1Anozviparadzanisa navamwe, anongotsvaka kuda kwake, Anorwa nohuchenjeri hwose kwahwo.
2Benzi harifariri kunzwisisa, Asi kuti moyo waro ufukurwe.
3Kana akaipa achisvika, kuzvidza kwasvikawo; Pamwechete nezvinonyadzisa, kushora kunouyawo.
4Mashoko omuromo womunhu akaita semvura yakadzika; Sorukova runoyerera, setsime rouchenjeri.
5Kutsaura akaipa hazvina kunaka; Kana kuramba akarurama pakutonga.
6Miromo yebenzi inouyisa kukakavara; Muromo waro unodana kurohwa.
7Muromo webenzi ndiko kuparadzwa kwaro; Miromo yaro musungo womweya waro.
8Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri.
9Naiye ane usimbe pakubata kwake, Munin'ina womuparadzi.
10Zita raJehovha ishongwe yakasimba; Wakarurama anovangiramo ndokuchengetwa.
11fuma yomufumi ndiwo musha wake wakasimba, Uye sorusvingo rurefu pakufunga kwake.
12moyo womunhu anozvikudza kuparadzwa kusati kwasvika; Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
13Anopindura asati anzwa, Zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa.
14Mweya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake; Asi mweya wakaputsika ungamutswa nani?
15moyo wowakachenjera unowana zivo; Nzeve yowakachenjera inotsvaka zivo.
16Chipo chomunhu chinomuwanira nzvimbo, Chinomuisa pamberi pavakuru.
17Anotanga kutambirwa mhaka yake anenge akarurama , Asi wokwake anosvika womuferefeta.
18Mijenya inogumisa kukakavara; Inotema chirevo pakati pavane simba.
19Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; Kukakavara kwakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo.
20Dumbu romunhu rinogutiswa nezvibereko zvomuromo wake; Achagutiswa nezvakawanda zvemiromo yake.
21Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu; Vanoruda vachadya zvibereko zvarwo.
22Awana mukadzi awana chinhu chakanaka, Avigirwa nyasha naJehovha.
23Murombo anokumbira achinyengetera; Asi mufumi anopindura nehasha.
24Munhu ane shamwari zhinji anoparadzwa; Asi shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.