomwe, akariita dzvene; nekuti wakazorora naro pabasa rake rose, Mwari raakange asika nekuita.
3Og Gud velsignet den syvende dag og helliget den; for på den hvilte han fra all sin gjerning, den som Gud gjorde da han skapte.
4Ndiyo nhoroondo yemazera ematenga nenyika, pakusikwa kwazvo; nezuva iro Jehovha Mwari raakaita nyika nematenga,
4Dette er himmelens og jordens historie, da de blev skapt, den tid da Gud Herren gjorde jord og himmel:
5nemakwenzi esango akanga achigere kuvapo panyika, nemuriwo umwe neumwe wesango wakange uchigere kumera; nekuti Jehovha Mwari akange asati anaisa mvura panyika, uye kwakange kusina munhu kuzorima pasi.
5Det var ennu ingen markens busk på jorden, og ingen markens urt var ennu vokset frem; for Gud Herren hadde ikke latt det regne på jorden, og der var intet menneske til å dyrke jorden.
6Asi mhute yaisimuka ichibva panyika ichinyorovesa chiso chose chenyika.
6Da steg det op en damp av jorden og vannet hele jordens overflate.
7Zvino Jehovha Mwari wakaumba munhu neguruva revhu, akafemera mumhino dzake mweya weupenyu; munhu ndokuva mweya mupenyu.
7Og Gud Herren dannet mennesket av jordens muld og blåste livets ånde i hans nese; og mennesket blev til en levende sjel.
8Zvino Jehovha Mwari wakasima munda muEdheni, kumabvazuva, ndokuisapo munhu waakange aumba.
8Og Gud Herren plantet en have i Eden, i Østen, og der satte han mennesket som han hadde dannet.
9Zvino Jehovha Mwari wakameresa pasi miti yose inofadza pakuona, uye yakanaka kudya; uye muti weupenyu pakati pemunda, nemuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.
9Og Gud Herren lot trær av alle slag vokse op av jorden, prektige å se til og gode å ete av, og midt i haven livsens tre og treet til kunnskap om godt og ondt.
10Zvino rwizi rwakabuda muEdheni kuzodiridza munda, uye kubva ipapo rwakaparadzaniswa rwukava misoro mina.
10Og det gikk en elv ut fra Eden og vannet haven; og siden delte den sig i fire strømmer.
11Zita rerwekutanga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo;
11Den første heter Pison; det er den som løper omkring hele landet Havila, der hvor det er gull.
12uye ndarama yenyika iyoyo yakanaka; pane dheriumu nebwe reonikisi.
12Og gullet i dette land er godt; der er bdellium* og onyks-stenen. / {* et slags velluktende gummi.}
13Zvino zita rerwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi.
13Den annen elv heter Gihon; det er den som løper omkring hele landet Kus.
14Zvino zita rerwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabvazuva kweAsiria. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi.
14Den tredje elv heter Hiddekel; det er den som går østenfor Assur. Og den fjerde elv er Frat.
15Zvino Jehovha Mwari wakatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti aurime nekuuchengeta.
15Og Gud Herren tok mennesket og satte ham i Edens have til å dyrke og vokte den.
16Zvino Jehovha Mwari wakaraira munhu achiti: Pamiti yose yemunda ungadya uchidya,
16Og Gud Herren bød mennesket: Du må fritt ete av alle trær i haven;
17asi muti werizivo rwezvakanaka nezvakaipa usadya pauri; nekuti nemusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.
17men treet til kunnskap om godt og ondt, det må du ikke ete av; for på den dag du eter av det, skal du visselig dø.
18Zvino Jehovha Mwari wakatizve, Hazvina kunaka kuti munhu ave oga; ndichamuitira mubatsiri wakafanana naye.
18Og Gud Herren sa: Det er ikke godt at mennesket er alene; jeg vil gjøre ham en medhjelp som er hans like.
19Zvino Jehovha Mwari wakaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti achadzitumidza kuti chii, uye chipenyu chose sechazvakatumidzwa nemunhu, ndiro rakava zita racho.
19Og Gud Herren hadde dannet av jorden alle dyr på marken og alle fugler under himmelen, og han ledet dem til mennesket for å se hvad han vilde kalle dem; og som mennesket kalte hver levende skapning, så skulde den hete.
20Zvino munhu wakapa mazita kuzvipfuwo zvose nekushiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango; asi kumunhu kwakashaikwa mubatsiri wakamukwanira.
20Så gav mennesket navn til alt feet og fuglene under himmelen og alle ville dyr; men for et menneske fant han ingen medhjelp som var hans like.
21Zvino Jehovha Mwari wakakonzera hope huru kuwira pamusoro pemunhu, ndokuvata; zvino wakatora rumwe rwemabvu dzake, akadzivira nyama panzvimbo yarwo.
21Da lot Gud Herren en dyp søvn falle på mennesket, og mens han sov, tok han et av hans ribben og fylte igjen med kjøtt.
22Zvino nerumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi, akamuisa kumunhu.
22Og Gud Herren bygget av det ribben han hadde tatt av mennesket, en kvinne og ledet henne til mennesket.
23Munhu akati: Ikozvino uyu ipfupa remafupa angu, nenyama yenyama yangu, uchanzi mukadzi, nekuti wakabviswa pamurume.
23Da sa mennesket: Dette er endelig ben av mine ben og kjøtt av mitt kjøtt; hun skal kalles manninne, for av mannen er hun tatt.
24Naizvozvo munhu uchasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
24Derfor skal mannen forlate sin far og sin mor og bli hos sin hustru, og de skal være ett kjød.
25Zvino vose vari vaviri vakange vasina kupfeka, munhu nemukadzi wake, asi havana kunyara.
25Og de var nakne både Adam og hans hustru, men bluedes ikke.