Shona

Norwegian

Proverbs

24

1Usagodora vanhu vakaipa; Usashuva kuva pakati pavo.
2nekuti moyo yavo inorangarira kuparadza; Nemiromo yavo inotaura zvakashata.
3Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere.
4Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza.
5Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba
6nekuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso.
7Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare.
8Anorangarira kuita zvakaipa, Achanzi navanhu mwene wezvakashata.
9Mufungo woupenzi zvivi; Mudadi anonyangadza vanhu.
10Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma.
11Rwira vanoiswa kurufu; Novourawa usarega kuvadzosa.
12Kana ukati, Tarira, hatina kuzviziva; Ko iye anoidza moyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangadzoaeri mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?
13Mwanakomana wangu, idya uchi, nekuti hwakanaka; Nomusvi unozipa pamukamwa wako.
14Uchaona kuti ndizvo zvichaita uchenjeri kumweya wako; Kana wahuwana, mubayiro uchavapo, Nezvawakatarira hazvingaparadzwi.
15Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora.
16nekuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve; Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi.
17Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, moyo wako ngaurege kufara.
18Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari.
19Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; Uye usagodora vakaipa.
20nekuti munhu akaipa haana mubayiro; Mwenje wakaipa uchadzimwa.
21Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; Usafambidzana navanongoshanduka shanduka.
22nekuti nhamo yavo ichamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva?
23Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera, Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka
24Anoti kune wakaipa, Akarurama, Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema.
25Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo.
26Anopindura namashoko akarurama, unotsvoda nemiromo.
27Gadzira basa rako kunze, Uzvigadzirire iro pamunda; Pashure ugovaka imba yako.
28Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva; Usanyengedzera nemiromo yako.
29Usati, Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo; Ndicharipira munhu sezvaakaita iye.
30Ndakapfuura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiringa womunhu anoshaiwa njere;
31Tarirai, akanga angomera mhinzwa chete; Munda wose wakange wakafukidzwa norukato, Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
32Ipapo ndakacherekedza, ndikanatsofunga; Ndakaona, ndikadzidziswa.
33Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;
34Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu akashonga nhumbi dzokurwa.