1Zvino Jakove akadana vanakomana vake, akati, Unganai, ndikuudzei zvamuchaitirwa namazuva anotevera.
1Og Jakob kalte sine sønner til sig og sa: samle eder, så vil jeg forkynne eder hvad som skal hende eder i de siste dager*. / {* den tid da spådommene blir opfylt.}
2Unganai, munzwe imwi vanakomana vaJakove, Teererai Isiraeri, baba venyu.
2Kom sammen og hør, I Jakobs sønner, hør på Israel, eders far!
3Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, nokutanga kwesimba rangu; Ukuru hwokukudzwa, noukuru hwesimba;
3Ruben, min førstefødte er du, min kraft og min styrkes første frukt, høiest i ære og størst i makt.
4Unotutuma semvura, haungavi noukuru; nekuti wakakwira kuuvato hwababa vako, Ukahusvibisa; wakakwira kumubhedha wangu.
4Du bruser over som vannet, du skal intet fortrin ha; for du steg op på din fars leie; da vanhelliget du det - i min seng steg han op!
5Simioni naRevhi vana vamai vamwe; Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba.
5Simeon og Levi er brødre, voldsvåben er deres sverd.
6Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; nekuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe.
6Møt ikke i deres hemmelige råd, min sjel, ta ikke del i deres sammenkomster, min ære*! For i sin vrede slo de menn ihjel, og i sin selvrådighet skamskar de okser. / {* sjel.}
7Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nekuti kwakanga kuri kukuru; Nehasha dzavo, nekuti dzakanga dzakaipa; Ndichavaparadzanisa pakati paJakove, nokuvaparadzira pakati paIsiraeri.
7Forbannet være deres vrede, for den var vill, og deres grumhet, for den var hård! Jeg vil kaste dem omkring i Jakob og sprede dem i Israel.
8Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako.
8Juda - dig skal dine brødre prise, din hånd skal være på dine fienders nakke, for dig skal din fars sønner bøie sig.
9Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?
9En ung løve er Juda; fra rov er du steget op, min sønn! Han legger sig ned, han hviler som en løve, som en løvinne; hvem våger å vekke ham?
10Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye.
10Ikke skal kongespir vike fra Juda, ikke herskerstav fra hans føtter, inntil fredsfyrsten kommer, og folkene blir ham lydige.
11Unosungira sheche redhongi rake pamuzambiringa, Nomwana wedhongi rake pamuzambiringa wakaisvonaka; Wakasuka nguvo dzake newaini, Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa.
11Han binder til vintreet sitt unge asen og til den edle ranke sin aseninnes fole; han tvetter i vin sitt klædebon og i druers blod sin kjortel.
12Meso ake achatsvuka newaini, Meno ake achachena nomukaka.
12Dunkle er hans øine av vin, og hvite hans tenner av melk.
13Zebhuroni uchagara pamahombekombe egungwa; iye achava mahombekombe panopinda zvikepe; Muganhu wake uchasvika paSidhoni.
13Sebulon - ved havets strand skal han bo, ved stranden hvor skibene lander; hans side er vendt mot Sidon.
14Isakari idhongi rine simba, rinovata pasi, pakati pematanga emakwai;
14Issakar er et sterktbygget asen, som hviler mellem sine hegn.
15Akaona zororo kuti rakanaka, Nenyika kuti inofadza, Akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava mubatiri wechibharo.
15Og han så at hvilen var god, og at landet var fagert; da bøide han sin rygg under byrden og blev en ufri træl.
16Dhani achatonga mhaka dzavanhu vake, Sorumwe rwamarudzi alsiraeri.
16Dan skal dømme sitt folk, han som de andre Israels stammer.
17Dhani achava senyoka munzira, Semvumbi mugwara, Inoruma zvitsitsinho zvebhiza; Kuti mutasvi waro awire pasi neshure.
17Dan skal være en slange på veien, en huggorm på stien, som biter hesten i hælene, så rytteren faller bakover.
18Ndakamirira ruponeso rwenyu imwi Jehovha.
18Efter din frelse bier jeg, Herre!
19Gadhi achavambwa nehondo, Asi iye achavavamba pazvitsitsinho zvavo.
19Gad - en fiendeflokk hugger inn på ham, men han hugger dem i hælene.
20Asheri achava nezvokudya zvakakora; Iye achauya nezvinonaka zvinofanira madzishe.
20Fra Aser kommer fedmen, hans mat, og lekre retter som for konger har han å gi.
21Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka, Anotaura mashoko akanaka.
21Naftali er en lekende hind; liflig er ordet han taler.
22Josefa idavi rinobereka, Idavi rinobereka patsime; matavi ake anodarika madziro.
22Et ungt frukttre er Josef, et ungt frukttre ved kilden; grenene skyter ut over muren.
23Vapfuri nouta vakamutambudza kwazvo, Vakamupfura, vakamuvenga;
23Og de egger ham og skyter på ham, de forfølger ham - de pileskyttere.
24asi uta hwake hwakaramba hune simba, Maoko ezvanza zvake akasimbiswa Namaoko oWamasimbaose waJakove (Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri),
24Men fast står han der med sin bue, og hans hender og armer er raske - ved Jakobs Veldiges hender, fra ham, fra hyrden, Israels klippe,
25Mwari wababa vako achakubatsira; Wamasimbaose, achakuropafadza, Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro.
25fra din fars Gud, og han hjelpe dig, fra den Allmektige, og han velsigne dig med velsignelser fra himmelen der oppe, med velsignelser fra dypet der nede, med brysters og morslivs velsignelser!
26Ropafadzo dzababa vako Dzinopfuura ropafadzo dzamateteguru angu, kusvikira kumugumo wamakomo asingaperi; dzichagara pamusoro waJosefa, Pamusoro waiye aiva muchinda pakati pehama dzake.
26Din fars velsignelser stiger høit op over mine forfedres velsignelser, de når op til de evige høiders grense; de skal komme over Josefs hode, over hans isse, han som er høvding blandt sine brødre.
27Bhenjamini ibere rinoparadza; Mangwanani achadya chakaurawa, Madeko achagovera zvaakapamba.
27Benjamin er en glupende ulv; om morgenen eter han op rov, og om aftenen deler han ut hærfang.
28Ava vose ndiwo marudzi ane gumi namaviri alsiraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, akavaropafadza; vakaropafadza mumwe nomumwe nokuropafadzwa kwake.
28Alle disse er Israels stammer, tolv i tallet, og således var det deres far talte til dem; han velsignet dem, hver av dem velsignet han med den velsignelse som tilkom ham.
29Akavaraira, akati kwavari, Ini ndobva ndosanganiswa navanhu vangu; mundondiviga kuna madzibaba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti,
29Og han bød dem og sa til dem: Jeg samles nu til mitt folk; begrav mig hos mine fedre i hulen på hetitten Efrons mark,
30bako riri mumunda weMakapera, pakatarisana neMamure, panyika yeKanani, riya rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga;
30i hulen på Makpela-marken, østenfor Mamre i Kana'ans land, den mark som Abraham kjøpte av hetitten Efron til eiendoms-gravsted.
31ndipo pavakaviga Abhurahamu naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka, mukadzi wake; ndipo pandakaviga Rea;
31Der begravde de Abraham og Sara, hans hustru, der begravde de Isak og Rebekka, hans hustru, og der begravde jeg Lea,
32munda uya nebako riri mukati mawo, zvakatengwa kuvana vaHeti.
32på den mark og i den hule der som blev kjøpt av Hets barn.
33Zvino Jakove akati apedza kuraira vanakomana vake, akadzosera tsoka dzake pauvato, mweya wake ukabuda, akasanganiswa navanhu vake
33Da Jakob var ferdig med de pålegg han vilde gi sine sønner, trakk han føttene op i sengen; og han opgav sin ånd og blev samlet til sine fedre.