1Zvino Dhebhora naBharaki, mwanakomana waAbhinowami, vakaimba nomusi iwoyo, vakati,
1Dengang sang Debora og Barak Abinoams sønn, denne sang:
2Kudzai Jehovha, nekuti vatungamiriri vakatungamirira vaIsiraeri, nekuti vanhu vakauya nokuda kwavo.
2Lov Herren, fordi fyrstene i Israel gikk først i striden fordi folket møtte villig frem!
3Inzwai, imwi madzimambo, teererai, imwi machinda;Ini, iyeni, ndichaimbira Jehovha; Ndicharumbidza Jehovha, Mwari waIsiraeri nenziyo.
3Hør, I konger! Lytt til, I høvdinger! Jeg - jeg vil synge om Herren; jeg vil lovsynge Herren, Israels Gud.
4Jehovha, pakubuda kwenyu paSeiri, Pakufamba kwenyu muchibva kusango reEdhomu,Nyika yakadedera, uye denga rakadonha, Zvirokwazvo makore akadonha mvura.
4Herre, da du gikk ut fra Se'ir, da du skred frem fra Edoms mark, da bevet jorden, himlene dryppet, skyene dryppet av vann.
5Makomo akayerera pamberi paJehovha, Nairo Sinai pamberi paJehovha Mwari waIsiraeri.
5Fjellene skalv for Herrens åsyn, Sinai der borte skalv for Herrens, Israels Guds åsyn.
6Pamazuva aShamugara, mwanakomana waAnati, Pamazuva aJaeri, nzira huru dzakanga dzisingafambwi, Vafambi vaifamba nenzira dzinopota-pota.
6I Samgars, Anats sønns dager, i Jaels dager var stiene øde, de veifarende gikk på krokete stier.
7Misha yakanga isina vanhu munaIsiraeri, yakanga isina vanhu, Kusvikira ini Dhebhora ndichisimuka, Ndichisimuka ini, mai pakati paIsiraeri.
7Det fantes ingen fører i Israel, nei, ingen før jeg, Debora, stod frem, før jeg stod frem, en mor i Israel.
8Vakazvitsaurira vamwari vatsva; Kurwa kukavapo pamasuwo. Kwakanga kuchionekwa here nhovo kana pfumo pakati pavalsiraeri vane zviuru zvina makumi mana here?
8De valgte nye guder, da var der kamp ved portene; ei såes skjold, ei heller spyd blandt firti tusen i Israel.
9moyo wangu unorumbidza vabati vaIsiraeri,Avo vakauya nokuda kwavo pakati pavanhu;Kudzai Jehovha!
9Mitt hjerte slår for Israels høvdinger og for dem som villig møtte frem blandt folket. Pris Herren!
10Paridzai izvozvo, imwi makatasva mbongoro chena, imwi, mugere pamhasa dzinokosha, Nemi, munofamba nenzira.
10Syng, I som rider på lyse aseninner, I som sitter på eders tepper, og I som vandrer på veien!
11Kure namanzwi avanopfura nouta, pavanoteka mvura,Ndipo pavacharumbidza mabasa akarurama aJehovha, Mabasa akarurama oushe hwake muna Isiraeri. Ipapo vanhu vaJehovha vakaburukira kumasuwo.
11Bueskytternes røst lyder ved brønnene; der priser de Herrens rettferdige verk, hans styrelses rettferdige verk i Israel. Dengang steg de ned til portene, Herrens folk.
12Muka, muka, Dhebhora;Muka, muka, iwe uimbe rwiyo! Simuka Bharaki, utape vatapwa vako, iwe mwanakomana waAbhinowami.
12Våkn op, våkn op, Debora, våkn op, våkn op, stem i en sang! Stå op, Barak, og før dine fanger i fangenskap, du Abinoams sønn!
13Ipapo vakanga vakasara vavakuru navanhu vakaburuka, Jehovha wakaburuka nokuda kwangu kuzorwa navane simba.
13Dengang lød det: Stig ned, du lille flokk, stig ned til heltene, du folk! Herre, stig ned og strid for mig blandt kjempene!
14Kuna Efuremu ndokwakabva vanomudzi wavo paAmareki, Vachikutevera iwe Bhenjamini pakati pavanhu vako. PaMakiri ndipo pakaburukira varairi, Nokuna Zebhuruni avo vakabata tsvimbo yokukunda.
14Av Efra'im steg de ned, de som har sin rot på Amaleks fjell; efter dig kom Benjamin blandt dine folk; av Makir steg høvdinger ned, og av Sebulon de som drar frem med hærførerstav,
15Machinda aIsakari akanga ana Dhebhora; Salsakari, ndizvo zvakanga zvakaitawo Bharaki; Vakamhanyira kumupata vachitevera tsoka dzake. Pahova dzaRubheni Pakanga pane mirangariro mikuru yomoyo.
15og fyrster i Issakar med Debora, og som Issakar, så Barak; i dalen styrter de avsted i hans følge. Ved Rubens bekker holdtes store rådslagninger.
16Wakagarireiko pasi pakati pamatanga ezvipfuwo. Uchiteerera kurira kwenyere dzinoridzirwa makwai?Pahova dzaRubheni Pakanga pano kunzvera kukuru komoyo.
16Hvorfor blev du sittende mellem fehegnene og hørte på hyrdefløitene? Ved Rubens bekker holdtes store rådslagninger.
17Giriyadhi wakagara mhiri kwaJoridhani; Newe Dhani, wakagarireiko pazvikepe? Asheri wakagara zvake pamahombekombe egungwa, Wakarambira apo panopinda mvura panyika.
17Gilead - hinsides Jordan blev han i ro, og Dan - hvorfor dvelte han ved skibene? Aser blev sittende ved havets bredd, og ved sine bukter blev han i ro.
18Zebhuruni ndivanhu vakanga vasingatyi kusvikira parufu, NaNafutari panzvimbo dzenyika dzakakwirira.
18Sebulon er et folk som ringeakter sitt liv inntil døden, likeså Naftali på sine fjell.
19Madzimambo akauya akarwa, Ipapo madzimambo eKanani akarwawo PaTaanaki, pamvura zhinji yeMegidho Havana kuwana fuma yemari.
19Konger kom, de stred, dengang stred Kana'ans konger ved Ta'anak, ved Megiddos vann; hærfang av sølv fikk de ikke.
20Nyeredzi dzakarwa dziri kudenga, Dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo.
20Fra himmelen stred de, stjernene fra sine baner, de stred mot Sisera.
21Rwizi Kishoni rwakavakukura, Irwo rwizi rwekare, rwizi Kishoni. Mweya wangu, pfuura nesimba.
21Kisons bekk rev dem bort, den eldgamle bekk, Kisons bekk. Skrid frem, min sjel, med kraft!
22Nguva iyo makumbo amabhiza akarovera pasi Nokumhanya, kuri kumhanya kwavakasimba.
22Da trampet hestenes hover under kjempenes jagende, jagende fart.
23Tuka Merozi ndizvo zvinotaura mutumwa waJehovha, Tuka zvakaipa avo vageremo. Nekuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha, Kuzobatsira Jehovha pakurwa kwake navane simba.
23Forbann Meros, sa Herrens engel, forbann, forbann dets folk, fordi de ikke kom Herren til hjelp, Herren til hjelp blandt kjempene.
24Pakati pavakadzi Jaeri ngaarumbidzwe, Iye mukadzi waHebheri muKeni, Ngaarumbidzwe pakati pavakadzi patende.
24Priset fremfor kvinner være Jael, kenitten Hebers hustru! Fremfor kvinner i telt være hun priset!
25Wakakumbira mvura, iye akamupa mukaka; Wakamuvigira mukaka wakafa pandiro yamambo.
25Vann bad han om, melk gav hun ham; i prektig skål bar hun frem fløte.
26Wakabata mbambo noruoko rwake, Nenyundo yomubati norudyi rwake, Akarova Sisera nenyundo, akaboora musoro wake; Wakarova, akaboora zvavovo zvake.
26Sin hånd rekker hun ut efter teltpluggen og sin høire hånd efter arbeidshammeren; hun slår Sisera med hammeren, knuser hans hode, sønderslår og gjennemborer hans tinning.
27Wakakotama patsoka dzake, akawa, Ipapo paakakotama, ndipo paakawira pasi, afa.
27For hennes føtter seg han ned, falt han, lå han; for hennes føtter seg han ned, falt han; der han seg ned, der lå han fellet.
28Wakatarira pahwindo, akadana, Mai vaSisera vakadana pautanda hwaro; Ngoro yake inononokereiko kusvika?Makumbo engoro dzake anononokereiko?
28Gjennem vinduet skuer hun og roper, Siseras mor, ut gjennem gitteret: Hvorfor venter hans vogn med å komme? Hvorfor dveler hans traveres skritt?
29Vakadzi vake, vakakudzwa, vakachenjera, vakamupindura, Naiye amene wakazvipindura, achiti,
29De klokeste av hennes fruer svarer henne, og selv gir hun sig svar på sine ord:
30Havana kuwana here zvavakapamba, havana kuzvigovana here? Zvimwe murume mumwe nomumwe unopiwa musikana mumwe, kana vasikana vaviri; Zvimwe Sisera uchapiwa nguvo dzakapambwa dzamavara-vara, nguvo dzakapambwa dzemicheka yakarukwa yamavara-vara, nguvo dzamavara-vara dzakarukwa kunhivi dzose, dzakafanira mitsipa yavakapamba?
30Til visse finner de hærfang og skifter: En kvinne, to kvinner til manns, hærfang av farvede klær for Sisera, hærfang av farvede klær, utsydde klær, én farvet klædning, to utsydde halsduker for hver av de hærtatte kvinner!
31Saizvozvo vavengi venyu vose ngavaparadzwe, Jehovha; Asi ivo vanokudai ngavave sezuva, kana richibuda nesimba raro! Nyika ikazorora makore ana makumi mana.
31Måtte alle dine fiender omkomme således, Herre, og de som elsker ham, være som solen når den går frem i sin kraft! - Og landet hadde ro i firti år.