Shona

Norwegian

Proverbs

29

1Munhu akarairwa kazhinji, achiomesa mutsipa wake, Achaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
2Kana vakarurama vowanda, vanhu vanofara; Asi kana munhu wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera.
3Ani naani anoda uchenjeri, anofadza baba vake; Asi anoshamwaridzana nezvifeve, anorasha fuma yake.
4Mambo anosimbisa nyika yake nokururamisa; Asi munhu wemitero, anoiparadza.
5Munhu anobata wokwake kumeso, Anodzikira tsoka dzake mumbure.
6Pakudarika komunhu akashata pano musungo; Asi wakarurama achaimba nokufara kwazvo.
7Akarurama anoziva kururamisira mhaka dzavarombo; Asi akaipa haanzwisisi zivo.
8Vadadi vanopisira guta; Asi vakachenjera vanodzora kutsamwa.
9Kana munhu akarurama ane mhaka nebenzi, Iye achatsamwa nokuseka, asi hakungavi nezororo.
10Vanhu veropa vanovenga akarurama; Asi vakarurama vanotsvaka kuraramisa mweya wake.
11Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose; Asi munhu akachenjera anodzipfimbika.
12Kana mubati achiteerera nhema, Varanda vake vose vachava vakaipa.
13Murombo nomunhu anomanikidza vanosangana pamwechete; Jehovha anovhenekera meso avose.
14Mambo anoruramisira varombo nokutendeka, Chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.
15Shamhu nokuraira zvinouyisa huchenjeri; Asi mwana wangoregwa hake anonyadzisa mai vake.
16Kana vakaipa vowanda, kudarika kunowandawo; Asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
17Rairira mwanakomana wako, agokuzorodza; Zvirokwazvo achafadza mweya wako.
18Kana Jehovha asingazviratidzi, vanhu vanoramba kudzorwa; Asi anochengeta murayiro, anomufaro.
19Muranda angaramba kurairirwa namashoko chete; Nokuti, kunzwisisa anonzwisisa hake, asi haane hanya nazvo.
20Unoona munhu unokurumidza kutsamwa? Benzi riri nani kuna iye.
21Kana munhu achirera muranda wake zvakanaka kubva pahuduku hwake, Pakupedzisira achava mwanakomana kwaari.
22Munhu wakatsamwa anomutsa kukakavara; Munhu ane hasha anokudarika kuzhinji.
23Kuzvikudza komunhu kuchamudukupisa; Asi ano mweya unozvininipisa, achakudzwa.
24Ani naani anoshamwaridzana nembavha, anovenga mweya wake; Anonzwa kupikwa, asi haareururi chinhu.
25Kutya munhu kunouyisa musungo; Asi ani naani anovimba naJehovha, achachengetwa.
26Vazhinji vanotsvaka nyasha yomubati; Asi kururamisirwa komunhu kunobva kuna Jehovha.
27Munhu asakarurama anonyangadza akarurama; Uye akarurama panzira dzake anonyangadza akaipa.