1Shoko, rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha namazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, richiti,
1Dette er det ord som kom til Jeremias fra Herren i Judas konge Jojakims, Josias' sønns dager:
2Enda kuimba yavaRekabhi, utaure navo, uuye navo mumba maJehovha, mune imwe kamuri, uvape waini vamwe.
2Gå til rekabittenes slekt og tal til dem og før dem inn i Herrens hus, i et av kammerne, og gi dem vin å drikke!
3Ipapo ndakatora Jaazania mwanakomana waJeremiya, mwanakomana waHabhazania, nehama dzake, navanakomana vake vose, neimba yose yavaRekabhi.
3Og jeg tok Ja'asanja, sønn av Jirmeja, sønn av Habasinja, og hans brødre og alle hans sønner og hele rekabittenes slekt,
4Ndikavaisa mumba maJehovha, mukamuri yavanakomana vaHanani mwanakomana waIghidhari, munhu waMwari, yaiva pedo nekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yaMaaseia mwanakomana waSharumi, mutariri wechikumbaridzo.
4og jeg førte dem inn i Herrens hus, i det kammer som tilhørte sønnene til den Guds mann Hanan, Jigdaljas sønn, og som lå ved siden av høvdingenes kammer, ovenover dørvokteren Ma'asejas, Sallums sønns kammer.
5Ndikagadza pamberi pavanakomana veimba yavaRekabhi mbiya dzizere newaini nemikombe, ndikati kwavari, Imwai waini.
5Og jeg satte frem for rekabittenes slekt skåler fulle av vin, og begere, og jeg sa til dem: Drikk vin!
6Asi ivo vakati Hatingamwi waini, nekuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, vakatiraira vachiti, Regai kumwa waini, imi, navanakomana venyu nokusingaperi;
6Men de sa: Vi vil ikke drikke vin; for vår far Jonadab, Rekabs sønn, har gitt oss det bud: I skal aldri drikke vin, hverken I eller eders barn,
7uye musavaka dzimba, kana kudzvara mbeu, kana kurima minda yemizambiringa, kana kuva nazvo; asi munofanira kugara mumatende mazuva enyu ose, kuti mugare mazuva mazhinji munyika mamunogara muri vatorwa.
7og I skal ikke bygge hus og ikke så korn og ikke plante vingård eller eie noget sådant; men i telt skal I bo alle eders dager, så I kan leve lenge i det land I bor i som fremmede.
8Zvino takateerera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, pazvose zvavakaraira, vachiti tirege kumwa waini mazuva edu ose, isu, navakadzi vedu;
8Og vi adlød vår far Jonadab, Rekabs sønn, i alt han bød oss - at vi aldri skulde drikke vin, hverken vi eller våre hustruer eller våre sønner eller våre døtre,
9kana kuzvivakira dzimba matingagara; uye hatina minda yemizambiringa, kana mimwe minda, kana mbeu;
9og ikke bygge oss hus å bo i og ikke ha vingård eller aker og ikke så korn.
10asi takagara mumatende, tikateerera, tikaita zvose sezvatakarairwa naJonadhabhi baba vedu.
10Og vi bodde i telt og var lydige og gjorde alt som vår far Jonadab hadde pålagt oss.
11Asi Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati achisvika munyika ino, tikati, Hendei, tiende Jerusaremu nekuti tinotya hondo yavaKaradhea, uye tinotya hondo yavaSiria; naizvozvo tigere Jerusaremu.
11Men da Babels konge Nebukadnesar drog op mot landet, da sa vi: Kom og la oss dra inn i Jerusalem, så vi kan slippe unda kaldeernes og syrernes hærer! Og så tok vi bolig i Jerusalem.
12Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
12Da kom Herrens ord til Jeremias, og det lød så:
13Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Enda undoudza varume vaJudha, navagere Jerusaremu, uti, Hamutendi kurangwa, kuti muteerere mashoko angu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
13Så sier Herren, hærskarenes Gud, Israels Gud: Gå og si til Judas menn og til Jerusalems innbyggere: Vil I ikke ta imot tukt og lyde mine ord? sier Herren.
14Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kumwa waini, anoteererwa; kusvikira zuva ranhasi havamwi, nekuti vanoteerera murayiro wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditeerera.
14Jonadabs, Rekabs sønns bud er blitt holdt, de som han gav sine barn, at de ikke skulde drikke vin, og like til denne dag har de ikke drukket vin, men lydt sin fars bud. Og jeg har talt til eder tidlig og sent, men I har ikke adlydt mig.
15Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imwi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditeerera.
15Og jeg sendte til eder alle mine tjenere, profetene, tidlig og sent, og sa: Vend om, hver fra sin onde vei, og bedre eders gjerninger og følg ikke andre guder for å tjene dem! Så skal I få bo i det land jeg har gitt eder og eders fedre. Men I vendte ikke eders øre til og adlød mig ikke.
16Vanakomana vaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakateerera murayiro wababa wavo, waakavaraira, asi vanhu ava havana kunditeerera;
16Ja, Jonadabs, Rekabs sønns barn har holdt de bud som deres far gav dem; men dette folk har ikke adlydt mig.
17naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri; Tarirai, ndichauyisa pamusoro paJudha napamusoro pavose vagere Jerusaremu zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo; nekuti ndakataura navo, asi havana kunzwa, ndakavadana, asi havana kudavira.
17Derfor sier Herren, hærskarenes Gud, Israels Gud, så: Se, jeg lar komme over Juda og over alle Jerusalems innbyggere all den ulykke jeg har truet dem med, fordi de ikke vilde høre når jeg talte til dem, og ikke svarte når jeg kalte på dem.
18Zvino Jeremiya akati kuimba yavaRekabhi, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, zvamakateerera murayiro waJonadhabhi baba venyu, mukachengeta zviga zvavo zvose, mukaita zvose sezvamakarairwa navo;
18Men til rekabittenes slekt sa Jeremias: Så sier Herren, hærskarenes Gud, Israels Gud: Fordi I har lydt eders far Jonadabs ord og holdt alle hans bud og i alt gjort som han bød eder,
19naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, iye Mwari waIsiraeri, Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangashaiwi munhu ungamira pamberi pangu nokusingaperi.
19derfor sier Herren, hærskarenes Gud, Israels Gud, så: Det skal aldri fattes en mann av Jonadabs, Rekabs sønns ætt som skal stå for mitt åsyn.